RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 92
  • Ndingaita Sei Kuti Ndidye Zvekudya Zvinovaka Muviri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kuti Ndidye Zvekudya Zvinovaka Muviri?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndezvipi zvinodiwa nemuviri?
  • Ndingaitei kuti ndirambe ndichidya zvinovaka muviri?
  • Ndingaita Sei Kuti Ndive Nemuviri Mutete?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndinogona Sei Kuva Mutete?
    Mukai!—1994
  • Zvokudya Zvinovaka Muviri Zvaunogona Kuwana
    Mukai!—2002
  • Unodya Zvakanaka Mumudzimu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 92
Mukomana ari kusarudza kuti odyei pane zviri mufiriji

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Ndidye Zvekudya Zvinovaka Muviri?

Pamwe wagara uchiziva kuti kana ukasadya zvinhu zvinovaka muviri unogona kukanganisa utano hwako. Vechidiki vanokura vachidya zvisina utano vanowanzoramba vachingofarira zvekudya zvakadaro kana vakura, saka zvakanaka kuti utange kudya zvinovaka muviri iye zvino.

  • Ndezvipi zvinodiwa nemuviri?

  • Ndingaitei kuti ndirambe ndichidya zvinovaka muviri?

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Ndezvipi zvinodiwa nemuviri?

Bhaibheri rinotiudza kuti tive nemwero, uye izvi zvinosanganisira panyaya yekudya. (1 Timoti 3:11) Tichifunga izvi, zvakanaka kuziva kuti . . .

  • Zvinhu zvinovaka muviri zviri mumarudzi 5 ezvekudya. Marudzi acho anosanganisira zvekudya zvinogadzirwa nemukaka, mapuroteni, michero, miriwo, uye zvekudya zvakadai semupunga nechibage. Vamwe vanorega kudya zvekudya zverumwe rudzi vachifunga kuti izvozvo zvinovabatsira kuti vasafuta. Asi kuita izvi kunogona kuita kuti usawana zvinhu zvinenge zvichitodiwa nemuviri wako.

    Edza izvi: Tsvakurudza kana kuti bvunza chiremba kuti uzive kuti zvinhu zvakasiyana-siyana zviri muchikafu zvinobatsirei. Semuenzaniso:

    Macarbohydrates anogona kukupa simba. Mapuroteni anogona kubatsira muviri wako kuti urwise zvirwere uye kuvaka kana kurapa panenge pakuvara. Mamwe mafuta, kana akadyiwa muuhwandu hwakakodzera, anogona kuderedza mikana yekuita chirwere chemwoyo uye kukupa simba.

    “Ndinoedza kudya zvekudya zvemarudzi ese zvinovaka muviri. Uyewo, handifungi kuti pane chakaipa nekumbodya zvinotapira nezvimwewo. Asi munhu haafaniri kungodya izvozvo zvega. Zvagara zvakanaka kuramba uine mwero.”—Brenda.

    Mukomana ari kudonha pacheya ine makumbo matatu

    Kurega kudya zvimwe zvinhu zvinodiwa nemuviri kwakafanana nekugara pacheya isina rimwe gumbo

  • Munhu anodya zvinovaka muviri haanyanyisi kudya rumwe rudzi rwechikafu kana kuzviuraya nenzara. Izvi zvingasanganisira kusadya zvakakwana, kumbozvinyima chikafu wozodya zvakawandisa pava paya, kana kuti kusatombodya zvimwe zvinhu zvaunofarira.

    Edza izvi: Kwemwedzi mumwe chete, cherechedza zvaunodya. Kangani paunoita chimwe chezvinhu zvinokuvadza utano zvataurwa pamusoro apa? Zvii zvaungagadzirisa kuti udye zvinodiwa nemuviri?

    “Ndaiita mazuva andaidya zvekudya zvakawanda uye mazuva andaizviomesera ndichidya zvishomanana. Pakupedzisira, ndakasarudza kusanyanyozviomesera pane zvandaidya, asi kuti ndingongwarira kuti ndisadyisa, uye kuti ndimire kudya kana ndaguta. Zvakanditorera nguva, asi iye zvino ndinodya marudzi ese ezvekudya zvinodiwa nemuviri.”—Hailey.

Ndingaitei kuti ndirambe ndichidya zvinovaka muviri?

  • Gara wafunga kuti uchadyei. Bhaibheri rinoti: “Zvirongwa zvemunhu anoshanda nesimba zvinoita kuti abudirire.” (Zvirevo 21:5) Kugara waronga zvauchadya kuchakubatsira kuti udye zvine utano.

    “Zvinotoda kuronga kuti udye zvine utano, uye kakawanda kacho zvekudya zvine utano zvinoda kuita zvekubika kumba. Hazvisi nyore asi zvinobatsira, uyewo unogona kutosevha mari yakawanda kana uchibika wega kumba.”—Thomas.

  • Tsiva zvekudya zvisina utano nezvine utano. Bhaibheri rinoti: “Chengetedza uchenjeri hunobatsira.” (Zvirevo 3:21) Uchenjeri huchakubatsira kuti ufunge zvimwe zvaungaita kuti udye zvine utano.

    “Zuva rimwe nerimwe, ndaisarudza kudya zvine utano pane kuti ndidye zvisina utano. Semuenzaniso, pane kudya suwiti, ndaidya apuro. Pasina nguva ndakanga ndava kukwanisa kutsiva zvekudya zvisina utano nezvinovaka muviri zuva nezuva!”—Kia.

  • Usanyanya kuzviomesera. Bhaibheri rinoti: “Udye zvekudya zvako uchifara.” (Muparidzi 9:7) Kudya zvekudya zvinovaka hakurevi kuti hauchanakirwi nezvekudya uye hakurevi kuti unofanira kunetseka nezvechinhu chese chawadya. Kunyange kana muviri wako uchifanira kuti dzikirei zvishoma, yeuka kuti chinangwa chako ndechekuva neutano hwakanaka. Iva nemwero pane zvaunotarisira kuita.

    “Muviri wangu wadzikira nemakirogiramu anenge 13, asi handina kumbobvira ndazvinyima zvekudya, kurega zvimwe zvekudya, kana kuzvipa mhosva kana ndadya keke kana tumwe tunonaka. Ndakaona kuti zvinoda nguva kuti udzikire muviri uye kuti ndaifanira kuchinja maonero nemaitiro angu panyaya yezvekudya.”—Melanie.

Zvinotaurwa nevezera rako

Delayna

“Kana ndikanzwa nzara ndisiri kumba, ndinowanzosarudza zvekudya zvisina utano. Ndokusaka ndichifarira kutakura mbuva. Ndikaita izvi, zvinova nyore kwandiri kuti ndingwarire zvandinodya.”—Delayna.

Andrew

“Unogona kuora mwoyo paunoona vamwe vachidya chero zvavada asi zvichiita sekuti hazvimbokanganisi utano hwavo. Usazvienzanisa navo. Tsvaga zvinoshanda kwauri woita izvozvo.”—Andrew.

Kudzokorora: Ndingaita Sei Kuti Ndidye Zvekudya Zvinovaka Muviri?

  • Gara wafunga kuti uchadyei. Bika chikafu chako pane kungodya chero chaunenge wawana paunenge usiri kumba.

  • Tsiva zvekudya zvisina utano nezvine utano. Gara uine kambuva kechikafu chinovaka pane kuzongodya machipisi nedhiringi.

  • Usanyanya kuzviomesera. Usazvienzanisa nevamwe vanhu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe