RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwwd nyaya 41
  • Kupatsanuka Kunoita Masero

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupatsanuka Kunoita Masero
  • Zvakangoitika Zvega Here?
  • Mashoko Akafanana
  • Muongorori Wevana Vari Mudumbu Anotsanangura Kutenda Kwake
    Mukai!—2016
  • Musayendisiti Anotsanangura Kutenda Kwake
    Mukai!—2013
Zvakangoitika Zvega Here?
ijwwd nyaya 41
Sero riri kupatsanuka kuva masero maviri.

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Kupatsanuka Kunoita Masero

Amai pavanobata pamuviri, panogadzirwa sero rinonzi zygote uye sero racho rinenge riri diki chaizvo zvekuti harioneki nemaziso. Asi pashure pemwedzi 9, panobva paberekwa mwana akanyatsosvika. Sero riya rimwe chete rakapatsanuka pachibva pagadzirwa mhando dzinopfuura 200 dzemasero ane mashepi nemasaizi akasiyana-siyana uye rimwe nerimwe rine basa rarinoita.

Funga izvi: Sero iri rinonzi zygote rinenge riine DNA uye rinobva raita kuti pave neimwe DNA zvoita kuti rive nemaDNA maviri. Sero racho rinobva razopatsanuka kuita masero maviri. Masero maviri aya anoramba achipatsanuka achigadzira mamwe masero uye izvi zvinoramba zvichingoitika. Pakutanga masero acho anenge akafanana. Anenge aine DNA, uye DNA iyoyo inenge iine mirayidzo yekuti mamwe masero anogadzirwa sei.

Amai pavanenge vava nevhiki rimwe chete vabata pamuviri, masero anotanga kupatsanuka kuva mhando mbiri. Mamwe masero ndiwo anogadzira mwana, uye mamwe ndiwo anogadzira chavakuru (placenta) uyewo anozobatsira kuti mwana akure.

Panozosvika vhiki rechitatu, masero anogadzira mwana anenge arongeka kuva zvikamu zvitatu. Chikamu chekunze ndicho chinozogadzira tutambo tunofambisa mashoko, pfungwa, muromo, ganda nezvimwewo. Chikamu chepakati chinogadzira ropa, mabhonzo, itsvo, tsandanyama nezvimwewo. Uye chikamu chinenge chiri mukati chinogadzira nhengo dziri mukati memuviri dzakadai semapapu, dundira uyewo nhengo dzakati wandei dzinogaya chikafu.

Pikicha iri kuratidza masero ari kupatsanuka kuva zvikamu zvitatu. Zvikamu zvacho zvinobva zvazogadzira masero emupfungwa, mapapu, mabhonzo nedzimwewo nhengo dzemuviri.

Mwana ari mudumbu paanenge achikura, masero anoramba achipatsanuka kusvika ava mhando dzinopfuura 200

Amai pavanenge vaine pamuviri, mamwe masero anobva paanenge ari achienda pane imwe nzvimbo. Mamwe masero anoungana ogadzira zvinhu zvakati sandara, mamwe anopeteka ogadzira twakaita tutambo uye mamwe anogadzira zvinhu zvinenge zvakaita kakufuta zvakadai sedundira, dumbu, nduru nezvimwewo. Kuti izvi zvinyatsofamba zvakanaka masero ese anofanira kunyatsoshanda pamwe chete. Semuenzaniso, pane imwe nguva, aya anenge akati sandara anopeteka ogadzira twakaita kunge tumachubhu. Izvi zvinenge zvichiitika panguva imwe chete munzvimbo dzakasiyana-siyana, mwana paanenge achikura. Machubhu aya anozotanga kureba achigadzira mamwe, ozopedzisira abatana pogadzirwa tsinga dzakasiyana-siyana.

Mwana akanyatsosvika paanozozvarwa anenge ava nemabhiriyoni emasero. Masero iwayo anenge apatsanuka panguva chaiyo yaaifanira kupatsanuka, ari panzvimbo yawo yaanofanira kunge ari uye ari emhando inenge ichidiwa.

Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti sero rikwanise kupatsanuka uye rimwe nerimwe richiita basa rakasiyana nemamwe?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe