RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 3/8 pp. 3-4
  • Ndianiko Anovadzidzisa Pamusoro Pevatano?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndianiko Anovadzidzisa Pamusoro Pevatano?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Izvo Zvikoro Zvinodzidzisa
  • ‘Ndichatenga Bhuku’
  • Dzivirirai Mhuri Yenyu Papesvedzero Dzinoparadza
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Vabereki—Dzivirirai Vana Venyu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Madzidzisiro Api Anonyatsoita?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Vana Vedu—Nhaka Inokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 3/8 pp. 3-4

Ndianiko Anovadzidzisa Pamusoro Pevatano?

MUFARO wakadini unounzwa nomwana mutsva! Vabereki vanofara pamusoro pake, vanotamba naye, uye vanoudza shamwari dzavo chinenge chinhu chiri chose chaanoita. Asi nokukurumidza vanovamba kuziva kuti anovaunzirawo mitoro mitsva mikuru. Mumwe wemitoro inokosha zvikuru ndiwo wokumudzidzisa kuzvidzivirira amene munyika inowedzera muutere.

Ko vabereki vanogona sei kubetsera muduku anodikanwa kuti akure kuva munhu akura muruzivo uyo achafarikanya upenyu hwoushamwari nohunofadza hwemhuri uye zvimwe kurera vana vanotya Mwari vake amene? Vamwe vabereki vangarangarira ikoku sebasa rinenge rinoremedza, naizvozvo zvimwe zvikarakadzo pasina panikiro zvichaongwa.

Zvimwe iwe unodzidzisa vana vako zvikuru nenzira yawakadzidziswa nayo navabereki vako. Asi vabereki vazhinji vakadzidziswa zvishoma, kana zvichitongovapo, pamusoro pevatano. Kunyange kana wakasanodzidziswa, nyika yachinja, ndozvakaitawo zvinodikanwa zvavana. Mukuwedzera, varavi vazhinji vemagazini ino vakawana mipimo yakakwirira zvikuru nenzira iri nani zvikuru youpenyu. Nokudaro, unofanira kuzvibvunza umene, kuti: ‘Ko nzira yandinodzidzisa nayo vana vangu yave ichiwirirana nemirangariro yangu yazvino uno uye zvinodikanwa zvinowedzera zvavana vangu here?’

Vamwe vabereki vanobvumira vaduku vavo kuzviwanira vamene mashoko akadaro. Asika kuita izvozvo kunomutsa mibvunzo inotyisidzira: Vachadzidzeiko? Rini? Kunaani, uye mumigariroi?

Izvo Zvikoro Zvinodzidzisa

Vabereki vazhinji vanoti: “Haiwa, vachadzidza izvozvo muchikoro.” Zvikoro zvizhinji zvinodzidzisa chaizvo pamusoro pevatano, asi zvishomanene zvazvo zvinodzidzisa pamusoro petsika. Aichimbova munyori mukuru weDzidzo weU.S. William J. Bennett akataura muna 1987 kuti zvikoro zvinoratidzira “kuzengurira kwoune kukuita mitsaukano yetsika.”

Tom, baba vavanasikana vaviri vakanaka, akabvunza mumiriri wechikoro chavo, kuti: “Neiko musingataure bedzi kuti vatano kunze kweroorano yakaipa?” Akataura kuti angada kutaura kudaro asi kuti chikoro hachingatsamwisi vanamai vasina kuroorwa vavana nezvikomba zvavo zvavanogara nazvo. Nokudaro, zvikoro zvichaudza vadzidzi kuti vane zvisarudzo asi havawanzotaura chiri chisarudzo chakarurama.

‘Ndichatenga Bhuku’

Vamwe vabereki vangataura kuti: “Ndichavatengera bhuku.” Zvimwe bhuku rakanaka ringabetsera, asi munofanira kusanova nechokwadi zvikuru chokuti munobvumirana nezvarinotaura. Mabhuku mashomanene pamusoro peiyi nhau anobata netsika kana kuti kunyange kududza chakarurama nechisina kururama. Mamwe anorumbidza zvomenemene miitiro youtere. Uye ibhuku rechienzi zvamazvirokwazvo rinoreva kuti vatano inofanira kuganhurirwa kuroorano.

Nokudaro, mutoro wokudzidzisa tsika kuvana uri apo Mwari akauisa pakutanga—pavabereki vavo vane rudo. Bhaibheri rakaudza madzibaba, kuti: “Roverera [mitemo yaMwari] mumwanakomana wako uye taura nezvayo apo iwe unogara mumba mako uye apo iwe unofamba pamugwagwa uye apo iwe unovata pasi uye apo iwe unomuka.”—Dheuteronomio 6:7, NW.

Zvomenemene, vabereki vanogona kuva vadzidzisi vakanakisisa vavana vavo. Hakuna bhuku kana kuti chikoro chinombogona kutsiva simba rokupwisa kwavo kana kuti muenzaniso wemhuri wakanaka. Sokutaura kunoita William Bennett: “Fundo dzinoratidza kuti apo vabereki vanova manyuko makuru edzidzo yevatano, vana sezvingabvira zvishomanene havangapindi muvatano. . . . Vabereki, kupinda munhu upi noupiwo zvake, vanoita rutivi runokosha.”

Zvisinei, vamwe vabereki vanotya kuti zivo ingatungamirira kukuedza. Sezvinooneka ikoku kunotsamira pamwero mukuru pane zvinodzidziswa namadzidzisirwe azvinoitwa. Chinhu chaicho ndechokuti vechiduku vachadzidza pamusoro pevatano. Hakusati kuri nani zvikuru here kuti ivo vadzidze nomutoo wakarurama noune chiremera kuna vabereki vane tsika navane rudo kupfuura kumumwe munhu ari mumugwagwa kana kuti muchivanze chechikoro kana kuti kuvakura vane ndangariro dzisina kuchena?

Asi mubvunzo unoramba uripo, unoti: Unogona sei kudzidzisa izvi zvinhu munzira youmwari neinoremekedzeka? Apo vechiduku vanonzwa kuti “munhu ari wose ari kukuita,” unogona sei kuvapwisa kuti vanhu kwavo zvikurusa uye vanofara zvikurusa havasiri kukuita? Unogona sei kuvabetsera kuziva kuti kurarama mukuwirirana nomurau weBhaibheri woku“rega ufeve” hakusati kuchitungamirira bedzi kuupenyu hwakanakisisa nohunofadza zvikurusa asi kunongovawo nzira bedzi inofadza Mwari? Nyaya dzinotevera dzichakarakadza mhinduro dzinokosha dzeiyi mibvunzo inokosha.—1 VaTesaronika 4:3.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]

“Mipimo vabereki vanoroverera muvana vavo ichiri inoratidzika kuva inokosha kupinda yose.”—U.S.News & World Report

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe