MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO
Kupinda Misangano Yeungano Vanhu Vachionana Pavhidhiyo
26 JUNE 2020
Hurumende dzakawanda dzakaisa mitemo yekuti vanhu vasava pedyo nepedyo uye hadzisi kubvumira vanhu kuti vaungane. Zvapupu zvaJehovha zvinoda chaizvo kuteerera mitemo iyi saka zvakatsvaga dzimwe nzira dzekupinda misangano vasiri pedyo nepedyo. Vari kushandisa mapurogiramu akadai seZoom, kuti vaite misangano.
Dare Rinotungamirira rakapa mvumo yekushandisa mari yezvipo kubhadharira ungano malicense eZoom kuitira kuti dzikwanise kugara dzichipinda misangano. Izvi zviri kubatsira chaizvo dzimwe ungano dzisingakwanisi kubhadhara malicense aya anotangira paUSD$15-USD$20 kana kupfuura. Ungano idzi dzaishandisa mamwe mapurogiramu aingoita kuti vanhu vashoma chete vakwanise kupinda uye haana kunyatsochengeteka. Ungano dzese dziri kushandisa maakaundi aya eZoom ari kubhadharwa nesangano dziri kubatsirika nekuti Zoom iri nyore kushandisa uye vanhu vakawanda vanokwanisa kupinda misangano yacho. Pari zvino, ungano dzinopfuura 65 000 munyika 170 dziri kushandisa maakaundi aya.
Ungano yeKairagi iri muManado, North Sulawesi, kuIndonesia, yaimboshandisa purogiramu yemahara kupinda misangano, asi iye zvino vava kushandisa Zoom yavari kubhadharirwa nesangano. Hama Hadi Santoso vanoti: “Kunyange hama nehanzvadzi dzisinganyatsogoni kushandisa zvinhu zvakaita semafoni nematablet dzava kunakidzwa nemisangano, nekuti vanongopinda kamwe chete paZoom kusvika misangano yapera.”
Lester Jijón, Jr., mumwe mukuru ari muungano yeGuayacanes Oeste muGuayaquil, kuEcuador, anoti: “Hama nehanzvadzi dzakawanda hadzina mari, saka dzimwe ungano dzaisambokwanisa kubhadhara license yeZoom inoita kuti ungano yese ikwanise kupinda misangano. Asi sezvo maakaundi aya eZoom achiita kuti vanhu vakawanda vakwanise kupinda, tava kukwanisa kukoka vamwe kumisangano yedu tisingatyiri kuti nhamba yacho inozowandisa.”
Johnson Mwanza, mukuru ari muungano yeNgwerere North muLusaka, kuZambia, akanyora kuti: “Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinogara dzichitaura kuti, ‘urongwa hwekubhadharirwa malicense eZoom huri kuita kuti tinzwe tiri pedyo nehama nehanzvadzi dzedu uye tione kudiwa kwatinoitwa naJehovha.’”
Mari yekutenga malicense aya inobva pamari yekubatsira vanenge vawirwa nenjodzi. Mari iyi inobva pazvipo zvinopiwa kuti zvitsigire basa remunyika yese. Zvipo izvi zvakawanda zviri kupiwa pachishandiswa jw.org kana ukabaya pakanzi donate.jw.org. Tinokutendai nezvipo zvenyu zviri kuita kuti tikwanise kubatsira vamwe vanenge vawirwa nenjodzi pasi rese.—2 VaKorinde 8:14