RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • hdu nyaya 5
  • Kuzadzisa Kushayiwa Kwevamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuzadzisa Kushayiwa Kwevamwe
  • Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
  • Mashoko Akafanana
  • Tinotenda Jehovha Nekuda Kwerudo Rwenyu
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • “Kuzadza Ruoko Nechipo chaJehovha”
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Nei Tichipa Iye Ane Zvese?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Tingabatsira Sei?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
hdu nyaya 5
Mapikicha: Zviri kuitwa neZvapupu zvaJehovha pasi rese. 1. Hama yechidiki iri kuverengera vakomana vaviri bhuku. 2. Mabhuku akasiyana-siyana akaprindwa. 3. Murume nemudzimai vari kuparidzira mumwe murume. 4. Hama iri kuverengera mumwe murume Bhaibheri.

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Kuzadzisa Kushayiwa Kwevamwe

1 OCTOBER 2020

Zvapupu zvaJehovha zviri kuita basa rekuparidza nemamwe mabasa ekubatsira vanhu munyika dzinopfuura 200. Asi panyika idzi, 35 chete ndidzo dzinokwanisa kubhadhara zvese zvinodiwa pakuita mabasa aya dzichishandisa mari yezvipo yadzinowana munyika yadzo. Ko nyika dzisina kubudirira dzinowana kupi mari yekubhadhara zvadzinoda?

Dare Rinotungamirira rinoongorora kuti pasi rese, zvii zvinodiwa neZvapupu kuti zvinamate Jehovha uye zviparidze mashoko akanaka. Rinoshandisa mari zvine uchenjeri. Kana bazi rikawana mari yakawandisa kupfuura yarinoda munyika maro, rinoita kuti inenge yasara iendeswe kune dzimwe nyika dzinenge dziine mari shoma. Izvi zvinoitwa pachitevedzerwa zvaiitwa nevaKristu vekutanga, avo vaibatsira vamwe “kuti pave nekuenzana.” (2 VaKorinde 8:14) Vaishandisa zvakawanda zvavaiva nazvo pakubatsira vamwe vaKristu vaisava nezvaivakwanira.

Hama dzedu dzinowana mari kubva kune mamwe mapazi dzinonzwa sei? Semuenzaniso, hafu yevagari vemuTanzania, vanorarama nemari iri pasi peUS$2 pazuva. Mari yakabva kune dzimwe nyika yakashandiswa pakugadziridza Imba yeUmambo inoshandiswa neUngano yeMafinga. Ungano yacho yakanyora kuti: “Kubva pakangogadziridzwa Imba yeUmambo, vanhu vanopinda misangano vakawedzera chaizvo! Tinotenda chaizvo sangano raJehovha uye hama dziri pasi rese nerupo rwadzo, urwo rwaita kuti tive nenzvimbo yakanaka yekunamatira.”

Dzimwe hama dzedu dziri kuSri Lanka hadzisi kuwana zvekudya zvakakwana nemhaka yechirwere cheCOVID-19. Vamwe vacho ndiImara Fernando nemwanakomana wake, Enosh. Asi vari kubatsirwa nemari yezvipo yakabva kune dzimwe nyika. Vakagadzira kadhi, vakanyora kuti: “Tinotenda hama dzakatiratidza rudo munguva dzino dzakaoma. Tinofara kuti tiri mumhuri iyi uye tinoramba tichinyengetera kuti Jehovha abatsire hama dzedu dzese mumazuva ano ekupedzisira.”

Imara nemwanakomana wake, Enosh. Akabata bepa rakanyorwa kuti: ‘thank you.’

Imara naEnosh Fernando

Pasinei nekuti hama nehanzvadzi dzedu dzinogara kupi, dzinoda kupawo vamwe zvadziinazvo. Semuenzaniso Enosh, akagadzira kabhokisi kadiki kekuisira mari kuti akwanise kubatsirawo mhuri dzinoshayiwa. Guadalupe Álvarez anewo chido chekubatsira vamwe. Anogara munzvimbo iri muMexico umo vanhu vakawanda vasingawani mari yakakwana yekurarama nayo. Kunyange zvakadaro, anopa mari yezvipo yaanokwanisa. Akanyora kuti, “Ndinotenda Jehovha nekunaka kwake uye rudo rwake rusingachinji. Ndinoziva kuti zvandinopa zvikasanganiswawo nezvevamwe zvinobatsira hama dzangu dziri kushayiwa.”

Mahofisi emapazi anotumira mari kune dzimwe nyika anofara chaizvo kuita izvi. Anthony Carvalho, ari muDare Rebazi rekuBrazil anoti, “Kwemakore akawanda, basa remunyika yedu raida kutsigirwa nemari yaibva kune dzimwe nyika. Kubatsirwa kwatakaitwa kwakaita kuti basa racho riwedzere chaizvo. Asi iye zvino zvinhu zvachinja uye tava kukwanisa kubatsirawo vamwe. Hama dzedu muno muBrazil dziri kuona basa rekuparidza riri kuitwa pasi rese uye kuti zvii zvavangaita kuti vabatsirewo vamwe.”

Zvapupu zvaJehovha zvingabatsira sei hama nehanzvadzi dzavo dzinoshayiwa? Nekutsigira basa remunyika yese, kwete kutumira mari kumapazi ari kune dzimwe nyika. Izvi vanozviita nekukanda mari mubhokisi rakanzi “Basa Remunyika Yese” paImba yavo yeUmambo kana kupa vachishandisa donate.jw.org. Tinokutendai chaizvo nezvipo zvese zvamuri kupa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe