Blue Planet Archive/Mark Conlin
ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?
Kukandira Kunoita Hove Inonzi Grunion
Hove diki inonzi California grunion inokandira mazai ayo pamahombekombe egungwa rinonzi Pacific kuCalifornia, U.S.A., uye kuBaja California, Mexico. Hove idzi dzinonyatsoziva mazuva uye nguva chaiyo yadzinofanira kukandira mazai kuitira kuti vana vadzo vararame.
Funga izvi: Hove idzi dzinokandira usiku mumazuva matatu kana kuti mana pashure pekunge paitika mafungu ane simba panguva yejenaguru kana yekugara kwemwedzi. Kana dzikakandira mazai adzo nguva yejenaguru kana kuti yekugara kwemwedzi isati yasvika, mazai adzo anokukurwa nemafungu achidzoswa mugungwa. Asi dzikakandira pashure pekunge mafungu achangodzikira, mazai adzo haazokukurwi nekuti jecha rinenge richiwedzera kuafushira zvishoma nezvishoma.
Wally Skalij/Los Angeles Times via Getty Images
Uyewo, munguva yekudziya uye yekupisa padzinokandira mazai, mafungu anenge aine simba usiku kupfuura masikati, uye izvi zvinoita kuti hove idzi dzikwanise kuenda kumucheto kwemahombekombe. Mafungu anozotevera haagoni kuzosvika ipapo, saka mazai acho anenge akachengeteka.
Kuti dzikandire mazai, hove idzi dzinomirira fungu rinoenda kumucheto kwemahombekombe, uye dzinobva dzaenda naro. Mvura painodzikira, hadzi yacho inochera kakomba mujecha kakadzika masendimita 5 kusvika ku8 ichishandisa besu rayo. Painokandira mazai ayo mujecha imomo, hono imwe chete kana kupfuura dzinobva dzauya kuzosanganisa mbeu yadzo nemazai. Zvadaro, hove dziya dzinobva dzatanga kuvhinyunguka dzichidzokera mumvura dzozotakurwa nefungu rinotevera kuti dzipinde mugungwa.
Unyoro hunenge huri mujecha uye mafungu egungwa zvinobatsira kuti mazai achochonye zvakanaka. Saka pashure peanenge mavhiki maviri, pakunenge kwava nemamwe mafungu ane simba, mazai aya anotanga kuchochonya. Asi dzimwe nguva zvinogona kutora mwedzi wese kuti pave nemafungu ane simba kuti mazai achochonye.
Unofungei: Zvakangoitika zvega here kuti hove dzinonzi magrunion dzizive nguva yekukandira mazai adzo uye makandiriro adzinoita?