RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbv nyaya 1
  • Mako 1:15—“Umambo hwaMwari Hwaswedera”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mako 1:15—“Umambo hwaMwari Hwaswedera”
  • Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinorehwa naMako 1:15
  • Mavhesi akapoteredza Mako 1:15
  • Zvakadzidziswa naJesu NezveUmambo hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 41—Marko
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Umambo Hwamwari Hunotonga
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Icho Umambo hwaMwari Hunogona Kureva Kwauri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Kutsanangurwa Kwemavhesi
ijwbv nyaya 1

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Mako 1:15—“Umambo hwaMwari Hwaswedera”

“Nguva yakwana, uye Umambo hwaMwari hwaswedera pedyo. Pfidzai zvivi zvenyu, mutende mashoko akanaka.”—Mako 1:15, Shanduro yeNyika Itsva.

“Nguva yazadziswa, ushe hwaMwari hwaswedera pedyo; tendeukai, mutende vhangeri.”—Mako 1:15, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Zvinorehwa naMako 1:15

Jesu Kristu akataura kuti Umambo hwaMwaria hwakanga “hwaswedera pedyo,” nekuti iye aizova Mambo weUmambo ihwohwo uye akanga achitova navo panguva iyoyo.

Jesu aisareva kuti Umambo hwakanga hwatotanga kutonga. Pava paya, akazotaura nevadzidzi vake achivaudza kuti Umambo hwaizouya munguva yemberi. (Mabasa 1:6, 7) Asi iye zvino nguva yakanga yataurwa neBhaibheri kuti aizoonekwa saMambo yakanga yasvika.b Ndosaka aigona kutaura kuti: “Nguva yakwana,” kureva nguva yekuti atange ushumiri hwake hwekuparidza evhangeri, kana kuti mashoko akanaka, nezveUmambo.—Ruka 4:16-21, 43.

Kuti vanhu vabatsirwe nemashoko akanaka eUmambo, vaifanira kupfidza, kureva, kuzvidemba pamusoro pezvivi zvavakaita, vorarama maererano nemitemo yaMwari. Vaya vaipfidza vairatidza kuti vaitenda mumashoko akanaka eUmambo hwaizouya.

Mavhesi akapoteredza Mako 1:15

Jesu akataura mashoko aya achangotanga ushumiri hwake muGarireya. Mateu 4:17 ichitaura nezvenyaya iyi inotiwo “kubvira panguva iyoyo,” Jesu akaparidza nezveUmambo hwaMwari. Umambo ndihwo hwaiva dingindira reushumiri hwake. Umambo hunototaurwa kanopfuura ka100 muEvhangeri ina, kakawanda kacho mumashoko akataurwa naJesu pachake. MuEvhangeric idzodzo, Jesu akataura nezveUmambo hwaMwari kupfuura zvaakaita dzimwe nyaya.

Verenga Mako chitsauko 1 pamwe chete nemashoko emuzasi, mavhesi anoenderana nearimo, uye tarisa mapikicha nemepu irimo.

a Umambo hwaMwari ihurumende iri kudenga yakagadzwa naMwari kuti iite kuda kwake panyika. (Dhanieri 2:44; Mateu 6:10) Kuti unzwe zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?”

b Jesu aifanira kutanga agadzwa samambo kuti aite mabasa ake saMesiya, mumiririri waMwari anokosha. Jesu aifanira kutanga agadzwa samambo kuti aite mabasa ake saMesiya, mumiririri waMwari anokosha. Kuti unzwe zvimwe nezveuprofita hweBhaibheri hunotaura nezvaJesu saMesiya, verenga nyaya yakanzi “Jesu Ndiye Mesiya Anotaurwa Muuprofita Here?”

c Mabhuku eevhangeri, ndiwo mabhuku 4 ekutanga eMagwaro echiKristu echiGiriki, ayo anowanzodanwa kunzi Testamende Itsva, uye anotaura nezveupenyu hwaJesu uye ushumiri hwake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe