Nguva Yemberi Yorudzidziso Pakurangarirwa Kwenguva Yarwo Yakapfuura
Chikamu 23: 1945 kuchipfuurira—Nguva Yokugadzikisa Nhau Yava Pedyo
“Chinodikanwa chokutanga nokuda kwomufarwa wavanhu ndikwo kubviswa kworudzidziso.”—Karl Marx, nyanzvi yamagariro avanhu nenyanzvi yomugariro wemari yeGermany yomuzana ramakore rechi 19
PASINEI hapo nokuva namadzisekuru avarabhi vechiJudha vasingaverengeki mumativi ose ari maviri emhuri, Karl Marx akabhapatidzwa somuPurotesitendi pazera ramakore matanhatu. Asi achiri muduku akaodzwa mwoyo norudzidziso nezvamatongerwe enyika. Akataura kuti kudai rudzi rwomunhu rwaizotongowana mufarwa, zvose zviri zviviri zvaizotofanira kuchinjwa chose chose.
Bhaibheri rinobvumirana naikoku. Asi nepo chinjo hurusa dzakakarakadzwa naMarx dzisina kuunza vandudziko chaiyoiyo, idzo dzakadeya kuziviswa neBhaibheri kuti dzichaitika muchizvarwa chedu dzichagumiswa norubudiriro runogara narini. Hapagoni kuva nepanikiro pamusoro paikoku.
Zvikurukuru chifo cha 1914, mhaka yeropa yorudzidziso rwenhema yasvika mwero wokugumisira. Chifo chenguva iyeyo rudzidziso rwenhema rwakatapurwawo nokusaitira hanya kunowedzera netsigiro inodiwa inononozeka. (Ona nyaya mbiri dzinotangirei munhevedzano iyoyi.) Mumusiano mukurusa, rudzidziso rwechokwadi rwakabudirira nomutoo wakatanhamara gore negore.
Asi chii chichigere kusvika? Nguva ino sezvisakamboitika nakare kose, kwakakodzera kubvunza kuti, Chii chiri nguva yemberi yorudzidziso mukurangarira nguva yarwo yakapfuura?
Bhaibheri Rinoti Kudiniko?
Zvinoitika zvomuzana rokutanga ramakore reNguva yedu yaVose zvinojekesa nhau yacho. Nemhaka yokuve akagamuchira rudzidziso rwenhema, Israeri akanangana nenguva yemberi yakadeya kuziviswa kuti ichagumira mukuitwa kworutongeso rwaMwari mukurwisana norudzirwo. Asi gadziriro yakaitirwa avo vanoshandisa rudzidziso rwechokwadi kuti vapukunyuke ruparadziko pamwe chete netsika yechiJudha. Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Apo imi munoona Jerusarema rakomberedzwa namauto akadzika misasa, ipapo zivai kuti kuitwa dongo kwaro kwaswedera pedyo. Ipapo avo vari muJudhea ngavavambe kutizira kumakomo, uye avo vari pakati paro ngavabude.”—Ruka 21:20, 21, NW.
Muna 66 N.V., mauto eRoma akakomberedza Jerusarema. Guta rakaratidzika kuva rashurikidzwa. Asi nokukurumidza mauto akabva, achipa maKristu banza rokutizira kukotsekano. Zvisinei, pfungwa ipi neipi yokuti Israeri akatsauka pakutenda akanga apukunyuka chirango yakabvumikisa kuva yenhema makore mana gare gare apo vaRoma vakadzoka, zvakare akakomberedza gutaro, uye pakupedzisira vachiritora pakurashika kunotyisa kwoupenyu kuna avo vari mukati. Masada, nhare yokupedzisira yechiJudha, yakaputsika makore matatu gare gare. Zvisinei, rudzidziso rwechokwadi sorunoshandiswa namaKristu akatendeka, rwakapukunyuka.
Zvino, muchizvarwa chedu, umambo hwose hwenyika hworudzidziso rwenhema rwumire rwakanangana nengwavaira. Zvakare “mauto akadzika misasa” ari kugadzirira kuita rutongeso rwoumwari. Mukufanana namauto eRoma omuzana rokutanga ramakore akanga akagadzirirwa kuchengeta Pax Romana (Rugare rweRoma), mauto akadzika misasa anhasi igadzirirowo iri kuchengeta rugare. Uporofita hweBhaibheri hunoratidzira kuti mauto akashongedzera zvombo ari pakati pamarudzi emitezo yeCM achava gadziriro yaJehovha mukugadzikisa nhau kwokupedzisira neJerusarema romuzuva razvino uno, chiKristudhomu, pamwe chete neBhabhironi Guru rasara.—Zvakazarurwa 17:7, 16.
Ikoku kuchaitika riniko? VaTesaronika Wokutanga 5:3 (NW), inopindura kuti: “Pari pose apo ivo vanoti: ‘Rugare nechengeteko!’ ipapo nokukurumidza ruparadziko ruchawira pavari pakarepo samarwadzo enhamo pamukadzi ane mimba; uye havazotongopukunyuki.”
“Denda Rorugare”
Mukati ma 1988 aichimbova munyori wehurumende weU.S George Schultz akataura kuti “rugare ruri kuitika kunzvimbo iri yose.” Nyanzvi yomuitiro wokumwe yakataura nezve“denda rorugare.” Die Zeit revhiki nevhiki rine mukurumbira reGermany rakabvunza, kuti: “Kunogona here kuitika, muzana ramakore rakasanozadzwa zvikuru nengwavaira, kuti makore gumi okupedzisira angaratidzira mugumo woruparadziko uye mavambo enhambo yegadziriro yorugare?” Uye magazini yeTime yakati: “Rugare ruri kutyisidzira muIran neIraq, Kampuchea, Afghanistan, Africa yokumaodzanyemba uye kunyange Central America.”
Gore ra 1989, zvino rosvika kukupera, ravewo rakazara nehurukuro yorugare. Muna February pepanhau reGermany rine tsinhiro dzomupepeti wenhau rinonzi Süddeutsche Zeitung, rakati: “Chifo chomunenge muna 1985 tave tichigara murutivi umo masimba makuru akaita zvakawanda zvinopfuura kungovanza nzara dzawo . . . Nhasi hakutongorina nzvimbo pasi pano uko masimba makuru maviri asiri kubatana. . . . Zvisinei, kupfuura nakare kose zviratidzo hazvina kutongova zvinokurudzira zvikuru, mativi ose ari maviri anobhishaira zvikuru, uye nhano zhinji zvikuru dzakaitwa panguva imwe cheteyo murutivi rwakarurama.”
Pamisi ichangobva kupfuura iye sapamakore matanhatu akapfuura, zvinhu hazvina kuratidzika kuva zvakajeka zvikuru. Wezvokutora nhau Roy Larson akataura kuti “muna 1983 mose vatungamiriri vorudzidziso kupota nyika yose vakadanidzira kuti ‘rugare, rugare,’ asi kwakanga kusina rugare.” Ko zvinoitika zvenyika zvinokatyamadza kubvira panguva iyeyo izadziko ya 1 VaTesaronika 5:3 here? Hatigoni kutaura. Hunyanguvezvo, kuri pachena kuti nhasi, muna July 1991, “rugare nechengeteko” zviri pedyo zvikuru nokuzadzika kupinda kare kose.
Vatungamiriri Vorudzidziso Vanoshanda Nesimba—Nokuda Kwechii?
Sokuratidzira kunoita Larson, vatungamiriri vorudzidziso vave vari vasingashingairi mukuronda rugare. Achipfuuridzira chisarudzo chake cha 1983, anodudza “rwendo rworugare” rwokuenda Central America neCaribbean uko John Paul II akaita. Uyewo mukati megore racho, Dare raMarudzi reU.S. raMabhishopi avaKaturike rakagamuchira tsamba yomufudzi ine musoro unoti “Denho yoRugare.” Nokukurumidza pashure pacho, vamiriri vaanopfuura machechi 300 vanobva munyika 100 vakasangana paMusangano Wavose wechitanhatu weDare reNyika Ramachechi ndokutendera chisarudzo chakafanana. Vaevhangeri vazhinji vePurotesitendi vakabatanidzwawo mune icho Larson akadana kuti “kubatikana kwemburumbwa yose norugare.”
Pakutangwa kwaro muna 1948 uye pamusangano waro womuna 1966, Dare Ramachechi reNyika rakataura nesimba mukurwisana nokushandiswa kwezvombo zvazvino uno zvokuparadza. Naizvozvo, vakuru vorudzidziso vazhinji navafundisi vakarwira rugare, vanhu vakadai somufundisi wavaPurotesitendi weGermany Helmut Gollwitzer. Pakuvamba zvikuru muna 1989, panhambo yezuva rake rokuberekwa rechi 80, akarumbidzwa nepepanhau revhiki nevhiki ravaPurotesitendi reSwitzerland so“mufundisi akabatikana mune zvamatongerwe enyika, anogarovavarira rugare,” uyo “kupfurikidza nedzidziso yake uye musengwa wezvamatongerwe enyika akapesvedzera vafundisi vazhinji uyewo sangano rorugare mukati mechechi.”
Nokudaro, hakushamisi kuti Bhabhironi Guru rakatsigira nomutoo wokushingaira Gore roRugare raMarudzi Ose ra 1986, rakatumidzwa serakadaro nesangano reChibatanwa chaMarudzi, rine rugwaro rwechiremera runoraira pariri “kuchengeta rugare nechengeteko zvamarudzi ose.” Mukati megore irero, papa weKaturike, Bhishopi Mukuru weAnglican weCanterbury, navamwe vatungamiriri vorudzidziso 700, kubatanidza maKristu okunyepedzera, vaBuddha, vaHindu, vaMuslim, vezvokudavira mudzimu vomuAfrica, vaAmerica vechibarirwe, (maIndia), vaJudha, vaSikh, vaZoroaster, vaShinto, navaJain, vakasangana pamwe chete paAssisi, pedyo neRoma, kuti vanyengeterere rugare.
Pamisi ichangobva kupfuura iyi zvikuru, muna January 1989, Sydney, Australia, Sunday Telegraph yakanyora kuti mitezo yo“kutenda kwechiBuddha, chiKristu, chiHindu, chiJudha, chiMuslim, chiSikh, chiUnitarian, chiBaha’i, chiConfucius, chiJain, chiShinto, chiTao, chiRaja Yoga nechiZoroaster” yakanga yaungana muMelbourne nokuda kwegungano rechishanu roMusangano weNyika Pamusoro poRudzidziso noRugare. Nomutoo unokosha, “dzinopfuura nhume 600 dzinobva munyika 85 . . . dzakabvuma kuti kusagadzikana kunoparirwa nemisiano yorudzidziso kwakashandiswa zvisina kufanira kwenguva refu sechimwe chezvisakiso zvikuru zvehondo.”
Kubatanidzwa kworudzidziso mukutsvakwa kworugare kunosimbisa icho Dag Hammarskjöld, aichimbova munyori mukuru weChibatanwa chaMarudzi, akamboti: “Sangano re[CM] namachechi zvinotsigirana savatori rutivi munhamburiko dzavanhu vose vepfungwa dzakanaka, zvisinei hazvo nechitendero chavo kana kuti chimiro chokunamata, kugadza rugare pasi pano.”
Kunyanguvezvo, kuratidzira kwokuramba kweBhabhironi Guru, kuratidzira kwapamhene kwaro, uye nezvimwe zvimiro zvamanomano zvaro zvakawanda zvokupindira kworudzidziso munhau dzezvamatongerwe enyika zvichatungamirira kukuparadzwa kwaro.a Rakatoparira kusawirirana kwakati kuti, sezvo Albert Nolan, mutezo weDominican anobva South Africa, akabvuma misi ichangobva kupfuura iyi, kuti: “Nzira bedzi inobudirira yokuwana rugare mukuwirirana nokuda kwaMwari ndiko kupinda mukurwa. . . . Kuti tiwane kutapudzwa kwezvombo, kurwisana nehurumende kunenge kusingadzivisiki.”
Bhabhironi Guru ngaripfuurire kudanidzira nokuda kworugare. Papa ngaapfuurire kugovera Urbi et orbi yake yegamuchidzanwa (kuguta [Roma] uye nyika) chikomborero paKrisimisa napaIsita. Ngaapfuurire hake kukarakadza—sezvaakaita May akapfuura—kuti kuderera kwazvino kwokusangadzikana kwezvamatongerwe enyika imhinduro yaMwari yeminyengetero ye“chiKristu.” Kutaura mashoko orugare uye kuzvigovera rimene chikomborero chaMwari hakungagoni kusunungura Bhabhironi Guru pamhaka yaro yeropa yakapfuura. Inoriratidzira seriri mhinganidzo hurusa yorugare pakati pavanhu, pamwe chete napakati pavanhu naMwari, yati yambovako. Nomutoo wakananga kana kuti nomutoo usina kunanga, chinetso chiri chose chorudzi rwomunhu chinogona kurondwa kusvikira pasuo raro!
Kunosetsa sei kuti rudzidziso rwenhema runopfuurira kuvavarira, mukuwirirana neCM, kuparira “rugare nechengeteko” zvimene zvichakurumidzisa ruparadziko rwaro! Mugumo worudzidziso rwenhema uchareverera Mwari worudzidziso rwechokwadi, uyo anoti: “Musanyengedzwa: Mwari haasiri uyo anofanira kusekwa. Nokuti chipi kana chipi icho munhu ari kudyara, iye achachekawo ichochi.”—VaGaratia 6:7, NW.
Usapambadza Nguva—Tiza Nokuda Kwoupenyu Hwako!
Nguva yokuti rudzidziso rwenhema ruzvidavirire yava pedyo! Nzira bedzi yokudzivisa kutambura kurashikirwa noupenyu ndeyokurutiza pasina kunonozeka. (Zvakazarurwa 18:4) Kuverenga nguva kwokupedzisira kwokusvika kuruparadziko kwatovamba.
Pashure pokunge pasi rakatsvinda raMwari rabviswa rudzidziso runonyengera nourudzi hworudzidziso rwenhema, rudzidziso rwechokwadi bedzi runodzorwa nehurumende youmwari ruchasara. Chitarisiko chacho chinofadza zvakadini chavanhu vanopukunyuka chinjo huru idzedzo! Uchava pakati pavo here? Ungada kufarikanya nokusingaperi mu“Runako Rusingagumi Rworudzidziso Rwechokwadi” here? Kana zvakadaro, dzidza kuti sei kupfurikidza nokurava nyaya yokupedzisira yeiyi nhevedzano iri muchinyorwa chino chaMukai No. 3, 1991.
[Mashoko Omuzasi]
a Bhuku rinonzi Revelation—Its Grand Climax At Hand! rakabudiswa muna 1988 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., rinotsanangura kuti ikoku kuchaitika sei.
[Bhokisi riri papeji 18]
Kuronda Rugare Nechengeteko
Vanhu vamwe navamwe vazhinjisa vane chishuvo chomuzvarirwo chorugare norunyararo, asi chishuvo ichecho chakakangaidzwa mukati menhau yose yomunhu. Zvisinei, makore achangobva kupfuura aya akaona vandudziko dzinoshamisa mukuronda kwomunhu rugare, sokuratidzira kunoita ndaza inotevera.
1985: (October) Chibatanwa chaMarudzi chinochengeta zuva rokuvapo kwechi 40 uye chinozivisa 1986 seGore raMarudzi Ose roRugare.
(November) Musangano wokutanga wamasimba makuru mumakore matanhatu sezvo Gorbachev naReagan vanosangana; Reagan anotaura nezva“mavambo matsva.”
1986: (January) Gorbachev anodanira nokuda kwokurambidzwa kwezvombo zvose zvenyukireya pakuzosvika mugore ra 2000.
(September) Musangano pamusoro peNhano Dzinovaka Chivimbo Nechengeteko Nokukanda Zvombo Pasi muEurope (marudzi 35, kubatanidza neUnited States, Canada, Soviet Union, neEurope yose kunze kweAlbania) anosaina chibvumirano chokutapudza ngozi yehondo yetsaona.
(October) Musangano waReagan naGorbachev muIceland unokundikana, kunyange zvazvo Gorbachev achitaura kuti vakanga vava kusvika pa“zvisarudzo zvikurusa, zvinoumba nhau.”
1987: (January) Muitiro weglasnost (kuzaruka) unoratidzika kuva unonongedzera kuzera idzva muSoviet Union.
(March) Shanyo yokutanga yegorokota guru reBritain kuMoscow mumakore 12.
(December) Gorbachev naReagan vanosaina chibvumirano cheINF (Intermediate-range Nuclear Forces) chokubvisa zvombo zvinokandwa zvenyukireya zvinosvika daro refu pakati penyika.
1988: (March) Nicaragua necontras inoramba chiKomonisiti dzinosaina kurega hondo, dzinovamba kurukurirano dzokusvika kugadzikiswa kwechigarire.
(April) Soviet Union inozivisa kubviswa kwavarwi muAfghanistan pana February 1989; Ethiopia neSomalia dzinobvumirana kugumisa rwisano.
(May) Vietnam inozivisa kubviswa kwavarwi 50 000 muKampuchea pamberi pokupera kwegore, mamwe asara panozosvika 1990.
(June) Gurukota Guru reAustralia Bob Hawke anotaura nezvomusangano waGorbachev naReagan muMoscow: “Kwenguva yokutanga munhambo yose yapashure pehondo, kune zviratidzo chaizvozvo zvokuoneka kwenyika inogona kugara nomutoo unovaka murugare.”
(July) Iran inozivisa kugamuchirwa kwechisarudzo cheCM chinoraira kurega kurwa muhondo yeIran neIraq yagara makore masere.
(August) United States inobvumira kuripira zvinodikanwa zvakabatwa kuCM, chiito chakatoitwa navaSoviet, nokudaro zvichibetsera kugumisa ganhuriro yezvemari yeCM nokuchipa mugariro wakavandudzwa.
(September) Mauto echimurenga eMorocco nePolisario anogamuchira rongedzero yokugumisa makore 13 ehondo muMadokero eSahara.
(October) Mauto okuchengetedza rugare eCM anopiwa Mubairo weNobel nokuda kwoRugare; Libya neChad dzinogumisa pamutemo mugariro wenguva refu wehondo.
(December) KuCM, Gorbachev anozivisa kutapudza kukuru kwamauto eSoviet mukati mamakore maviri nokubuda kwamauto namatangi ehondo kubva muCzechoslovakia, Hungary, nomuGerman Democratic Republic; South Africa, Namibia, uye Cuba dzinobvuma kushandisa chisarudzo cheCM pana April 1, 1989, kupa Namibia kuzvitonga nokugumisa makore 22 ehondo; hafu yavarwi veCuba 50 000 ichibviswa pana November 1, asara ose pana July 1, 1991; United States inobvuma kutaura neSangano Rorusununguko rePalestine pashure pokunge Yasser Arafat asimbisa maruramiro eIsraeri “okuvapo murugare nechengeteko.”
1989: (January) marudzi 149 anopinda Musangano wapaParis pamusoro peZvombo Zvamakemikoro nokuda kwechiito chokukurumidza chokurambidza kutanga, kugadzirwa, kuchengetwa, uye kuparadzirwa kwezvombo zvamakemikoro.
(February) Costa Rica, Honduras, El Salvador, Nicaragua, uye Guatemala dzinosaina chibvumirano pamusoro pokuchengetedza rugare muCentral America; boka gurusa ravapanduki reColombia, FARC (Mauto Akashongedzera Okupandukira eColombia), anozivisa kupera kwehondo, achimutsa kariro dzokuti makore 35 ehondo yechimurenga angasvika kumugumo.
(March) Makurukota okudzimwe nyika anobva kumarudzi 35 anovamba hurukuro muVienna pamusoro peCFE (Kurukurirano Pamusoro Pamauto Akashongedzerwa Nezvombo Zvisati Zviri Zvenyukireya muEurope), dzakarongedzererwa kutapudza mauto ehondo ari muEurope.
(April) Vietnam inozivisa kubviswa zvachose chose kwamauto muKampuchea panosvika September 30.
(May) Hungary inovamba kubvisa miganhu wayo wewaya ine minzwa wamakore 40 pamuganhu weAustria; pamusangano wokutanga weSoviet navatungamiriri veChina muanopfuura makore 30, vaSoviet vanozivisa kutapudzwa mumauto eAsia; Soviet inotanga kubudiswa kwavarwi uye kubviswa kwezvombo muMabvazuva eEurope.
(June) Danidzo yaBush nokuda kwokuderedzwa kwamauto, matangi ehondo, zvombo, uye ndege dzehondo muEurope pana 1992 kunoparira magazini enhau kutaura, kuti: “Kungazarura zvomenemene suo rokukutapudzwa kune revo zvikurusa kwezvombo chifo cheHondo yeNyika II.”
(August) Marudzi Mashanu eCentral America anobvumirana kurongedzera kugumisa utsinye muNicaragua.
Zvisinei, pasinei hapo nezvakawanwa izvozvi zvinoorora nyika zhinji dzichiri kure nokufarikanya rugare. Vanhu vachiri kufa kuNorthern Ireland, Lebanon, Sudan, Sri Lanka, Afghanistan, nomuPhilippines—kungodudza hedu shomanene—nemhaka yebasa rehondo. Nokudaro, nepo vazhinji vanganzwa vane tariro zvikuru kupinda nakare kose pamusoro pekariro dzorugare, hatifaniri kukanganwa kuti mutasvi webhiza rechipiri waApocalypse, “bhiza dzvuku” rehondo, achiri kugagadika mupasi rose.—Zvakazarurwa 6:3, 4.
[Mufananidzo uri papeji 17]
CM dzimbahwe riri muNew York nechifananidzo chorugare rwenyika—murume achipfura munondo kuva muromo webadza