MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO
Mabhuku eBraille Ari Kuchinja Upenyu Hwevanhu
1 OCTOBER 2021
Magazini yeThe Watch Tower yaJune 1, 1912 yakati: “Pamwe vakawanda vevaverengi vedu vanotozivana nemumwe munhu asingaoni.” Yakabva yati: “Vanhu ivavo vasingaoni vanokwanisa kuwana mabhuku ekuverenga vasingabhadhari . . . . Mabhuku aya akanyorwa nenzira yekuti vasingaoni vanogona kuaverenga.” Magazini yacho yakawedzerawo kuti: “Vakawanda vevanhu ava vasingaoni vanotenda chaizvo mashoko akanaka avari kunzwa ekuti munyika itsva iri kuuya, vanhu vachawana makomborero akawanda.”
Pakanyorwa mashoko aya, nyika dzakasiyana-siyana dzinotaura Chirungu dzaiva nemanyorero akasiyana aikwanisa kuverengwa nevasingaoni. Asi Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvava kutobudisa mabhuku anotsanangura Bhaibheri mubraille. Uye ndozvatichiri kuita nanhasi! Tatova nemabhuku anotsanangura Bhaibheri mubraille mumitauro inopfuura 50. Mabhuku aya anogadzirwa sei?
Shoko rimwe nerimwe rinonyorwa pachishandiswa tumapundu tunosvika 6 zvichidzika. Tumapundu utwu tunonyorwa mubhokisi rakapatsanurwa kuva zvikamu 6
Kugadzirwa Kwemabhuku eBraille
Chekutanga chinoitwa pakugadzira mabhuku ebraille, kuita kuti mashoko akanyorwa achinjwe, oiswa semanyorerwo aanoitwa mubraille. Michael Millen, uyo anoshanda mudhipatimendi reText Processing Services kuPatterson, muNew York, akati: “Kare taishandisa purogiramu yakagadzirwa neimwe kambani kuisa mashoko mubraille, asi purogiramu iyi yakanga isingakwanisi kuisa mune mimwe mitauro yataida. Asi iye zvino, tava kushandisa purogiramu inonzi Watchtower Translation System, iyo inoenderana nezvatinoda. Ndinofunga kuti hapana imwe purogiramu yakafanana nayo.”
Mabhuku ebraille anenge ainewo tsanangudzo dzemifananidzo. Semuenzaniso, mufananidzo uri pakavha yebhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!, wakatsanangurwa mubraille seizvi: “Murume ari kutanga kufamba mune kamwe kanzira. Mumativi ekanzira kacho mune maruva, miti, zvikomo, nemakomo.” Jamshed, mushumiri weungano uye ndipiyona asi haaoni. Akati: “Tsanangudzo dzemifananidzo iyi dzinondibatsira chaizvo.”
Kana izvi zvapera, mafaira acho anoendeswa kumahofisi emapazi anogadzira mabhuku ebraille. Ikoko mabhuku acho anogadzirwa pachishandiswa bepa rakasimba risingabvaruki parinenge richiboorwa-boorwa uye rinokwanisa kushandiswa kwenguva yakareba. Kana vapedza, mapeji acho anobatanidzwa pamwe chete otumirwa kuungano pamwe chete nemamwe mabhuku. Uye mune dzimwe nzvimbo, anogona kuendeswa nekupost office kana mapost office acho asingabhadharisi kutakura mabhuku aya. Pazvinenge zvichidiwa, mahofisi emapazi anogona kuronga kuti mabhuku acho atakurwe pachishandiswa nzira dzinokurumidza, kuitira kuti hama dzedu dzisingaoni dziwane zvadzinoda kushandisa pamisangano.
Basa rese iri rinoda nguva nemari yakawanda. Semuenzaniso, fekitari yedu inoprinda mabhuku iri kuWallkill, New York, inogadzira maBhaibheri maviri chete ebraille munguva yakafanana neyainogadzira maBhaibheri 50 000 asiri ebraille. Bhaibheri rimwe nerimwe riri mugrade 2 English braille rine mavhoriyamu 25, uye mari inodiwa kutenga zvinhu zvekugadzira mavhoriyamu iwayo 25, inopeta ka123 mari inodiwa pakugadzira Bhaibheri rimwe chete risiri rebraille.a Panodiwa $US150, kugadzira makavha chete emavhoriyamu aya 25.
Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva riri mugrade 2 English braille rine mavhoriyamu 25!
Vaya vanobatsira kugadzira mabhuku ebraille vanonzwa sei nebasa ravanoita? Imwe hanzvadzi inonzi Nadia inoshanda pabazi rekuSouth Africa yakati: “Hama nehanzvadzi dzedu dzisingaoni, dzagara dzakatoomerwa neupenyu, saka ndinoona chiri chikomborero chaicho kugadzira zvinhu zvinovabatsirawo. Zviri pachena kuti Jehovha anovada zvikuru.”
Kabhuku Kanonzi Learn to Read Braille
Ko kana paine munhu asingaoni asi asingakwanisi kuverenga braille? Makore apfuura, takabudisa kabhuku kanonzi Learn to Read Braille kane mashoko akanyorwa mubraille uyewo akaprindwa. Kakagadzirwa kuti munhu anoona akwanise kubatsira munhu asingaoni. Kabhuku aka kanouya pamwe chete nezvinhu zvekushandisa kunyora nebraille. Munhu anenge achidzidzira braille anoshandisa zvinhu izvi kudzidzira kunyora mashoko ebraille. Paanoramba achidzidzira seizvi, anosvika pakubata nemusoro mashoko acho ebraille.
“Atondipinda Muropa”
Hama nehanzvadzi dzedu dzisingaoni dziri kubatsirwa here nemabhuku aya? Imwe hama inonzi Ernst inogara kuHaiti, yaienda kumisangano asi yakanga isina mabhuku ebraille. Saka aitofanira kubata nemusoro zvaaida kutaura kana aine hurukuro kana kuti achida kuzopawo mhinduro pamisangano. Ernst akati: “Iye zvino ndava kukwanisa kusimudza ruoko chero nguva. Ndiri kunyatsonzwa kuti ndiri pamwe chete nehama nehanzvadzi dzangu. Tese tiri kuwana zvekudya zvekunamata zvakafanana!”
Mumwe mukuru wekuAustria anonzi Jan uyo asinganyatsooni, anoitisa Chidzidzo cheNharireyomurindi neChidzidzo cheBhaibheri Cheungano. Akati: “Mabhuku edu ari nyore kunzwisisa kupfuura mamwe mabhuku ebraille andakamboverenga. Semuenzaniso, edu akanyorwa manhamba emapeji, mashoko emuzasi ari nyore kuwana, uye tsanangudzo dzemapikicha dzakajeka.”
Imwe hanzvadzi inopayona yekuSouth Korea inonzi Seon-ok, haioni uyewo imatsi. Kare aitoita zvekusainirwa mumaoko kuti akwanise kunzwisisa zvaitaurwa pamisangano. Asi iye zvino ava kuzviverengera ega mabhuku anotsanangura Bhaibheri ari mubraille. Akati: “Mamwe mabhuku ebraille akaoma kuverenga nekuti tumwe tumapundu tunokubatsira kuti uzive mashoko tunenge tusipo, mitsara yacho inenge yakabhenda, uye bepa racho rakanyanya kutetepa. Asi Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa bepa remhando yepamusoro uye tumapundu twacho tunonyatsonzwika zvakanaka zvichiita kuti zvive nyore kuverenga.” Akatiwo: “Kare ndaitoda kubatsirwa nevamwe kuti ndikwanise kudzidza mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Asi iye zvino, ndava kukwanisa kudzidza ndiri ndega. Ndinofara chaizvo kuti ndava kukwanisa kugadzirira misangano yeungano nekunyatsopindurawo. Ndinoverenga mabhuku edu ese ari mubraille. Zvinoita sekuti mabhuku acho atondipinda muropa.”
Kungofanana nemamwe mabhuku atinoprinda, mabhuku edu ebraille anenge akanyorwawo mutsara uyu wekuti: “Bhuku rino haritengeswi. Nderimwe remabhuku anoshandiswa pabasa rekudzidzisa Bhaibheri munyika yese uye basa iri rinotsigirwa nezvipo.” Tinokutendai zvikuru nekupa zvipo izvi muchishandisa nzira dziri pakanzi donate.jw.org. Rupo rwenyu runobatsira kuti vanhu vese, kusanganisira vaya vasingaoni, vakwanise kuwana zvekudya zvekunamata.
a Mune mamwe manyorero ebraille, mashoko anopfupikiswa kuti bhuku racho risanyanya kukurisa. Semuenzaniso mugrade 2 braille mashoko anonyanya kuzivikanwa anopfupikiswa. Saka bhuku rinenge riri mugrade 2 braille rinenge riri diki pane riri mugrade 1 braille.