RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwwd nyaya 43
  • Mukaka Waamai

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mukaka Waamai
  • Zvakangoitika Zvega Here?
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinhu Zvinokosha Zvokuyamwisa
    Mukai!—1994
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • “Unonatsa Kururamisa Shoko Razvokwadi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Zvakangoitika Zvega Here?
ijwwd nyaya 43
Amai vakatarisa mwana wavo wavakabata akarara.

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Mukaka Waamai

Rimwe bhuku rinobatsira vananyamukuta rakati: “Mukaka wemugaba haumbofi wakafanana nemukaka waamai.” Chimwe chinoita kuti mukaka waamai ubatsire mwana kuti akure zvakanaka ndechekuti muviri waamai unoita kuti mukaka wacho uenderane nezvinenge zvichidiwa nemwana.

Funga izvi: Pese panoyamwisa amai mwana wavo, mukaka wacho unotanga wakawanda mapurotini, mavhitaminzi, maminerals, uye mvura. Asi mukaka wacho unozotanga kuwanda mafuta zvoita kuti mwana agute. Mukaka waamai unochinjawo zvichienderana nezera remwana uye mwaka wegore.

Mukaka waamai unowedzera uhwandu hwemahomoni akadai semelatonin kana huri husiku. Melatonin inobatsira kuti munhu akwanise kurara. Asi kunewo mamwe mahomoni anowedzera kana kwachena. Kusiyana-siyana kwemahomoni aya zvichienderanawo nekuti inguvai kunobatsira kuti muviri wemwana ujaire kurara panguva dzekurara uye kumuka panguva dzekumuka.

Mazuva ekutanga mwana paanenge achangozvarwa, mukaka waamai unenge wakaita kahuyellow. Mukaka uyu unogayika zviri nyore uye unenge wakazara zvinhu zvinovaka muviri zvekuti kunyange mukaka iwoyo mushoma unobatsira chaizvo kacheche. Mwana paanenge achiri mudiki, ari nyore chaizvo kubatwa nezvirwere, asi mukaka uyu unomubatsira nekuti une masoja emuviri anodiwa kurwisa zvirwere. Mukaka uyu unobatsirawo mwana kuti akwanise kubudisa tsvina zvakanaka, zvochenesawo mudumbu make.

Amai havafaniri havo kunetseka kuti vachabuda mukaka unokwana mwana wavo here kunyange kana vaine mapatya nekuti muviri wavo unogadzira mukaka wakawanda sezvinenge zvichidiwa.

Unofungei? Zvakaita mukaka waamai zvakangoitika zvega here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe