RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 159
  • Mhuka Dzinoenda Kudenga Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhuka Dzinoenda Kudenga Here?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Mhuka dzine mweya here?
  • Mweya unofa here?
  • Mhuka dzinotadza here?
  • Zvinobvumirwa here kuitira mhuka utsinye?
  • Mhuka
    Mukai!—2015
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Utsinye Kumhuka—Hwakaipa Here?
    Mukai!—1998
  • Kudya Nyama Hakuna Kururama Here?
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 159
Imbwa

Mhuka Dzinoenda Kudenga Here?

Mhinduro yeBhaibheri

Bhaibheri rinodzidzisa kuti pazvisikwa zvese zviri panyika, vanhu vashoma chete ndivo vachaenda kudenga. (Zvakazarurwa 14:1, 3) Vanoenda ikoko kuti vanotonga semadzimambo uye semapristi pamwe chete naJesu. (Ruka 22:28-30; Zvakazarurwa 5:9, 10) Vamwe vanhu vese vachamutswa kuti vararame muparadhiso pasi pano.—Pisarema 37:11, 29.

MuBhaibheri hapana panotaurwa kuti mhuka dzinoenda kudenga. Nekuti mhuka hadzikwanisi kutora matanho anodiwa kuti dzikodzere kuenda kudenga. (VaHebheru 3:1) Matanho aya anosanganisira kuwana zivo, kuva nekutenda, uye kuteerera mitemo yaMwari. (Mateu 19:17; Johani 3:16; 17:3) Vanhu chete ndivo vakasikwa vachikwanisa kurarama nekusingaperi.—Genesisi 2:16, 17; 3:22, 23.

Kuti zvisikwa zviri panyika zvikwanise kuenda kudenga zvinofanira kutanga zvamutswa. (1 VaKorinde 15:42) Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vakati kuti vakamutswa. (1 Madzimambo 17:17-24; 2 Madzimambo 4:32-37; 13:20, 21; Ruka 7:11-15; 8:41, 42, 49-56; Johani 11:38-44; Mabasa 9:36-42; 20:7-12) Asi hapana panombotaurwa nezvekumutswa kwemhuka.

  • Mhuka dzine mweya here?

  • Mweya unofa here?

  • Mhuka dzinotadza here?

  • Zvinobvumirwa here kuitira mhuka utsinye?

Mhuka dzine mweya here?

Aiwa. Bhaibheri rinoti munhu mweya uye rinotiwo mhuka mweya. (Numeri 31:28) Pakasikwa munhu wekutanga, Adhamu, haana kupiwa mweya asi “akava mweya mupenyu.” (Genesisi 2:7) Mweya unoumbwa nezvinhu zviviri: “guruva revhu” uye “mhepo yokufema youpenyu.”

Mweya unofa here?

Hongu, Bhaibheri rinodzidzisa kuti mweya unofa. (Revhitiko 21:11; Ezekieri 18:20) Vanhu pavanofa vanodzokera kuguruva uye ndizvo zvinoitawo mhuka. (Muparidzi 3:19, 20) Chinenge chichirehwa ndechekuti havasisipo kana kuti hadzisisipo.

Mhuka dzinotadza here?

Aiwa. Kutadza kunoreva kufunga, kuva nechido, kana kuti kuita chinhu chinopesana nemitemo yaMwari. Asi mhuka hadzikwanisi kuita izvi. Dzinowanzoita zvinhu zvichienderana nekusikwa kwadzakaitwa. (2 Petro 2:12) Padzinofa hatingati chivi ndicho chadziuraya nekuti hadzitadzi.

Zvinobvumirwa here kuitira mhuka utsinye?

Aiwa. Mwari akapa vanhu simba kuti vatonge mhuka asi kwete kuti vadzibate zveutsinye. (Genesisi 1:28; Pisarema 8:6-8) Mwari anokoshesa mhuka dzese kusanganisira shiri. (Jona 4:11; Mateu 10:29) Akarayira vashumiri vake kuti vabate mhuka zvakanaka.—Eksodho 23:12; Dheuteronomi 25:4; Zvirevo 12:10.

Mavhesi anotaura nezvemhuka

Genesisi 1:28: “Mwari [akakomborera vanhu vekutanga], Mwari akati kwavari: ‘Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire, muve nesimba pahove dzegungwa nepazvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nepazvisikwa zvose zvipenyu zvinofamba panyika.’”

Zvazvinoreva: Mwari akapa vanhu simba kuti vatonge mhuka.

Numeri 31:28: “Unofanira kutora mutero. . . , kuvarume vehondo vakaenda kunorwa, mweya mumwe chete pamazana mashanu, pavanhu nepamombe nepambongoro nepamakwai.”

Zvazvinoreva: Vanhu nemhuka zvese mweya.

Zvirevo 12:10: ‘Munhu akarurama anotarisira chipfuwo chake.’

Zvazvinoreva: Vanhu vanoteerera Mwari vanobata mhuka zvakanaka, kusanganisira dzavanochengeta pamba.

Mateu 10:29: “Shiri duku mbiri hadzitengeswi nemari isingakoshi here? Asi hapana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi.”

Zvazvinoreva: Mwari anoda mhuka, kunyange shiri diki.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe