RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbv nyaya 10
  • Joshua 1:9—“Shinga, Usimbe”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Joshua 1:9—“Shinga, Usimbe”
  • Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinorehwa naJoshua 1:9
  • Mashoko akapoteredza Joshua 1:9
  • Anoda Kuti Tibudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Zvakayeukwa naJoshua
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 6—Joshua
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raJoshua
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Kutsanangurwa Kwemavhesi
ijwbv nyaya 10

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Joshua 1:9—“Shinga, Usimbe”

“Handina kukurayira here? Shinga, usimbe. Usavhunduka kana kutya, nekuti Jehovha Mwari wako anewe kwese kwaunoenda.”—Joshua 1:9, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

“Ko handina kukurayira here ndichiti, Simba utsunge usatya kana kuvhundutswa, nokuti TENZI Mwari wako anewe kwose kwaunoenda.”—Joshua 1:9, Bhaibheri Rine Apokirifa.

Zvinorehwa naJoshua 1:9

Nemashoko aya, Jehovhaa Mwari akavimbisa mushumiri wake Joshua kuti aikwanisa kuva ‘neushingi uye nesimba’ pasinei nezvinhu zvakaoma zvaakanga akatarisana nazvo zvaiita sezvisingakundiki. Joshua akanga asina chikonzero chekutya chero bedzi aizoteerera mitemo yaMwari nekuti zvaizoita sekunge kuti Jehovha anaye kuti amubatsire. Mwari akaratidza kuti akanga aina Joshua nekumupa mirayiro uye kumubatsira kuti akunde vavengi vake.

Chii chaizobatsira Joshua kuti ave ‘neushingi nesimba’? Aigona kukurudzirwa nekusimbiswa nemagwaro akafemerwa naJehovha akanga aripo panguva iyoyo. Izvi zvaisanganisira ‘Mutemo wese waakanga arayirwa nemuranda waJehovha Mozisi.’b (Joshua 1:7) Jehovha akaudza Joshua kuti auverenge “nenzwi riri pasi pasi [kureva ‘kuufungisisa,’ Bhaibheri Rine Apokirifa] siku nesikati.” (Joshua 1:8) Kuverenga nekufungisisa magwaro kwakabatsira Joshua kuti ave nechido chakasimba chekuita zvinodiwa naMwari. Joshua aifanira kuita zvese zvaaidzidza muShoko raMwari uye ‘kunyatsochengeta zvese zvakanga zvakanyorwa mariri.’ Izvi zvaizoita kuti zvinhu zvimufambire zvakanaka uye kuti ave munhu akachenjera pane zvese zvaaiita. Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika. Kunyange zvazvo zvinhu zvaisava mutserendende, upenyu hwake hwese Joshua akaramba achishumira Jehovha akatendeka.—Joshua 23:14; 24:15.

Mashoko akaudzwa Joshua naJehovha achiri kutikurudzirawo nanhasi. Anoratidza kuti Jehovha anoda chaizvo vanhu vanomunamata, kunyanya paya pavanosangana nezvinhu zvakaoma. Anoda kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka sezvakaitika kuna Joshua. Vanogonawo kuva ‘neushingi nesimba’ kana vakagara vachiverenga nekufungisisa Shoko raMwari Bhaibheri, voita zvarinenge richitaura.

Mashoko akapoteredza Joshua 1:9

Pashure perufu rwaMozisi, Jehovha akaudza Joshua kuti atungamirire vaIsraeri. (Joshua 1:1, 2) Panguva iyoyo, vaIsraeri vakanga vava kugadzirira kupinda muNyika Yakapikirwa yeKenani. Asi vaifanira kurwisana nevavengi vane simba. Semuenzaniso, Joshua aifanira kurwisana nevaKenani, avo vakanga vakaipa chaizvo.c (Dheuteronomi 9:5; 20:17, 18) VaKenani vaivawo vakawanda uye vaiva nezvombo zvehondo zvakawanda kupfuura vaIsraeri. (Joshua 9:1, 2; 17:18) Asi Joshua akaratidza ushingi akaita zvaaiudzwa naJehovha. Uye Mwari aiva naye nekuti vaIsraeri vakakunda vakawanda vevavengi vavo mumakore 6 chete.—Joshua 21:43, 44.

Verenga Joshua chitsauko 1 pamwe chete nemashoko emuzasi nemamwe mavhesi anoenderana nearimo.

a Jehovha izita raMwari. MuchiHebheru, zita iri rinonyorwa nemabhii 4 יהוה anoshandurwa kuti YHWH, uye anozivikanwawo seTetragrammaton. Pavhesi iyi, zita iri rakashandurwa kuti “TENZI” muBhaibheri Rine Apokirifa. Kuti uzive zvakawanda nezvaJehovha uye kuti nei dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzisingashandisi zita iroro, ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?”

b Magwaro akafemerwa aiva naJoshua ayo atavawo nawo muBhaibheri, anofanira kunge aisanganisira mabhuku 5 akanyorwa naMozisi anoti, Genesisi, Eksodho, Revhitiko, Numeri naDheuteronomi. Anofanira kunge aisanganisirawo bhuku raJobho, uye pisarema rimwe chete kana maviri.

c Kuti uzive kuti nei paitofanira kuva nehondo yakadai, ona nyaya yakanzi “Nei Mwari Akarwisa vaKenani?” iri muNharireyomurindi yaJanuary 1, 2010.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe