Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kuwana Mufarwa Somwana Mumwe Bedzi?
“NDINOKUVENGA. Ndinokuvenga,” akachema Sue Ann ane makore 16 okukura. Asi Al, muduku namakore maviri, akati: “Ndinoda kuva mwana mumwe bedzi.”
Vose vari vaviri, chokwadika, vaiva nezvikonzero zvavo. Asi kungagona kudaro here kuti Sue Ann akanga achinyanyosimbisa dzisiri betsero, nepo Al akanga achiona zvikuru betsero? Iwe—zvikurukuru kana uri mwana mumwe bedzi—unorangarira sei nhau yacho? Unonzwa here saSue Ann kana kuti saAl? Kana kuti zvimwe kuda kuti fananei navose vari vaviri?
Edza Kunzwisisa Chikonzero Nei
Mhuri ine mwana mumwe haisati ichitongova mupimo wenyika. Asi mwero wokubereka mudzimwe nyika, zvikurukuru muNorth America neEurope, waderera zvikuru kwazvo zvokuti kuva mwana mumwe bedzi kuchava mugariro wamamirioni avanhu zvino vari kuberekwa. Uye muChina, iyo chibviro cha 1979 yakapfuuridzira purogiramu yakaoma yokudzora kubereka, kune mhuri dzinonzi mamirioni 35 dzine mwana mumwe chete. Nepo vamwe vana vangawana mugariro uyu kuva wakaoma kugamuchira, Elke, mukadzi muduku uyo akakura somwana mumwe bedzi, anotaura kuti kuziva chikonzero nei kwakamubetsera. “Ndakanzwisisa zvikonzero zvavabereki vangu,” iye anotsanangura, “uye ndinofunga kuti ikoku kunokosha kana mwana mumwe bedzi achizofara nokugutswa.”
Zvikonzero zvacho zvingave zvine chokuita nenzanga, utano, kana kuti zvorudzi rumwe rwomunhu oga. Kana kuti ingagona kungova zvayo nhau yepfuma. Waiziva here, somuenzaniso, kuti muGreat Britain kana kuti United States ndyiko yokurera mwana mumwe kusvika akura inogona kusanopfuura $100 000? Wanziridza iyoyi na 2, 3, kana kuti 4, uye unganzwisisa nei vamwe vabereki vachiti ‘mumwe akakwana.’
Chipi kana chipi chingava chikonzero chacho, mwana mumwe bedzi haadikanirwi kukangaidzika zvisakafanira pamsoro penguva yake yemberi. Imwe fundo yakabudiswa muna 1954 navadzidzisi Cutts naMoseley yakazivisa kuti mwana mumwe bedzi sezviri pachena haasati achiva akasiana zvikuru navamwe. Uye misi ichangobva kupfuura iyi zvikuru Dr. Alice Loomer, achinyora muParents Magazine, akataura kuti kunyange zvazvo kuva mwana mumwe bedzi kuchamutapura, “chinokosha zvikuru kupfuura idi rimwe ro‘kuva mumwe’ ndechokuti migariro yose youpenyu hwomuduku inobatana sei kumuita munhu akatsaukana sezvaakaita.”
Sezvinooneka haugoni kuchinja mugariro wako, naizvozvo chakavanzika chomufarwa chiri mukufarikanya betsero dzokuva mwana mumwe bedzi, uchideredza dzisiri betsero dzako. Kuri nani zvikuru, edza kubetserwa nedzisiri betsero idzodzo. Seiko?
Chinja Zvakaipa Kuva Zvakanaka
KUSHAIKWA KWOUSHAMWARIDZANI: Songanirano navakoma nehanzvadzi inokudzidzisa kuti munhu ari wose akasiana uye kuti munhu anofanira kudzidza kuremekedza kufunga kwavamwe. Kunogona kukubetserawo kuchikoro, kuchikuita kuti kuve nyore zvikuru kuwirirana navamwe vana. Asi kana songanirano yapamusha ichishaika, iva anodisa kuitsvaka kune imwe nzvimbowo zvayo. Ukasadaro uchava woga. Ungagona kukombamira kuva asingatauri uye zvichida kuguma wava zindoga. Ikoku kunofanira kudziviswa, nokuti mambo wakachenjera wakare akanyevera, kuti: “Unozviparadzanisa navamwe, unongotsvaka kuda kwake; unorwa nouchenjeri hwose kwahwo.”—Zvirevo 18:1.
Zvomenemene, ipapoka, iwe unogona kusarudza “vakoma” ne“hanzvadzi” vako umene, kuchitsamira patendero yavabereki, chokwadika. Al anoona muna ikoku betsero chaiyoiyo, achiti: “Ndinotarira shamwari dzangu dzose dzine vakoma nehanzvadzi vakashata vakadaro uye ivo vose vanovengana ndokurwa nguva yose. Ibopoto rakadini.” Chokwadika, uyu hausi mugariro mumhuri dzose, asi iwo zvimwe ndiwo chinoitika kazhinji kazhinji zvakakwana kuita pfundo rakasimba.
Nemhaka yokuva navashoma musonganirano yomuimba, uchava nenguva yakawanda yefundo, fungisiso, kana kuti kukudziridzwa kwounyanzvi hwakati. Mwana mumwe bedzi vakawanda vakakurira mirangariro youshoma kana kuti kushaikwa kwoushamwaridzani kupfurikidza nokuva muravi anoshingaira. Nokudaro zvichida kuri kusiri pasina chikonzero kuti mwana mumwe bedzi anowanzorangarirwa somwana anokosha, uyo sezvingabvira zvikuru anokudziridza mashoko akawanda zvikuru, uyo achaita zvakanaka mukufunda.
NGWARIRO YAKANYANYISA: “Somwana mumwe bedzi ndaiva nengwariro yakakwana yavabereki vangu,” anodaro Thomas, uye iye anokurangarira kuva betsero. Chokwadika, ngwariro yavabereki yakanyanyisa inogona kuva isiri yebetsero, kushatisa mwana, kumuita kuti ave noudyire. Kana kuti kunogona kuva kunodzvinyirira. Asi pane rumwe rutivi, kana uchirangarira kuti vabereki vako vane nguva duku zvikuru nokuda kwako—sezvinoita vana vakawanda—funga kuti kwaizova kwakaipa zvikuru sei kudai waifanira kuvagoverana navakoma nehanzvadzi vanoverengeka. Kutaura idi, ngwariro isina kukamuraniswa yavabereki vako inogona kukubetsera kukura nokukurumidza zvikuru, kunzwa wakasununguka uri pavakuru, uye kukwanisa kukurukura navakuru pamwero wavo.
BATANO DZENZANGA: Chikonzero chimwe chokuchema kwaSue Ann pakuva mwana mumwe bedzi ndeichi: “Paunenge uri woga, hauna batano . . . Kwakaoma kuronga misi yokundovhakacha. Unofanira kubuda nomukomana akanakisisa weshamwari dzako, kana kuti chipi nechipi . . . Ndinoda kuti kudai ndaiva nehanzvadzi. Hanzvadzi huru.” Zvisinei, wakachenjera kumira kutozosvikira iwe vakura zvakakwana kuroorwa usati waronga musi wokundovhakacha. Uye kana ushamwari huri hwaunoda, yeuka kuti batano dzenzanga dzinogona kuitwawo kupfurikidza neshamwari. Pane rumwe rutivi, shaiko yeonano yenzanga nemitezo yevatano yakasiana mukati mamakore ouduku okutapurika hakusi chinhu chakashata zvacho. Munyika yanhasi yapenga nomufarwa, ine vatano yakawanda, kunogona kutova dziviriro.
Funga Nezvavamwe
Somwana mumwe bedzi, ungabvumirana naJay, uyo akati: “Kwakaisvonaka nemhaka yokuti handifaniri kugoverana zvipfeko, motokari kana kuti chinhu chipi nechipi.” Kungava kwakaisvonaka, asi pakupedzisira kuchaparira mufarwa mukuru kana ukadzidza kugoverana, kunyange apo usingafaniri kudaro. Chokwadi, iwe hauna vakoma nehanzvadzi vokugoverana navo, asi zvimwe une hama dzokunyama kana kuti vamwe. Chokwadi, iwe une shamwari. Uye chii chakaipa nokugoverana navabereki vako?
Peter anoonga nguva iyo vabereki vake vanopedza vachimudzidzisa kushanda namaoko ake: “Ndakaita zvipo zvakawanda, marudzi ose ezvinhu, chinhu chipi nechipi chandaigona kufunga nezvacho,” iye anodaro, “uye uku kwakandidzidzisa kuti unogona kuita kuti vamwe vafare uye nomutoo iwoyo kuzviita umene anofarisisa wavose.” Hungu, chirevo chinoti “Mukupa mune mufarwa mukuru kupfuura uri mukugamuchira” chigere kubvumikisa kuva chenhema.—Mabasa 20:35, NW.
Kudziridza kuona zvinodikanwa zvavamwe. Ko iwe unogona here kupa mumwe munhu shoko rinokurudzira? Unogona here kubetsera mumwe munhu muchinodikanwa chokunyama? Unogona here kutumwa navakaganhurirwa pamba kana kuti vakwegura? Kana iwe uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, unogona here kugoverana zivo yeBhaibheri navamwe kana kuti kubetsera maKristu biyako kupinda misangano kana kuti kupinda mukuparidzira kwechiKristu?
Tevera Mienzaniso Yakanaka
Bhaibheri rinodudza mumwe munhu muduku uyo “akanga ari mwana wake mumwe chete.” Unoziva here kuti iyeyu akanga ari ani? Tendeukira kuva Vatongi ganhuro 11, ndima 29 kusvikira ku 40, uye rava pamsoro pomwanasikana waJefta.
Mwanasikana waJefta sezviri pachena akanga asiri mwana mumwe bedzi, sezvo Bhaibheri richiti iye aiva ne“shamwari.” Uye sezvinooneka iye akanga asiri mwana akakanganiswa kana kuti ane udyire. Apo akarairwa kuwirirana nezvinodikanwa zvemhiko yababa vake, iye akanga achidisa kuisa fariro dzaMwari pamberi pezvishuvo zvake zvomuzvarirwo zvakafanana neroorano nokuva mai. Vanhu vaduku vazhinji nhasi vari kutevera nhungamiro yake.
Rangarira Thorsten, somuenzaniso, zvino anobatira somushumiri wenguva yakazara muhofisi yebazu yeEurope yeWatch Tower Society. Iye anoti: “Kudai ndakava navakoma nehanzvadzi, zvimwe ndingadai ndisina kusangana nezvinetso zvakati. Pane rumwe rutivi, ndingadai ndisina kutongowana maawa anofadza akawanda andakakwanisa kupedza namabhuku angu, uye zvichida ndingadai ndisina kukudziridza kuongwa kukuru kwezvokwadi, kwouhama, uye kwoushumiri kwandinako zvino. Ndichiri kuda kuva ndoga padzimwe nguva. Asi handisiri ndoga nemhaka yokuti ndakadzidza kuzvichengeta ndimene ndakabatikana. Handisati ndichasiri mwana mumwe bedzi—kanenge chose chose.”
Iwewo, kufanana nomwanasikana waJefta uye kufanana naThorsten, unogona kuwana mufarwa somwana mumwe bedzi.
[Mufananidzo uri papeji 17]
Ndinowanzorasikirwa nokusava nomukoma; bva ndine betsero dzakati