RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 95
  • Ndiri Munhu Anotsungirira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiri Munhu Anotsungirira Here?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsungirira kuita sei?
  • Nei uchifanira kutsungirira?
  • Ungadzidzira sei kuva munhu anotsungirira?
  • Kushingirira
    Mukai!—2019
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2018
  • Zvaungaita Upenyu Pahunochinja
    Mukai!—2016
  • Kubatsira Kwamungaita Mwana Kana Akundikana
    Mazano Ekubatsira Mhuri
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 95
Mukomana ari kumazera ekuyaruka ari kuchinja manzwiro aari kuita kubva pakusuwa kusvikira ava kufara.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndiri Munhu Anotsungirira Here?

Unokwanisa kutsungirira zvakadii? Wakambosangana nezvinotevera here . . .

  • kufirwa?

  • kurwara kwenguva refu?

  • njodzi dzinoitika dzega?

Vanotsvakurudza vanoti haasi matambudziko makuru chete anoda kuti munhu atsungirire. Kunetseka nezvinhu zvidiki zvinoitika zuva rega rega kunogona kutokanganisa utano hwako. Ndokusaka zvakakosha kuti udzidze kutsungirira, pasinei nekuti matambudziko ako madiki here kana kuti akakura.

  • Kutsungirira kuita sei?

  • Nei uchifanira kutsungirira?

  • Ungadzidzira sei kuva munhu anotsungirira?

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Kutsungirira kuita sei?

Kana munhu achitsungirira anenge achikwanisa kuenderera mberi neupenyu pasinei nematambudziko aainawo. Vanhu vanotsungirira vanotarisana nezvinhu zvakaoma muupenyu sezvinongoita munhu wese. Asi vanozvikunda, vopedzisira vava kukwanisa kutsungirira kupfuura zvavaimboita.

Mapikicha ari kuratidza zvinoitika kumuti wemuchindwe. 1. Unobhenda panoitika dutu. 2. Unomira wakati twasu dutu racho rapera.

Mimwe miti inobhenda panoita dutu asi inozotwasanuka panopera mhepo yacho. Iwewo unogona kuvhiringidzika paunosangana nezvinhu zvakaoma, asi unogona kuzonzwa zviri nani

Nei uchifanira kutsungirira?

  • Nekuti matambudziko haanzvengeki. Bhaibheri rinoti: “Vanomhanya chaizvo havasi ivo vanowanzokunda panhangemutange, . . . uye vaya vane ruzivo havasi ivo vanowanzobudirira, nekuti vese vanosangana nezvinhu zvavasingatarisiri panguva yavasingafungiri.” (Muparidzi 9:11) Tinodzidzei? Kunyange vanhu vakanaka vanotambura uye kakawanda kacho inenge isiri mhosva yavo.

  • Nekuti kutsungirira kunokuchengetedza. Mumwe chipangamazano wepachikoro chesekondari anoti: “Vana vechikoro vakawanda vanouya kuhofisi kwangu vakatsamwa chaizvo nekuti vanenge vafoira kana kuti mumwe munhu anenge avataurira mashoko asina kunaka pasocial media.” Kunyange pazvinhu zvakadai zvinoita sezvidiki-diki, chipangamazano wacho akati, mwana anogona kuvhiringidzika “zvekusvika pakutokanganisika mafungiro ake” kana asingazive kuti ozvigadzirisa sei.a

  • Nekuti kutsungirira kuchakubatsira iye zvino uye wakura. Vachitaura nezvezvinhu zvinoitika muupenyu zvinotiodza mwoyo, Dr. Richard Lerner vakanyora kuti: “Chimwe chezvinhu zvinoita kuti ubudirire semunhu mukuru, kukwanisa kutsungirira panoitikazvinhu zvinoodza mwoyo, kuva nezvimwe zvinangwa kana kuti kuedzakutsvaga dzimwe nzira dzekuti ukwanise kuita zvaunenge uchida.”b

Ungadzidzira sei kuva munhu anotsungirira?

  • Ziva kuti dambudziko rako rakakura sei. Dzidza kusiyanisa dambudziko rakakura nediki. Bhaibheri rinoti: “Benzi rinoratidza kugumbuka kwaro pakarepo, asi munhu akangwara haana basa nazvo kana akadenhwa.” (Zvirevo 12:16) Haufaniri kukundwa nematambudziko ese ese.

    “Vandinodzidza navo kuchikoro vanoita kuti nyaya diki diki iite senyaya hombe hombe. Shamwari dzavo dzepasocial media dzinobva dzavatsigirawo pamaonero avo zvekuti vanobva vatowedzera kuona sekuti matambudziko avo akakura zvekuti.”—Joanne.

  • Dzidza kubva kune vamwe. Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Simbi inorodza simbi, saizvozvo munhu anorodzawo shamwari yake.” (Zvirevo 27:17) Tinogona kudzidza zvidzidzo zvinokosha kuvanhu vakakwanisa kukunda matambudziko akakura.

    “Paunotaura nevamwe, unoona kuti vakasangana nematambudziko akakura asi vanenge vasisanetseke nezvawo. Taura navo kuti uzive zvavakaita kana kuti zvavasina kuita kuti vakunde dambudziko ravo.”—Julia.

  • Iva nemwoyo murefu. Bhaibheri rinoti: “Munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka zvakare asi vakaipa vachagumburwa nedambudziko.” (Zvirevo 24:16) Zvinotora nguva kuti uzogamuchira dambudziko rinenge rakuwira, saka usanyanya kunetseka kana uchimbosuruvara. Chinokosha ndechekuti ‘usimukezve.’

    “Paunokunda dambudziko, kushushikana kwawaiita kunofanira kupera. Asi zvinotora kanguva. Ndakadzidza kuti unozotanga kunzwa zviri nani nekufamba kunenge kuchiita nguva.”—Andrea.

  • Iva munhu anoonga. Bhaibheri rinoti: “Ratidzai kuti muri vanhu vanoonga.” (VaKorose 3:15) Pasinei nekukura kwedambudziko rauri kutarisana naro, haumboshayi zvimwe zvinhu zvaunogona kutenda kuti unazvo. Tsvaga zvinhu 3 zvinoita kuti ude kuramba uchirarama.

    “Paunenge uchitarisana nedambudziko, kazhinji kacho unenge uchingofunga kuti, ‘Sei zvaitika kwandiri?’ Kuti ukwanise kutsungirira usaramba uchingofunga matambudziko ako asi fungawo zvimwe zvakanaka zvauinazvo kana kuti zvaunogona kuita.”—Samantha.

  • Iva munhu anogutsikana. Muapostora Pauro akati: “Ndakadzidza kugutsikana, pasinei nekuti zvinhu zvakandimirira sei.” (VaFiripi 4:11) Pauro aisakwanisa kupedza matambudziko ake ari ega. Asi chaaikwanisa kuita, kuchinja maonero aaiita matambudziko ake. Pauro ainge akatsunga kuramba achigutsikana.

    “Ndakaona kuti kakawanda kacho maonero andinowanzoita dambudziko pandinotanga kusangana naro anenge asina kunaka. Ndinoda kuva nemaonero akanaka pamatambudziko ese andinosangana nawo. Izvi hazvingobatsiri ini chete asi zvinobatsirawo vamwe.”—Matthew.

  • Nyengetera. Bhaibheri rinoti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti adonhe.” (Pisarema 55:22) Munyengetero hausi wekungoderedza kushushikana. Asi unenge uchitotaura neMusiki, uyo ‘ane hanya newe.’—1 Petro 5:7.

    “Handifaniri kutakura ndega dambudziko rangu. Pandinonyengetera ndichinyatsotaura zviri kutsi kwemwoyo nezvematambudziko angu ndotenda Mwari nekundikomborera kwaari kuita, ndinokunda mafungiro akaipa ndotanga kufunga nezvezvikomborero zvandakapiwa naJehovha. Munyengetero wakakosha!”—Carlos.

Zvinotaurwa nevezera rako

Sarahi.

“Tine chivi, saka tinotombokanganisa, kwete kamwe chete asi mazuva ese. Hatikwanisi kuchinja izvozvo, saka kuti tidzidze kutsungirira tinofanira kudzidza kubva pane zvatakakanganisa. Saka, kana tikasangana nedambudziko ratakambosangana naro tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Zvii zvandingaita zvakasiyana nezvandakamboita?’”—Sarahi.

Isabelle.

“Rugwaro rwandinofarira ndiMateu 6:27, Jesu paakabvunza kuti: ‘Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti rimwe chete paurefu hweupenyu hwake nekuzvidya mwoyo?’ Dzimwe nguva ndinonyanya kufungisisa zvekuti ndinopedzisira ndava kunetseka nezvinhu zvisina basa. Saka ndinoedza kufunga nezvezviri kuitika iye zvino. Kunetseka nezvezvinhu zvandisingakwanisi kuchinja hakuna zvakunondibatsira.”—Isabelle.

Kudzokorora: Ungadzidzira sei kuva munhu anotsungirira?

  1. 1. Ziva kuti dambudziko rako rakakura sei. Dzidza kusiyanisa dambudziko rakakura nediki.

  2. 2. Dzidza kubva kune vamwe. Taura nemubereki kana kuti mumwe munhu mukuru waunovimba naye akakwanisa kutsungirira matambudziko.

  3. 3. Iva nemwoyo murefu. Zvinotora nguva kuti uzogamuchira dambudziko rako, saka usaore mwoyo kana ukanzwa sekuti zviri kutora nguva yakareba kupfuura yawaitarisira kuti unzwe zviri nani.

  4. 4. Iva munhu anoonga. Kunyange paunenge uchitarisana nematambudziko akakura, haumboshayi zvimwe zvinhu zvaunogona kuonga nezvazvo.

  5. 5. Iva munhu anogutsikana. Hatikwanisi kusarudza zvatichasangana nazvo muupenyu, asi tinogona kusarudza kuti tichaita sei patichasangana nedambudziko.

  6. 6. Nyengetera. Munyengetero kutaura neMusiki wedu uyo “ane hanya nesu.”—1 Petro 5:7.

a Kubva mubhuku rinonzi Disconnected, rakanyorwa naThomas Kersting.

b Kubva mubhuku rinonzi The Good Teen—Rescuing Adolescence From the Myths of the Storm and Stress Years.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe