MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO
Kushandisa Mabhuku Akaprindwa Panguva Iri Kuwanikwa Mabhuku Pamafoni
1 APRIL 2026
Kana uchida kuverenga Bhaibheri kana kuti rimwe remabhuku edu, unowanzoshandisa chii? Vakawanda vedu hatichaverengi mabhuku chaiwo kana magazini, asi tava kushandisa mafoni kana kuti matablet. Zvimwe nyaya ino uri kutoiverenga pazvigadzirwa zvakadaro. Tinotenda chaizvo kuti mabhuku edu ava kuwanikwa paJW Library nepajw.org!
Chii chiri kuita kuti mabhuku edu anyanye kuwanikwa pamafoni? Zvapupu zvakawanda zvinofarira mabhuku epamafoni nekuti ari nyore kushandisa uye pane zvimwe zvinhu zvavanokwanisa kuita pafoni zvavasingakwanisi kuita pamabhuku akaprindwa. Uyewo kunyange zvazvo tichiri kupa vanhu mabhuku akaprindwa patinenge tichiparidza, tava kunyanya kuisa pfungwa dzedu pakutanga kukurukura nevanhu.
Iye zvino tava kuprinda mabhuku asingasvike hafu yeataiprinda makore 10 adarika! Muna 2015, vanhu pavakanga vasati vava kunyanya kushandisa JW Library, michina yekuprinda yakawanda yacho yaitoshanda kwemaawa 16 zuva rega rega. Kwaidiwa mabhuku akawanda zvekuti dzimwe nguva pairongwa kuti mimwe michina yekuprinda ishande kwemaawa 24 pazuva. Asi mazuva ano michina yacho yava kungoshanda maawa 8 chete pazuva.
Hatisi isu tega takaderedza basa rekuprinda. Vamwe vanoongorora vakaona kuti mumakore apfuura nhamba yezvinhu zvinoprindwa zvakadai semapepanhau, mamagazini, nezvimwewo yakaderera. Saka sezvo vanhu vakawanda vava kuverenga zvinhu pamafoni, tichiri kufanira kuprinda mabhuku here? Ehe! Ngatimboonai kuti sei tiri kuramba tichiprinda mabhuku uye kuti mari dzenyu dzezvipo dziri kubatsira sei kuti izvi zvibudirire.
Hanzvadzi dzekuMalawi dziri kushandisa bhurocha rakaprindwa raRarama Nekusingaperi Uchifara! pavari kuitisa chidzidzo cheBhaibheri
Nei Tichiri Kuda Mabhuku Akaprindwa?
Dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzinotobatsirwa nemabhuku akaprindwa. Chimbofunga mienzaniso inotevera:
“Ndinoshandisa mabhuku akaprindwa nekuti handina zvimwe zvekushandisa. Handina mari yekutenga foni, uye chero kudai ndaizowana mari yekuitenga, kuchaja foni yacho kunonetsa nekuti kwatinogara magetsi anogara achienda. Saka hazviiti kuti ndingoshandisa mabhuku epafoni chete ndisina akaprindwa.”—Odete, Mozambique.
“Handina mari yekuti nditenge foni, uye kudai ndaizowana kamari, foni dzinotengeka dzacho hadzina kusimba saka unenge uchizofanira kugara uchidzigadzirisa. Painenge ichigadzirwa ndinenge ndisisina chekuverenga.”—Linley, Malawi.
“Hatina mari yakawanda, saka ini nevanasikana vangu vaviri tinoshandisa foni imwe chete. Pamisangano tinoita zvekuchinjana kuishandisa. Mumwe paanenge achishandisa foni, vamwe vanenge vachishandisa mabhuku akaprindwa.”—Sinine, Micronesia.
Dzimwewo hama nehanzvadzi dzinokwanisa kushandisa mafoni asi vanofarira kushandisa mabhuku akaprindwa. Inzwa zvakataurwa nevamwe vavo:
“Ndinowanzoshandisa mabhuku epamafoni. Asi pandinenge ndichigadzirira misangano, ndinofarira kushandisa mabhuku akaprindwa. Ndinonakidzwa nekuverenga mabhuku akaprindwa ndakaabata mumaoko. Ndinenge ndichida kumaka pfungwa dzinokosha ndichinyora manotsi kumicheto. Ndinogona hangu kuzviita pafoni, asi pandinonyora pabepa, zvinobva zvanyatsonyura mupfungwa dzangu nemwoyo.”—Márcia, Brazil.
“Kuverenga bhuku chairo kunondiitira nyore sezvo zvisingandivhiringe maziso sezvinoita kuverengera pafoni. Ini wacho zvekushandisawo mafoni zvinondinetsa. Zvinondiomera kunyora manotsi pafoni, kudhaunirodha zvinhu kana kuti kuwana zvandinenge ndichitsvaga.”—Selina, Mozambique.
“Ndinoswera ndichishandisa foni nekombiyuta. Asi pandinenge ndava kuda kunyatsodzidza nezvaJehovha, ndinofarira kumbosiya foni ndoshandisa mabhuku akaprindwa. Anondibatsira kuti ndiverenge ndakanyatsodzikama ndisingavhiringidzwe nemameseji anenge achipinda pafoni.”—Guillaume, Canada.
“Paunoonana nemunhu kekutanga muushumiri, hazvisi nyore kuti ukumbire nhamba dzefoni dzemunhu wacho kuti umutumire bhuku pafoni pake. Zviri nyore kungomupa bhuku rakaprindwa. Kumwe kwatinoparidzira kunotyisa, saka tinoedza kusanyanya kushandisa mafoni edu munzvimbo dzakadaro.”—Mutariri wedunhu wekuSouth America.
Vakawanda vanoda kushandisa mabhuku akaprindwa pavanenge vachigadzirira misangano
Saka zvii zvatiri kuita kuti tibatsire hama dzedu dzinoda mabhuku akaprindwa?
Kuita Kuti Hama Nehanzvadzi Dziwane Zvadzinoda
Pamapazi edu 9 anoprinda, michina yedu ichiri kuenderera mberi nekuprinda mabhuku. Mugore rebasa ra2025, takaprinda mabhuku anodarika 1,5 bhiriyoni, kusanganisira maBhaibheri anopfuura 3 miriyoni, mabhuku anodarika 18 miriyoni, uye maturakiti nemapepa ekukoka vanhu anopfuura 941 miriyoni. Takashandisa mari inopfuura US$35 miriyoni pakuprinda mabhuku iwayo. Mumakore matatu apfuura, takashandisawo mari inosvika US$10 miriyoni kuti tivandudze michina yedu yekuprinda neinoshandiswa pakubatanidza mabhuku.
Kuti mari yezvipo ishandiswe zvakanaka, tinongoprinda zvinoshandiswa nehama nehanzvadzi dzedu chete. Sezvambotaurwa, kunyange zvazvo tichiri kupa vanhu mabhuku, tava kunyanya kuisa pfungwa dzedu pakutanga kukurukura nevanhu. Saka mumakore 10 adarika, takaderedza nhamba yemagazini eMukai! kubva pa86 pamuparidzi ega ega pagore kusvika pa11. Uye sezvo Zvapupu zvakawanda zvichishandisa macontact card, nhamba yeatava kuprinda yakapetwa ka3 pane ataiprinda muna 2020.
“Mwari Anoda Munhu Wese”
Hama nehanzvadzi dzedu dzinotenda chaizvo kuti tichiri kuprinda mabhuku. Ricardo, wekuBrazil anoti: “Ndinodada chaizvo kuti ndiri musangano rinokoshesa kupa munhu wese zvekudya zvinosimbisa pakunamata kusanganisira vanhu vasingakwanisi kuwana mabhuku pamafoni. Izvi zvinoita kuti ‘munhu wese ane nyota’ uyewo ‘munhu wese anoda’ awane chokwadi chinoponesa. (Zvakazarurwa 22:17) Bernard, wekuTahiti, anoti: “Ndinotenda chaizvo kuti tine mabhuku akaprindwa. Mabhuku aya anondibatsira kuti ndione rudo, uchenjeri uye kunzwisisa kunoita sangano raJehovha. Rinoita kuti vanhu vese, vakuru nevadiki, vapfumi nevarombo, vakwanise kuwana mashoko akanaka eUmambo. Zvinonyatsoratidza kuti Baba vedu vanokoshesa munhu wese.”
Andréia, wekuBrazil, anoonga chaizvo kuti mari yake yezvipo iri kubatsira pakuprinda mabhuku. Anoti: “Sangano redu rinoshandisa mari, nguva, ruzivo uye simba kuitira kuti vanhu vasingakwanisi kushandisa mabhuku emufoni vawane mabhuku akaprindwa. Izvi zvinoita kuti ndinyatsobvuma kuti Mwari anoda munhu wese. Kunyange kana mari yangu yezvipo ikangoshanda pakuprinda mabhuku, ndinoramba ndichipa ndichifara.”
Tinotenda chaizvo zvipo zvamunopa, kusanganisira zvamunopa muchishandisa website inonzi donate.jw.org. Zvipo izvozvo zvinoita kuti tikwanise kuramba tichiprinda mabhuku kuti vaya vanoda kuashandisa vaawane.