Chikepe Chinonzi Lightbearer Chinoendesa Chiedza kuSoutheast Asia
Kutanga kwemakore ekuma1930, muIndonesia, Malaysia, neyava kunzi Papua New Guinea makanga musati mamboparidzwa neZvapupu zvaJehovha. Mashoko akanaka aizosvika sei kunyika idzi? Kuti kuparidzwe, bazi rekuAustralia (rava kunzi bazi reAustralasia) rakatenga chikepe chakanga chakareba mamita 16, chiine injini nemaseiri maviri. Chakatumidzwa kuti Lightbearer nekuti vese vaifamba nacho, avo vaiva mapiyona,a vaizofanira kuchishandisa kuparadzira chiedza panyaya dzekunamanata kunyika dzaiva kure.—Mateu 5:14-16.
Kuparidza muNew Guinea
Muna February 1935, boka revanhu 7 rakatyaira richienda kuchamhembe richibva kuSydney, iri pamahombekombe ekumabvazuva kweAustralia, rakananga kuPort Moresby, New Guinea. Pavaifamba vaipota vachibata hove uye vakamira pazviteshi zvengarava zvinoverengeka vachitenga mafuta ekuisa muchikepe, kuwedzera zvekudya nekugadzira zvainge zvafa. Musi wa10 April, 1935, vakapfuurira nerwendo rwavo vachibva muCooktown, Queensland. Pari zvino havana kushandisa maseiri asi injini chete vachipinda nepaGreat Barrier Reef paiva nenjodzi. Asi injini iya ndopayakatanga kuita ruzha rusinganzwisisiki saka yaitofanira kudzimwa. Vaifanira kudzoka here kana kuti kupfuurira vakananga kuNew Guinea? Keputeni wavo, Eric Ewins, akati “hapana aida zvekudzoka.” Saka Lightbearer yakaenda mberi, ikasvika zvakanaka kuPort Moresby musi wa28 April, 1935.
Boka raifamba neLightbearer, kubva kuruboshwe: William Hunter, Charles Harris, Alan Bucknell (pamberi), Alfred Rowe, Frank Dewar, Eric Ewins, Richard Nutley
Makanika paaigadzira injini, boka riya rakaparidza mashoko akanaka muPort Moresby. Asi Frank Dewar, uyo akarondedzerwa nemumwe wevarume ava achinzi aiva “piyona anoshanda nesimba,” akati, ‘Ndakatora tsapo yemabhuku ndikafamba zvimwe kwemakiromita 32 kana kupfuura ndichitaura nevagari vemo.’ Akadzoka neimwe nzira uye aitofanira kuyambuka karwizi kadiki kaiva nemakarwe. Nekungwarira akakwanisa kudzokera kuguta. Zvakaitwa nevarume ava muushumiri zvakabudirira. Vamwe vanhu vakawana mabhuku eBhaibheri panguva iyi vakazova Zvapupu zvaJehovha.
Kuparidza muJava
Injini iya yapera kugadzirwa, Lightbearer yakasimuka muPort Moresby yakananga kuchitsuwa cheJava muDutch East Indies (nharaunda yakakura yacho iye zvino yava kunzi Indonesia). Vambomira munzvimbo dzinoverengeka kuti vawedzere zvinhu, varume vaya vakabva vazomira muBatavia (yava kunzi Jarkata) musi wa15 July, 1935.
Pavakasvika, mumwe wavo, Charles Harris akaburuka muLightbearer ndokubva asara muJava, maakaramba achiparidza mashoko akanaka achishingaira.b Akati, “Mumazuva iwayo kazhinji basa redu raiva rekupa vanhu mabhuku tobva taenda mberi kune rimwe guta. Ndaitakura mabhuku mumutauro wechiArab, chiChina, chiDutch, Chirungu nechiIndonesia. Vanhu vakanga vasingamborambi mabhuku edu, saka ndaipa vanhu mabhuku aitosvika 17 000 pagore.”
Chikepe cheLightbearer chiri parwendo
Kushingaira kwaiita Charles kwakaita kuti vakuru vakuru vechiDutch vasimudze misoro. Mumwe mukuru mukuru akabvunza chimwe Chapupu chakanga chichiparidza muJava kuti Zvapupu zvakanga zvichiparidza muEast Java maiva naCharles zvaiva zvingani. “Munongova nemumwe chete,” hama iya yakapindura kudaro. “Unofunga kuti ndingazvibvuma izvozvo?” mukuru mukuru uya akazhambatata kudaro. “Ndichingotarisa kuwanda kwemabhuku enyu ari kuparadzirwa, kunofanira kunge kuine vashandi vakawanda chaizvo ikoko.”
Kuparidza muSingapore neMalaysia
Lightbearer yakabva kuIndonesia ichienda kuSingapore, uye yakasvika musi wa7 August. Pese payaimira, hama dziya dzairidza mharidzo dzakarekodhwa dzichishandisa gudzanzwi remuchikepe raiva nesimba guru kwazvo. Nzira iyi yekuzivisa nayo mashoko akanaka yaiwanzokwezva vanhu vakawanda. Pepanhau reSingapore Free Press rakatonyora kuti “inzwi guru rakadaidzira pamusoro pemvura . . . musi weChitatu manheru,” rikawedzera kuti: “Yaiva mharidzo inoshamisa . . . yaibuda . . .muchikepe chinonzi ‘Lightbearer,’ icho chiri kubudisa mapurogiramu eWatch Tower muSingapore kubva zvachakasvika chichibva kuAustralia.” Nyaya yacho yakataurawo kuti “kana mamiriro ekunze akanaka mapurogiramu akadai anogona kunzwika . . . kwemakiromita 3 kusvika ku4.”
Lightbearer payaiva muSingapore, Frank Dewar akaburuka ndokubva atanga basa idzva. Anoyeuka zvakaitika achiti: “Takatanga kupayona muSingapore uku tichigara muchikepe. Nguva payakakwana kuti Lightbearer ipfuurire nerwendo, Eric Ewins akandivhundutsa. Akati: ‘Yaa, Frank, wakati wakasarudza Siam (yava kunzi Thailand) sendima yako. Pano ndipo patinogona kukusvitsa. Saka, chiburuka uende!’ Ndakatura befu, ndikatadza kana kubudisa mashoko zvakajeka ndichiti: ‘Asi, kana ndiri pano handitombozivi zvangu kuti Siam yacho iri kupi!’” Eric akaudza Frank kuti aizosvikako nechitima chaaifanira kukwirira kuKuala Lumpur, iyo yaiva muyava kunzi Malaysia. Frank akateerera ndokubva aenda kuKuala Lumpur, akazosvika muThailand kwapera mwedzi inoverengeka.c
Lightbearer payaienda kumahombekombe ari kumadokero kweMalaysia, yakamira paJohore Bahru, Muar, Malacca, Klang, Port Swettenham (yava kunzi Port Klanga), nePenang. Pese pavaimira vaishandisa gudzanzwi raiva muchikepe kuridza mharidzo dzeBhaibheri dzakarekodhwa. “Hapana chinhu chinoshamisa chaigona kukwezva vanhu vakawanda kupfuura inzwi iri,” akadaro Jean Deschamp, Chapupu chaishumira muIndonesia panguva iyi. Rapedza kuridza zvakarekodhwa izvi, boka riya raibva raburuka ropa mabhuku vanhu vanenge vachiada.
Kuparidza muSumatra
Rabva muPenang, boka riya rakapinda nemuStrait of Malacca richienda kuMedan, Sumatra (yava rutivi rweIndonesia). Eric Ewins anoyeuka kuti: “Takanakidzwa zvekuti nekugara mudunhu reMedan, uye pakava nevanhu vakawanda vakafarira mashoko akanaka.” Hama dziya dzakapa vanhu mabhuku anoda kusvika 3 000 munzvimbo iyoyo.
Lightbearer payakapfuurira yakananga kumaodzanyemba, boka riya rakaparidza muzviteshi zvikuru kumabvazuva kweSumatra. Muna November 1936, chikepe chiya chakadzokera kuSingapore, uko Eric Ewins akanoburukira. Mavhiki mashomanana gare gare, akaroora Irene Struys, Chapupu chaigara muSingapore. Eric naIrene vakaenderera mberi nekupayona muSumatra. Asi, iye zvino chikepe cheLightbearer chakanga chava kuda keputeni mutsva.
Kuparidza muBorneo
Keputeni mutsva aiva Norman Senior uyo akanga akadzidziswa kutyaira ngarava. Akasvika achibva kuSydney muna January 1937. Boka riya rakabva rasimuka muSingapore rakananga kuBorneo neCelebes (yava kunzi Sulawesi), kwavakaparidza chaizvo, vachipinda mukati nemakiromita anosvika 480.
Lightbearer payakasvika pachiteshi cheSamarinda muBorneo, mukuru mukuru wechiteshi akabva aramba kuti vagari vemunzvimbo iyi vaparidzirwe. Asi, Norman paakatsanangura nezvebasa redu, murume uya akabva abvuma ndokubva atotora mamwe mabhuku.
Pane imwe nguva, mukuru wechimwe chitendero akakoka Norman kuti ataure muchechi yake. Asi pane kuti ataure iye pachake, Norman akabva aridza mharidzo dzakarekodhwa dzinokwana 5, uye mukuru wechitendero uya akadzifarira. Akatotora mabhuku kuti ape shamwari dzake. Zvakaitwa nemukuru wechechi uyu zvakanga zvisingawanzoitiki. Kazhinji kacho vanhu ava vakanga vasingadi basa raiitwa neZvapupu zvaJehovha. Kutaura chokwadi, vaishatiriswa neushingi hwekuparidza hwaiva neboka iri, vachitofurira vakuru vehurumende kuti varambidze Lightbearer kumira pane zvimwe zviteshi.
Makafambwa namo neLightbearer, pachiratidzwa mazita enzvimbo aishandiswa panguva iyoyo
Kudzokera kuAustralia
Muna December 1937, nepamusana pekubhanwa kwakanga kwakonzerwa nevakuru vezvitendero, Lightbearer yakadzokera kuAustralia. Boka riya rakasvika muSydney Harbor nenguva zvekuti vakakwanisa kupinda gungano reZvapupu zvaJehovha muna April 1938. Pakanga papfuura makore matatu kubva pakasimuka Lightbearer kubva muSydney. Chikepe chiya chakazotengeswa kuma1940, basa reZvapupu muAustralia richangobva kubhanwa. “Pasina mubvunzo chikepe ichi chakaita basa rinokosha,” vakadaro Hama Ewins, avo vakarondedzera ushumiri hwavo muLightbearer semamwe emakore avakafara chaizvo muupenyu hwavo.
Zvakaitwa neLightbearer Hazvikanganwiki
Varume vakafamba neLightbearer vakadyara mbeu yeUmambo munharaunda yakakura kwazvo yaiva nevanhu vakawanda. Uye pasinei nekushorwa, basa ravo rakabereka zvibereko. (Ruka 8:11, 15) Munyika dzakaparidzwa nemapiyona iwayo epakutanga, iye zvino mava nevaparidzi veUmambo vanopfuura 40 000. Varume ivavo vakashinga, avo vakaparidza nechikepe chaiva nezita raikodzera basa racho, vakatisiyira muenzaniso wakazonaka wekutevedzera!
a Mapiyona vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha.
b Nyaya yeupenyu yaCharles Harris yakabudiswa muNharireyemurindi yaJune 1, 1994.
c Ona Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra1991, reChirungu, papeji 187.