RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g91 1/8 p. 20
  • Kugonana Nebasa Ramashifiti Ousiku

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kugonana Nebasa Ramashifiti Ousiku
  • Mukai!—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Ndingaita Sei Kuti Ndiwane Nguva Yakakwana Yekurara?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kurara—Hakunyanyi Kukosha Here Kana Kuti Kunokosha?
    Mukai!—2003
  • Kurara Kwaunofanira Kuita
    Mukai!—2004
  • Zvaungaita Kuti Ubatwe Nehope
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—1991
g91 1/8 p. 20

Kugonana Nebasa Ramashifiti Ousiku

VASHANDI vamashifiti ousiku vakawanwa kuve vanotambura zvinetso zvakawanda zvomudumbu, maronda omudumbu, kudhakwa, uye chatanuro kupinda zvinoita vezera ravo vanoshanda masikati. Asi kunzvera kwakaitwa naFred Jung, mupepi akanyoreswa pamutemo nomubetseri womurairidzi paYunivhesiti yeTexas paAustin School of Nursing, kunoratidzira kuti kuchinjwa kwemitoo yokurara kungaderedza zvimwe zvezvinetso izvozvo.

VaJung vakaita nzvero yokurara paboka ravabatiri vamashifiti ousiku panzvimbo yokusonganira. Muboka rake romuenzaniso, raibatanidza varume navakadzi vane muvhenganiswa wounyanzvi hwezvinhu zvinobudiswa, akataura kuti basa reshifiti iro rimene rinoparira rudzi rwechinetso.

Vanhu vari munzvero vakatambura zviratidzo zvakafanana namaneto akaratidzika kuva anokudziridzika apo miitiro yokurara yakachinjira kukurara usiku mukati mamazuva okusashanda. Naizvozvo, Jung akataura, miitiro yokurara yaiwanwa mukati mevhiki rokushanda inopfuuridzirwa zviri nani zvikurusa mukati mevhiki rose, zvakunoda mazuva anoverengeka kuti kushanda kwomuviri kuchinjire kumutoo mutsva wokurara.

Kunzvera kwaVaJung kunokarakadza kuti kurara kweinenge nhambo yamaawa mana pamazuva okusashanda mukati menguva inowanzoshandiswa nokuda kwokurara mukati mevhiki rokushanda inoratidzika kuva inobetsera kutsigira kushanda kwomuviri. Anoidza ikoko kuti kurara kunotaviridzira. Zvokudya, mitoo yefambidzano, uye kutayayika kuchiedza zvakawanwawo kuva zvinopesvedzera gadziridzo yavashandi vamashifiti.

Vachishandisa mashoko anobva munzvero yavo, VaJung vakaumba nhungamiro dzinoverengeka nokuda kwavashandi vamashifiti ousiku:

□✔ Edza kurara mukati menhambo imwe cheteyo yenguva zuva rimwe nerimwe, zvikurukuru mukati mapashure pamangwanani uye mukuvamba mamasikati.

□✔ Rongedzera mibato yako panhambo yako yokurara.

□✔ Usanetseka kana usingagoni nguva dzose kurara mukati menguva yakasarudzwa; kunyange kurara zvishoma kwenguva dzose masikati kuchava kuri nani zvikuru kupinda kusatongova nadzo.

□✔ Bvisa ruzha runodzongonyedza (shandisa zvidziviro zvenzeve kana wana mudziyo unopindura runhare) uye rara mukamuri rine rima.

□✔ Idya zvokudya zvakawanda, zvine mapurotini akawanda pakuvamba kwezuva rako. Mapurotini anogovera sunungurwo inotsigirwa yegurukose rinoita simba uye achakuchidzira shwanu dzako dzeadrenal kukuita kuti urambe wakasvinura. Ipapo idya zvokudya zvine mupimo une mwero zvine mapurotini mumasikati uye dzivisa zvokudyiradyira zvine macarbohydrate. Angakusimbisa kwechinguvana asi achakunetesa muawa imwe kana maviri pashure pacho. Chengetera macarbohydrate zvokudya zvako zvokupedzisira zvezuva. Izvi zvinhu zvinokugadzirira kurara kunozorodza. Zvisinei, rega kudya pakare pakarepo pamberi pokundorara; unoda maawa anoverengeka kuti upinze zvokudya zvako mumuviri.

□✔ Usanwa zvinodhakisa somutoo wakurariswa nawo. Zvinodhakisa zvinokutorera rudzi rwehope dzaunoda nokuda kwoutano hwomufungo negarikano.

□✔ Paunomuka, bvirisa mwenje; kana kuti kana kunze kwakajeka, buda kunze kwakajeka, rovedza muviri, famba-famba, uye taura kuvanhu. Mubato nechiedza zvichanyandura uropi hwako ndokukubetsera kutsinhiranisa muviri wako norudungwe rwako rwebasa rousiku.

□✔ Usazvinetse. Usawanziridza chinetso kupfurikidza nokurarama nomutoo usina utano. Kubatanidza kurovedza muviri kwenguva dzose, zvokudya zvakafanira, kurara kunozorodza kwakakwana mumuitiro wako wezuva nezuva kuchakubetsera kuita zvinhu, kunzwa, uye kunyange kuratidzika zviri nani zvikuru.

Iyi mifungo yomunzveri mumwe. Vamwe vanouya nemishonga yakasiana yechinetsocho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe