RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 1/8 pp. 9-13
  • Takapukunyuka Bhomba Remhondi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Takapukunyuka Bhomba Remhondi
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuita Kwapakarepo
  • Hope Dzinotyisa Dzomudzimai Wangu
  • Kupukunyuka Kunoshamisa
  • Vanunuri Vanosvika
  • Nhau Yeropa Inomuka
  • Chiremba Anonzwira Tsitsi
  • Zvifundo Zvakadzidzwa
  • Kushanda Kwouhama
  • Jehovha Anokomborera Vaya Vanoregerera Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Ndinogona Sei Kuwana Mufarwa Somwana Mumwe Bedzi?
    Mukai!—1988
  • Itai Zvinoita Kuti Muve Vanhu Vomudzimu Somurume Nomudzimai
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Zvepasi Rino
    Mukai!—2013
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 1/8 pp. 9-13

Takapukunyuka Bhomba Remhondi

SVONDO mangwanani, July 21, 1985, akavimbisa kutonhora, zuva rapakati pokutonhora apo Zvapupu zvaJehovha neshamwari zvakavamba kuzadza Horo yoUmambo yeCasula musabhabhu yokumadokera kweSydney, Australia. Pa 9:35 a.m., David Winder, mukurukuri anoshanyira, akavamba hurukuro yake pamusoro poRuvimbiko rwechiKristu. Chinguvana bedzi pashure pateni kiroko, takanga takatarisa pasi, tichitevera mumaBhaibheri edu sezvaakanga achirava zvinonzwika Johane 6:68.

Haana kutongopedza kurava. Kuputika kukurusa kwakabva pasi pechikuva kwakamusiya achishanyarika pahuriri, odokufa. Shamwari yedu, Graham Wykes, murume uye baba, yakafa pakarepo. Vamwe vazhinji vakakuvadzwa, vamwe zvakakomba. Utsinye hwakadaro husina kudenhwa munzvimbo yokunamatira hwakakatyamadza kunyange nyika yakaoma mwoyo. Mashoko zvaakaparidzirwa, vanhu veAustralia vakaisa ngwariro yavo mukusadavira paTV dzavo napanhepfenyuro.

Kuita Kwapakarepo

Nokukurumidza pashure pokuputika, pakava nokunyarara kwechinguvana. Ndinofunga kuti vazhinjisa vedu vakakatyamadzwa uye vakakangaidzwa, vachitarira-tarira mukutya, vasingakwanisi kutaura kana kubvuma kusawirirana kwechichangobva kuitika. Mhepo yakanga yakobvumara nehuruva. Chitarisiko chose chakaratidzika uye chakanhuhwa senzvimbo yehondo. Vana vakavamba kuchema, uye vamwe vakatanga kujwiririka kwakaparirwa nokuvhunduka. Gare gare, mumwe mucherekedzi, mutyairi wetekisi, akaona “musikana asina kuzivikanwa uyo zvimwe akanga ane chiso chakatsvinda achiiswa muamburenzi aine rutivi rwechiso chake rwakaparadzwa.”a Musikana iyeyo asina kuzivikanwa akanga ari mudzimai wangu, Sue.

Sue akarovanywa ndokupera simba nechimwe chinhu chakamviika kubva pachikuva chakananga muchiso chake. Ruvhe rwezeve dzangu rwakaputika pakarepo. Kwandiri kuputika kwakanzwika sokunge kuti mumwe munhu atendeudzira pombi yemhepo mumusoro mangu—pakanga pasina kurovanya, kushinyira bedzi kwapakarepo, kusingashiviririki sezvo chinhu chiri chose chakava chipfumbu. Nepo takanga tiri mumutsara wechipiri wezvigaro, mukurukuri akanga amire chaizvoizvo pamusoro pebhomba, rakanga ravanzwa pasi pechikuva chamapuranga.

Noruzivo rwokuberekwa narwo ndakahwataira maoko angu ari pamusoro pomusoro wangu nokuda kwokutya madangwaza anodonha. Masekondi mashomanene anotevera akaratidzika semaminiti. Ipapo ndakaziva kuti horo yedu yakanga yabhombwa, uye pfungwa yenhamo yakandibata, nokuti Sue akanga achangobva kutsakatika mumadangwaza nehuruva. Sezvandakadanidzira kuti “Susie, Susie!” mifungo yangu yakanga iri nyongano yemibvunzo: ‘Aurawa here? Zvakadiniko naDavid—navamwe vose vasara? Ndakuvadzwa here?’

Mapuranga esiringi, zvigaro zvepurasitiki, mapango akatsemurwa, mabhegi, namaBhaibheri akabvaruka namagazini zvakamwararidzirwa munzvimbo iri yose. Nokukurumidza zviso zvakatyamadzwa, zvizhinji zvichibuda ropa uye zvimwe zvarovanywa namatsemurwa, zvakabuda mumadangwaza. Huzhinjisa hwaavo vakanga vagere kunenge kushure hwehoro havana kukuvadzwa kunze kwekuvadziko dzoruvhe rwenzeve.

Hope Dzinotyisa Dzomudzimai Wangu

Ndakawana Sue apo ini ndakaona shangu dzake dzakabuda munyasi metaera hombe, bva sezvineiwo rakareruka zvikuru, resiringi. Pandakarikandira kurutivi, ndakanga ndisina kugadzirira zvandakaona. Muromo wapamusoro waSue wakagurwa mukuchichikidza pasi pemhuno yakapwanywa uye wakanga uchirembera pachirebvu chake. Mazino ake apamberi akaputsanywa, uye pandakaona kuvadziko yameso ake namakaapoteredza, ndakatyira kuona kwake. Bvudzi rake rakanga riri bumha rakatinyangarara reropa, rine tsvina, namatsemurwa, uye pamusoro poruoko rwake rworuboshwe pairatidzika kuva pachekwa zvakapisisa. Zvisinei, ndakasunungurwa nokusaona kubuda ropa kukuru kunopfuurira. Asi ndakazoziva gare gare kuti ndakanyengerwa. Chinguvana pashure pokunge ndasimudza musoro wake namapfudzi kubva mumadangwaza, akadana zita rangu mukuneta. Ndakaedza kumunyaradza, mukukanganisa ndichifunga kuti akanga ari kuziva nezvechakanga chaitika. Gare gare Sue akati: “Ndafunga kuti ndanga ndiri kumba ndivete ndichirota hope dzinotyisa uye nomutoo wokupererwa nezano rose ndichida kuti Peter andimutse.” Airatidzika kuva anodzungaira mukuziva nokusaziva, uye handina kuda kumusia, asi ndaida chaizvo betsero.

Chimwe Chapupu, chiri mumugariro wokukatyamadzwa, pasina panikiro chakashatiriswa nechiono chomudzimai wangu, chakanga chichitaura mukusava nomufungo zvachakatisvika. Noruoko rwangu rwakasununguka, ndakaratidzira kuti akotame kuti ndigone kutaura naye. Meso ake akanangidzirwa pana Sue, akakotama ndokundipa ruoko rwake. Ipapo isu takava nomunyengetero mupfupi pamwe chete, tichikumbira Jehovha uchenjeri nesimba rokugonana nakwo. Panguva yatakati ameni, kunyange zvazvo akanga achizere nemisodzi mumeso, akanga awana zvizere ruteramo rwake. Ndakamukumbira kuwana chimwe chinhu chokubatira somutsago nokuda kwaSue.

Kupukunyuka Kunoshamisa

Apo bhomba rakaputika, Paul Hahn muduku akanga agere zvakananga pamberi pangu anenge mamita maviri kubva papiano. Kuputika kwakakandira piano mumhepo, uye chikamu chikuru chayo chakawira pana Paul, chichikwaura nhindi yakati yenyama pamusoro pechidya chake. Mazino ake akanaka apamberi, achangobva mukusungwa nesimbi akapwanywa. Joy Wykes, akasiiwa ava chirikadzi nebhomba, arere pedyopo, aine kuvadziko yakashata yomusoro pamwe chete namamwe maronda. Vaviri vavanasikana vake vakakuvadzwawo.

Pana vakakuvadzwa zvakakomba, mupukunyuki akatanhamara zvikuru akanga ari mukurukuri, David Winder. Bhomba rakakandira iye namadangwaza kubva pachikuva kusvikira kumusoro napaburi apo denga rakanga riri bedzi chinguvana pamberi pezvi. Akaburukira pasi panenge panzvimbo paakanga ave amire. Akanga achiri anoziva asi ari mumugariro wokuvhunduka kukuru. Sezvo tsoka dzake nemipambare zvakanga zvakuvadzwa, vamwe vakafunga kuti haazotongofambizve, asi nhasi anokwanisa kufamba zvishoma. Zvimwe zvezvipfeko zvake zvakawanikwa mumugamutirii waiva pedyo. Chikuva chomukurukuri chakawanwa dzimba nhatu dziri kure muchivanze chokushure chomuvakidzani. Nemhaka yokubuda ropa kukurusa, David akanga ari mumugariro wakakomba. Akaendeswa neherikoputa kuchipatara.

Vanunuri Vanosvika

Mapurisa navakuru vakuru veamburenzi, vanorumbidzwa zvikuru, vakaratidzika kuva vakasvika nokukurumidza zvikuru. Apo vakuru vakuru veamburenzi vakanga vachitarisira vakakuvadzwa, basa ramapurisa rakatapudzwa. Nemhaka yokuti kuputika kwakanga kwanzwiwa kumasabhabhu, migwagwa inosvika kuHoro yoUmambo nokukurumidza yakavharwa namazana avaoni vanoda kuziva, uye manyuko enhau akanga achidisa kutepfenyura iyi nhau. Vamwe vavavakidzani vedu vari pedyo nomutsa vakazvipira kuti vabetsere munzira ipi neipi yavaigona.

Amburenzi nokukurumidza dzakazadza ndokuvamba kuendesa vakuvadzwi kuzvipatara zvomunzvimbomo. Vashandi vapazvipatara vakatyiswa nezvakanga zvaitika. Zvapupu zvakawanda zvomunzvimbomo zvakauya kuzvipatara kuzopa nyaradzo netsigiro. David Winder naSue vakaendeswa kuchipatara chakashongedzerwa zvikurukuru kutarisira vanyajambwa venjodzi. Usiku ihwohwo muLiverpool Hospital uye apo ini ndakanga ndakatindivadzwawo zvangu, vanachiremba vakabvisa matsemurwa akapinda zvakadzika muruoko rwangu. Zuva rakatevera racho, nefunganyo yangu inokura, ndakada kuona mudzimai wangu. Norutyo rushomanene, chipatara chakandisunungura masikati iwawo kuti ndigone kuva naSue.

Nhau Yeropa Inomuka

Ndakamuwana ari muwadhi yokutarisirwa zvikuru, uye pandakatanga kumutarira kubvira kutsoka dzomubhedha wake, ndakachema. Chiso chakashatswa zvikuru, chakazvimba uye chakafinyana zvokusagona kuzivikanwa, chakandikwazisa. Mapoka amasitichi, samazipi maduku matema, akabatanidza chiso chake pamwe chete.

Sue haati aigona kuona nokuti maziso ake, kunyange tsiyo dzake, zvakanga zvakafushirwa mukuzvimba kwenyama. Nezvamapfupa echiso chake, mhuno yake, rushaya rwapamusoro, dama, namapfupa amaburi amaziso zvakaputsanywa. Zvisinei, ngozi chaiyo yakanga iri muidi rokuti chikamu chedehenya rake rapamusoro chaipo pomutanda mhuno wake chakanga chadoforerwa mukati, chichiputisa tsinga. Achingunoveri akapererwa nesimba uye akafushirwa mumadangwaza, ropa rakayererera risingaoneki mudumbu. Kuverengwa kweropa rake kwakaderera kusvika kukutanhatu. (Avhareji nokuda kwomukadzi inenge 14.)

Kuisirwa ropa nokukurumidza kwakava nhau, pakupedzisira kuchiguma nemhinganidzo kuna chiremba wokuvhiya. Akaudza Sue kuti kuramba kwake kubvumidza kuisirwa, kana kuchidikanwa, kwaizodzivisa zvaaigona kumuitira. Sue akaita kuti ave nechokwadi chokuti tose tiri vaviri tainzwisisa ikoku uye “taizogamuchira mumwe mutoo ungashandiswa upi noupi wakati kuti, asi chikumbiro chedu cho‘kuramba ropa’ chakanga chisingachinjiki.” (Mabasa 15:28, 29) Haasati aizogamuchira ikoku.

Kunetswa kwendangariro kwakavamba ndokupfuurira. Sue akabvunzwa kana ane vana vapi navapi, uye apo akapindura kuti, “Kwete” mhinduro yakanga iri yokuti, “Zvakanaka, nokuti ivo vaizova naamai vakashata.” Akataurawo kuna Sue nezvebviro yokumuchatanura kwangu nokuda kwechiso chake. Chii chakava kuita kwaSue? “Ikoko kwakanga kuchitambudza zvikurusa. Ndakashinga kuti kunyange zvazvo chiremba wokuvhiya, munzira yake amene, akada kuti ini ndioneke kuva akanaka sezvinobvira, ndakanga ndisati ndichizomurega achitsika-tsika hana yangu.” Kunetsa kwake kwoutsinye pamusoro pokuisirwa ropa kwakangokwidziridza bedzi kufunganya uye kwakapambadza nguva inokosha. Mukati meiyi nhambo yokukuvara, chakatanhamara mumusiano mukurusa chakanga chiri tarisiro yokunzwira urombo nounyoro zvakapiwa Sue nomunhu ari wose wavashandi vavakoti. Vakawana ruremekedzo rwedu.

Zvino akanga ava mazuva 11 kubvira pakuputika. Mapfupa echiso chaSue akanga ari panhano iyeyo yakakomba apo iwo akanga odokutanga kubatana asi ari munzvimbo dzakashata. Aida kuvhiiwa nokukurumidza! Pakutenderera kwake kunotevera, chiremba wake, mukufufutirwa nehasha kwokupedzisira, akakuwa achiti, “Handizomupi kurapa kupi nokupi!” dzokonokei oenda. Idzi dzakanga dziri nhambo dzokufunganya kukurusa dzoupenyu hwedu. Zvisinei, pakurangarira zvakapfuura kusiya kwachiremba wokuvhiya Sue kwakabvumikisa kuva chikomborero.

Chiremba Anonzwira Tsitsi

Chapupu chiri chirembawo chakataura nokuda kwedu kuna chiremba wokuvhiya kwokudzorera chimiro chechiso uyo akabvuma kurapa Sue achishandisa ruzivo rwungashandiswa munzvimbo makwo. Nepo usati uri mutoo waidikanwa mukurapa, wakabvisa nhau yokuisirwa ropa. Uyu chiremba wokuvhiya akabvumikisa kuva anoremekedza naane tsitsi. Akawana rukudzo rwedu, nokuti akanga akagadzirira kuita unani hwake pasina kushandiswa kweropa.

Mapini amasikuruu esimbi, akareba anenge masendimita 8, akasikuruwirwa mumapfupa akavhunika echiso chaSue. Simbi dzakabatawo aya mapini ari munzvimbo yawo, dzichibvumira mapfupa kuti abatane zvakarurama. “Namarunhicha akachanjamara muchiso changu kwaanenge mavhiki matanhatu, kurara kwakanga kusiri mufaro.” akabvuma kudaro Sue. Rushaya rwake rwapamusoro rwakaputsanywa rwakasungirirwa newaya kurushaya rwake rwapasi rusina kukuvadzwa kuti vave nechokwadi chokuti ruchabatana zvakarurama. Pfungwa yake yokunhuhwidza hayati yaigona kudzorerwa.

Sue ane murangariro wakaisvonaka unosetsa uye, chinokosha zvikuru, akanga achikwanisa kuzviseka, zvakadai sapamufungo wokuti aifanana neTV inofamba.’ Aida ndangariro inopfuura inosetsa, kunyange zvakadaro, nokuti aizove achivhiiwa kwamakore maviri nehafu anotevera. Ikoku kwaibatanidza kuisirwa ruvhe rwenzeve nebasa rinodya mari ramazino.

Zvifundo Zvakadzidzwa

Tose tiri vaviri takadzidza zvifundo zvizhinji, kubatanidza simba romunyengetero uye kuti Jehovha haatongotibvumiri kutambura kupfuura zvatinokwanisa kutsungirira. Patakanangana nachiremba wokuvhiya wokutanga pamusoro penhau yeropa, Sue akati, “Ndakanga ndichitya zvikuru uye ndakasuruvara kuti paitofanira kuva nokunangana kwakadaro. Nguva imwe neimwe yandakanyengetera kuna Jehovha, uye kunzwa kwokuterama chose chose kwakandibata kwakanga kuchindiita ndive nechokwadi zvikuru. Ndakanga ndarava nezvezvimwe Zvapupu zvakanga zvava nechinoitika chakafanana, asi zvino ndakachinzwa ini ndimene.” Zvino tinovimba zvikuru pamusoro pokunangana nemiedzo yomunguva yemberi inobvira, taona kuti Jehovha anobetsera sei mumigariro yataizodai takarangarira kare kuva inotyisa.

Vamwe vanotibvunza kuti nei Jehovha aizobvumidza kuti Horo yoUmambo ibhombwe uye kuti hama ife. Munhau yose, uye munguva yedu, vanhu vaMwari vakatapurwa noutsinye huzhinji. Kudai Jehovha akanga avapoteredza noruzhowa, sokutaura kwakaita Satani kuti kwakanga kwaitirwa Jobho, vavariro dzavo dzokubatira Mwari zvamazvirokwazvo dzaizopanikirwa. Hatina hwaro hwokufunga kuti hatikuvadzwi—kuti Mwari nguva dzose achatiponesa, kunyange kubva ‘mumigariro isingadeyi kuonwa.’ Kugamuchira kwedu kutambura, kana kuti kunyange kurasikirwa noupenyu hwedu nokuda kwezvitendero zvedu kana kuti neimwe nzira, kunorumbidza kunamata kwedu kuva kwechokwadi, kusina udyire—kwete vashandisi vamabanza.—Muparidzi 9:11; Jobho, ganhuro 1 ne Jobho 2; Mateo 10:39.

Kushanda Kwouhama

Mukati meiyi nguva yenhamo, shamwari dzedu dzomudzimu dzakabvumikisa kuva “dzinonamatira pedyo zvikuru kupinda hama.” (Zvirevo 18:24) Sue anotsanangura, kuti: “Vamwe vemhuri yedu vakauya nendege makiromita 4 000 kuti vave nesu mukati mamavhiki maviri okutanga anotambudza. Yakanga iri nyaradzo huru kuva nemhuri neshamwari vagere neni, nokuti kazhinji kazhinji ndaitambura hope dzinotyisa.” Kudirana kunoratidzika kuva kusingagumi kwamakadhi, tsamba, materegiramu, uye maruva zvakadirana zvichibva kuhama nehanzvadzi dzine mufungo mose muri muviri muno nokunzvimbo dziri kure. Takaonga sei nokuda kwa“maapuro (iwaya) endarama ari mundiro dzesirivha.” (Zvirevo 25:11) Uchapupu hwakaisvonaka hwakavapo somuuyo. Zvamazvirokwazvo ikoku kwakanga kuri kushanda kwouhama.

Sue anowedzera, kuti: “Betsero inoshanda yakauyawo. Shamwari dzapedyo dziri Zvapupu dzaiita musvi wemichero nemiriwo zvikurukuru wakapfuma muiron. Takarangarira kuti sezvo takanga tichikumbira vanachiremba kuremekedza zvishuvo zvedu, takanga tichisungirwa kuva vanovatsigira, uye muchinoitika changu, ikoku kwakareva kuvaka ropa rangu. Ndakagamuchirawo wedzero yeiron.” Vazhinji vedu vakava vane unyanzvi pakushandura zvokudya zvakasimba kuva zvakaita mvura, uye kurumbidzwo yake Sue akava anokwanisa chose pakuzvinwa. (Wati wamboedza kudya zvokudya zvakakangwa nesituro here?) “Muuyo waikoku kose wakanga uri wokuti kuverengwa kweropa rangu kwakawedzera nakatatu pamberi pokuvhiiwa, kwakafadza zvikuru chiremba wangu mutsva,” anodaro Sue.

Rushiviro, rudo, munyengetero, betsero yomudzimu waMwari, uye kungopfuura bedzi kwenguva, uyewo kudya kune mufungo, zvose zvakabetsera kukunaya kwaSue. Dzimwe kuvadziko dzakasia chimwe chinhu chinosara icho ubati ushe hwoUmambo hwaMwari hucharuramisa munguva yahwo imene. Kana chiri chiso chaSue, kuna avo vanosanomuziva, chakatisianei hacho asi zvisinei tinoonga chiremba wake. Uye kwandiri achiri akanaka.

Hungu, tariro yedu seZvapupu zvaJehovha ndichimwe chinhu chinokosha. Inogona kutipfuudza nomumuedzo upi noupi. Uye panzvimbo pokunetesa ungano mumudzimu, iyi nhamo yakasimbaradza zvisungo zvedu. Shamwari inofarira, yakanga iripo pakubhobhiwa, inobvuma nenyemwerero kuva yaka‘bhomberwa muzvokwadi.’ Zvayakazvionera imene denho yakadaro youtsinye pamhuri dzinoda rugare, akava anoshinga zvikuru kuronda fundo yake yeBhaibheri.

Kusvikira zvino hakuna munhu akapomerwa kubhomba, asi mapurisa ane nyumwiro huru, mukuwirirana nepomero mhondi inotsiva yaivenga Zvapupu. Zvisinei, haana ufakazi hwakakwana hwokumutsa pomero. Iye akabatanidzwa kuchiverengero chakati kuti chedzimwe mhaka.

Zvino, kwaanopfuura makore matanhatu gare gare, Sue neni tinopfuurira kufarikanya ropafadzo yokubatira semitezo yehofisi yeWatch Tower muAustralia. Mufaro chaiwo nokuda kwedu wakanga uri kutsaurirwa kweHoro yoUmambo yedu itsva yakavakwa nokukurumidza, yakavakwa pana June 22-24, 1990, pedyo nenzvimbo yehoro yekare yakabhombwa. Rudo rwechiKristu rwakakurira ruvengo rwoupofu rwomunhu.—Sezvakataurwa naPeter naSue Schulz.

[Mashoko Omuzasi]

a The Sydney Morning Herald, July 27, 1985.

[Mifananidzo iri papeji 10]

Mufananidzo wazvino uno waPeter naSue Schulz

Sue Schulz aine chiso chake chakasungwa newaya kuti chiumbikezve

[Mufananidzo uri papeji 13]

Horo yoUmambo itsva uye yakakura zvikuru

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe