RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbv nyaya 52
  • Zvakazarurwa 21:4—“Achapukuta Misodzi Yese”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakazarurwa 21:4—“Achapukuta Misodzi Yese”
  • Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinorehwa naZvakazarurwa 21:4
  • Mashoko akapoteredza Zvakazarurwa 21:4
  • “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Zvakazarurwa 21:1—“Denga Idzva Nenyika Itsva”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Nokukurumidza—Nyika Isina Marwadzo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Zvinoita here kurarama upenyu husina matambudziko?
    Zvinoita here kurarama upenyu husina matambudziko?
Ona Zvimwe
Kutsanangurwa Kwemavhesi
ijwbv nyaya 52

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Zvakazarurwa 21:4—“Achapukuta Misodzi Yese”

“Achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa. Zvinhu zvekutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

“Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naZvakazarurwa 21:4

Mwari anovimbisa kuti achabvisa matambudziko evanhu uye zvinhu zvinovarwadza. Anovimbisawo kuti achabvisa zvacho zviri kuita kuti vatambure.

“Achapukuta misodzi yese pamaziso avo.” Mashoko aya anosimbisa vimbiso yaJehovhaa yakanyorwa nemuprofita Isaya yekuti “achapukuta misodzi pazviso zvese.” (Isaya 25:8; Zvakazarurwa 7:17). Mashoko aya anoratidza kunzwira tsitsi kunoita Mwari vaya vanochema nekuda kwekufirwa kana mamwewo matambudziko.

“Hapazovi nerufu.” Mashoko aya anogona kushandurwa achinzi “rufu ruchange rusisipo” kana kuti “hapana munhu achazofa.” Mwari anovimbisa kubvisa rufu uye kutambura kwarwunokonzera. Uye vanhu vakafa vachamutswa. (1 VaKorinde 15:21, 22) Saka rufu ‘ruchaparadzwa.’—1 VaKorinde 15:26.

Pachange pasisina “kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.” Vimbiso iyi yaMwari hairevi kuti vanhu vanenge vasisatomborwadziwe panyama yavo. Asi inoratidza kuti vanhu vachange vasisashushikane, vasisazvidye mwoyo kana kuva nemarwadzo anokonzerwa nekutadzab kwavo kana kuti nechivi chakabva kuna Adhamu.—VaRoma 8:21, 22.

“Zvinhu zvekutanga zvapfuura.” Mashoko aya anozotaurwa pekupedzisira anoratidza kuti upenyu hwevanhu huchachinja zvinoshamisa. Rimwe bhuku rinoti: “Mararamiro aiita vanhu vasingatombokwanisi kunzvenga rufu, kuchema uye kurwadziwa, achatsiviwa neupenyu hutsva.” Saka vanhu vachange vava kukwanisa kurarama nekusingaperi pasina chinovanetsa, sezvaidiwa naMwari pakutanga.—Genesisi 1:27, 28.

Mashoko akapoteredza Zvakazarurwa 21:4

Panotangira chitsauko 21, muapostora Johani anotsanangura zvaakaona muchiratidzo achiti: “Ndakaona denga idzva nenyika itsva.” (Zvakazarurwa 21:1) Akashandisa mashoko aya ekufananidzira achitsanangura kunyatsochinja kuchaita zvinhu. Kuchinja kwacho kwakagara kwataurwa mune mamwe mavhesi eBhaibheri. (Isaya 65:17; 66:22; 2 Petro 3:13) Hurumende yaMwari yekudenga kana kuti “denga idzva,” ichabvisa hurumende dzese dzevanhu yosara ichitonga “nyika itsva” kana kuti vanhu vachange vachirarama panyika.—Isaya 65:21-23.

Chii chinoratidza kuti zvakaonekwa naJohani muchiratidzo ichi zvichaitika panyika? Chekutanga, vimbiso iyi yaMwari inotanga nemashoko ekuti: “Tende raMwari riri pakati pevanhu.” (Zvakazarurwa 21:3) Saka vimbiso iyi yakapihwa vanhu vari panyika kwete ngirozi dziri kudenga. Chechipiri, muchiratidzo chacho munotaurwa nezvenyika ichange ‘isisina rufu.’ (Zvakazarurwa 21:4) Kudenga hakuna kumbobvira kwafiwa asi panyika ndipo pari kufiwa. (VaRoma 5:14) Saka zvine musoro kuti titi vhesi iyi iri kutaura zvichaitika panyika mune ramangwana.

Verenga Zvakazarurwa chitsauko  21 muBhaibheri rekudzidza reChirungu reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene. Bhaibheri iri riri nyore kuverenga rine zvakarekodhwa, manotsi anotsanangura mavhesi, mapikicha, mavhidhiyo, mamepu, uye rinoratidza mamwe mavhesi anoenderana nearimo.

Ona vhidhiyo iyi kuti uone pfupiso yezviri mubhuku raZvakazarurwa.

a Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?”

b MuBhaibheri munhu anonzi aita chivi kana akatyora mutemo waMwari kuburikidza nekuita kana kusaita chimwe chinhu. Munhu anonziwo aita chivi kana akava nemanzwiro kana mafungiro anopesana nemitemo yaMwari. (1 Johani 3:4) Ona nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Chivi?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe