“Rudzidziso Runobatanidzwa Mukuputsika Kukuru Kwetsika Dzedu”
UYU musoro womuEl Heraldo Barranquilla, Colombia, wakanga uchikatyamadza mauri iwo umene. Asi uyo akataura akatouita kuti uve une revo zvikuru—muprista weKaturike weJesuit Alberto Múnera, chiremba woruzivo rwoumwari wapaGregorian University yeRome. Iye akanga achitsinhira pamusoro pokuputsika kwetsika muColombia.
Iye akati: “Vose veColombia vaKaturike. Hatigoni kufuratira idi rokuti rudzidziso runobatanidzwa mukuputsika kukuru kwetsika dzedu. Seworuzivo rwezvoumwari, munhu anozvibvunza amene, kuti: Chii chakaitika kurudzidziso rwedu rweKaturike apo runoratidzika kuva rwusina mitezo yakaringanira yokutsigira tsika dzomutumbi [wavanhu] kana kuti kurubvumidza kunangana nechinjo yenhambo inoremekedzeka, kupfuura mumugariro wekare kuenda kumutsva pasina kuputsika kwechimiro chose chenzanga?”
Pashure pohufakazi hunorondedzera mashoko ose oudzame hwezvamatongerwe enyika nokuputsika kwetsika, kubatanidza nokutengesa mirimo, kuurawa kwavezvamatongerwe enyika, namasimba masimba akashongedzerwa nezvombo, iye akabvunza, kuti: “Ndivanaaniko vanoita zvinhu izvozvi? Vanhu vari vorudzidziso rwechiIslam kana kuti rwechiBuddha here . . . kana kuti vanhu vasina rudzidziso? Kana kuti ivo vanhu avo iwe wakaona muzvinoitika zvorudzidziso vachigoverana norushingairo paChidyo chaShe uye vachinyengetera kunaShe Wedu kuti avabetsere kubudirira mubasa ravo?”
Zvamazvirokwazvo, Jesu navadzidzi vake vakasimbisa mufambiro wechiKristu sohufakazi hwechiKristu chechokwadi, kwete kutora rutivi mumiitiro. Jesu akati: “Kupfurikidza nourwu rudo rwamunarwo nokuda kwomumwe nomumwe, munhu ari wose achaziva kuti imi muri vadzidzi vangu.” (Johane 13:35, The Jerusalem Bible) Ndirwo rudo here apo muKaturike anouraya kana kuti anovenga munhu biyake, kana kuti anorozva, anobata chibharo, anorevera nhema, kana kuti anobira, kana kuti anotengesera mirimo? Uye rudo rwechiKristu here apo chechi inosatora chiito chokuchengeta mitezo yayo yakachena pavanhu vakadaro voutere hwakashata? Kureva idi, matsotsi akapfuma anowanzorumbidzwa namariro anoorora nemimwe miitiro yorudzidziso.
Mukusiana, ungano yapakuvamba yechiKristu yairanga vaiti vezvivi vasingapfidzi vane mhaka yokuita chakaipa chakakomba. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Izvo ini ndakanyora zvakanga zviri zvokuti imi munofanira kusasonganirana nomuKristu ari hama uyo anorarama upenyu hwoutere, kana kuti gororo, kana kuti anonamata zvifananidzo, kana kuti mucheri, kana kuti chidhakwa, kana kuti asina kutendeseka; imi hamufaniri kunyange kudya chokudya navanhu vakadai.” Asi, munhu haawanzonzwa nezvokudzingwa musangano, kunze kwezvikonzero zvezvamatongerwe enyika zvokusadavira kuvapo kwaMwari kana kuti zvokutsauka padzidziso yechechi.—1 VaKorinte 5:9-11; 6:9-11, JB.
Panzvimbo pokupa ngwariro yakafanira kudzidziso yeBhaibheri nohunhu hutsva hwechiKristu, Chechi yeKaturike kwamazana amakore yakazviputsa iyo imene kupfurikidza nokunyengetera norusariro, kupinda Misa, nokureurura kumuprista. (VaEfeso 4:17-24) Muuyo nhasi ndowokuputsika kwetsika netsigiro inoderera nokuda kwechechi. Múnera muJesuit akatsinhira pamusoro pomugariro weChechi yeKaturike yomuColombia, kuti: “Tiine rudzidziso rwakadaro, sezviri pachena hatingagoni kudavidza kumigariro yatiri kurarama mairi. Ndirumwe rwezvisakiso zvikuru izvo chiKristu chedu chinoratidzika kuva chakaputsika nokuda kwazvo . . . kuti [vaKaturike] havatongoratidziki kuva maKristu nhasi.”
Chokwadi, kuputsika kwetsika kwazvino uno kunoshanda kuvanhu vamarudzidziso ose. Vazhinji vanokarira rubhapatidzo rwechechi, muchato, namariro vanopfuurira kureva nhema, kuba, kuita ufeve, uye kunyengedza vasingatongowani chirango chakafanira. Kunyange matsotsi mazhinji akabatwa anokambira kuti iwo ane rudzidziso rwaanosonganirana narwo—chiKaturike, chiPurotesitendi, chiJudha, zvichingunodaro. Asika, zviito zvavo zvinoratidza kuti rudzidziso rwavo rwakakundikana kubudisa mavari hunhu hutsva. Pomero nokuda kwaikoku inogona kuva netsotsi iro rimene uye/kana kuti norudzidziso rwake rwakakundikana kupesvedzera kufunga kwake nomufambiro. Uko chiverengero chikuru chinoreva zvakawanda kupfuura vara, rudzidziso runorashikirwawo.
Kwakangofanana nokudeya kuporofita kwakaita Pauro nokuda kwa“mazuva okupedzisira,” kuti: “Ivo vacharatidzira chimiro chokunze chorudzidziso asi vachave vakaramba simba romukati rarwo. Asina chinhu chokuita navanhu vakadaro.”—2 Timotio 3:1-5, JB.
Rudzidziso Pashure paMafashamo
Edmond naJules de Goncourt, vanyori vechiFrench vanoshandira pamwe chete vomuzana ramakore rechi 19, vakanyora, kuti: “Kusadavira kuvapo kwaMwari kunovengwa zvikuru kupinda rudzidziso.” Uye kureva chokwadi, rudzidziso rwenhema runovirimira Musiki wavanhu. Kupfurikidza nokuruparadza mu 2370 P.N.V. paMafashamo, zvisinei, Musiki akabvumikisa kuti iye haazati achizozvirega amene achivirimirwa nokusingaperi.
Iyi zvokwadi huru haina kuchinja, kunyange zvazvo rudzidziso rwenhema rwakaonekazve. Chokwadika, pashure paMafashamo, rwakanga rwodokutora zvimiro zvinooneka izvo zvaizosvasvavirira kumazana amakore ndokubatanidza pasi rose. Rwaizosvasvavirira kukutapura! Muchinyorwa chedu chinotevera, nyaya yedu inoti “Muvhimi, Shongwe, Uye Iwe!” ichatsanangura kuti sei.
[Mufananidzo uri papeji 9]
Rudzidziso kazhinji kazhinji runonyengera. Harudzivisi ruvengo rwedzinza, utsotsi, utere