RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwwd nyaya 36
  • Kurira Kwedatya Rinonzi Japanese Tree Frog

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurira Kwedatya Rinonzi Japanese Tree Frog
  • Zvakangoitika Zvega Here?
  • Mashoko Akafanana
  • Chipo Chakapiwa Vanhu vokuJapan
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Matambudziko 3 Ekutanga
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Zvakangoitika Zvega Here?
ijwwd nyaya 36
Datya rinonzi Japanese Tree Frog riri pashizha rakafutisa chakaita sechihomwe chepahuro paro.

© Kim, Hyun-tae/iNaturalist. Licensed under CC-BY-4.0

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Kurira Kwedatya Rinonzi Japanese Tree Frog

Mikono yematatya anonzi maJapanese Tree Frog anozivikanwa nekurira kwaanoita uye anenge achiita seari kurira zvisina kurongeka. Asi unokwanisa kusiyanisa kurira kwedatya gono rimwe nerimwe kunyange kana paine matatya makono akawanda ari kurira. KuJapan, vanoongorora matatya aya anogara mumiti vakaona kuti izvi zvinodaro nekuti matatya makono anenge ari munzvimbo imwe chete anorira zvakanyatsorongeka achiitira kukwezva makadzi.

Funga izvi: Mikono yemaJapanese Tree Frog inorira kuti ikwezve makadzi. Kurira uku kunotangira mutsandanyama dzinobudisa inzwi kwozowedzera pakunoita maungira mune zvimwe zvakaita sezvihomwe zviri pahuro pawo. Matatya anorira zvakasiyana-siyana zvichienderana nerudzi rwawo.

Unokwanisa kusiyanisa sei kurira kwerimwe datya gono nemamwe. Vanoongorora vakaona kuti matatya erudzi urwu anenge ari pedyo nepedyo haangoriri zvisina kurongeka, asi anoti kana rimwe rikarira, rimwe rozoteverawo zvichingodaro. Izvi zvinobatsira kuti asangorira ese panguva imwe chete, zvoita kuti kurira kwerimwe nerimwe kunyatsonzwika uye zvichibatsirawo kuti awane mukana wekumbozorora. Uyewo, kurongeka uku kunobatsira kuti matatya acho ese amboti kana akarira, ombomira ozotangazve.

Kurira zvakarongeka kunoita maJapanese tree frog kuri kuita kuti vanoongorora nezvekufambiswa kwemashoko pachishandiswa masaisai (wireless communications), vashandise masvomhu pakuedza kuita kuti mashoko akasiyana-siyana asangofambiswa panguva imwe chete. Izvi zviri kuita kuti mashoko afambiswe zvakanaka pasingashandiswi magetsi akawanda.

Unofungei: Zvakangoitika zvega here kuti mikono yematatya anonzi maJapanese Tree Frog igone kurira zvakarongeka?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe