RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 157
  • Bhaibheri Rinotii Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzega?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotii Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzega?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Tinoziva sei kuti njodzi dzinongoitika dzega haisi shamhu yaMwari?
  • Njodzi dzinongoitika dzega dzinoratidza kuti tava mumazuva ekupedzisira here?
  • Mwari anobatsira sei vanhu vanenge vawirwa nenjodzi dzinongoitika dzega?
  • Njodzi Dzinongoitika Dzoga—Nei Dzanyanya Kuwanda?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Njodzi Dzinongoitika Dzoga Kurangwa naMwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Ngwavaira Dzomusikirwo—Mwari Ndiye Anosakisa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mwari Ari Kutirova Neshamhu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 157
Mhuri iri kutarisa dzimba dzakaparadzwa nenjodzi dzinongoitika dzega

Bhaibheri Rinotii Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzega?

Mhinduro yeBhaibheri

Mwari haasi iye anokonzera njodzi dzinongoitika dzega dziri kuitika mazuva ano, uye anotorwadziwa vanhu pavanowirwa nenjodzi idzodzo. Pazvinhu zvinokonzera kutambura kwevanhu zvichabviswa neUmambo hwaMwari, chimwe chacho injodzi dzinoitika dzega. Iye zvino, Mwari anonyaradza vanhu pavanowirwa nenjodzi dzinoitika dzega.—2 VaKorinde 1:3.

  • Tinoziva sei kuti njodzi dzinongoitika dzega haisi shamhu yaMwari?

  • Njodzi dzinongoitika dzega dzinoratidza kuti tava mumazuva ekupedzisira here?

  • Mwari anobatsira sei vanhu vanenge vawirwa nenjodzi dzinongoitika dzega?

  • Bhaibheri rinogona kutibatsira here kugadzirira njodzi dzinongoitika dzega?

  • Mavhesi anonyaradza vanhu vanenge vawirwa nenjodzi

Tinoziva sei kuti njodzi dzinongoitika dzega haisi shamhu yaMwari?

Njodzi dzinongoitika dzega dzakasiyana nezvaiitwa naMwari paaiparadza vanhu achishandisa zvinhu zvakadai semvura, moto nezvimwewo.

  • Njodzi dzinongoitika dzega dzinouraya nekuremadza chero munhu. Asi kana ari Mwari, Bhaibheri rinotiudza kuti akanga asingaparadzi munhu wese wese. Paakaparadza Sodhoma neGomora, akaponesa murume akanga akanaka ainzi Roti nevanasikana vake vaviri. (Genesisi 19:29, 30) Mwari akaona zvakanga zvakaita mwoyo yevanhu ivavo achibva aparadza vanhu vaaiona kuti vakanga vakaipa.—Genesisi 18:23-32; 1 Samueri 16:7.

  • Kakawanda kacho njodzi dziri kuitika mazuva ano dzinongoerekana dzaitika. Asi kana ari Mwari, aitanga ayambira vanhu vakaipa asati avaparadza. Kana vanhu vacho vaizomuteerera aibva aita kuti vasaparadzwa.—Genesisi 7:1-5; Mateu 24:38, 39.

  • Vanhu vane zvavari kuitawo pakukonzera njodzi dzinongoitika dzega. Sei? Nekuparadza kwavari kuita nharaunda uye kuvaka munzvimbo dzinoitika kudengenyeka kwenyika, mafashamo, uye munzvimbo dzine mamiriro ekunze akaipa. (Zvakazarurwa 11:18) Mwari haanganzi ane mhosva pakadaro.—Zvirevo 19:3.

Njodzi dzinongoitika dzega dzinoratidza kuti tava mumazuva ekupedzisira here?

Ehe, uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti kuchava nenjodzi dzichaitika panguva yekuguma kwenyika kana kuti “mumazuva okupedzisira.” (Mateu 24:3; 2 Timoti 3:1) Jesu paaitaura nezvenguva yatiri kurarama akati: “Kuchava nokushomeka kwezvokudya nokudengenyeka kwenyika munzvimbo nenzvimbo.” (Mateu 24:7) Kwasara nguva pfupi kuti Mwari abvise zvinhu zvese zvinokonzera kuti vanhu vatambure, kusanganisira njodzi dzinongoitika dzega.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Mwari anobatsira sei vanhu vanenge vawirwa nenjodzi dzinongoitika dzega?

  • Mwari anovanyaradza neShoko rake, Bhaibheri. Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anotida uye kuti anorwadziwa patinotambura. (Isaya 63:9; 1 Petro 5:6, 7) Rinotiudzawo kuti achaita kuti njodzi idzi dzisazovapo zvekare.—Ona chikamu chakanzi “Mavhesi anonyaradza vanhu vanenge vawirwa nenjodzi.”

  • Mwari anovabatsira achishandisa vashumiri vake. Mwari anoshandisa vashumiri vake kuti vatevedzere zvaiitwa naJesu. Zvakaprofitwa kuti Jesu aizonyaradza “vakaora mwoyo” uye “vose vanochema.” (Isaya 61:1, 2) Vashumiri vaMwari vanoedzawo kuita izvozvo.—Johani 13:15.

    Mwari anoshandisawo vashumiri vake kuti vape ruyamuro kuvanhu vanenge vawirwa nenjodzi dzinongoita dzega.—Mabasa 11:28-30; VaGaratiya 6:10.

Zvapupu zvaJehovha zvichigadzirisa imba kuPuerto Rico

Zvapupu zvaJehovha zvichibatsira vanhu kuPuerto Rico pashure pekunge kwaitika dutu

Bhaibheri rinogona kutibatsira here kugadzirira njodzi dzinongoitika dzega?

Ehe. Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku rinotiudza zvekuita kana pakaitika njodzi, rinewo mazano anogona kubatsira. Mamwe acho ndeaya:

  • Gara wakagadzirira njodzi dzingangoitika. Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.” (Zvirevo 22:3) Zvakanaka kuti tigare taronga zvatingazoita kana pakaitika njodzi. Izvi zvinosanganisira kuva nebhegi rine zvinhu zvekushandisa kana pakaitika njodzi uye kugara muchidzidzira semhuri kuti ndekupi kwamuchasangana kana pakaitika njodzi.

  • Koshesa upenyu kupfuura zvinhu. Bhaibheri rinoti: “Hatina kuuya nechinhu panyika, uye hapana chatingabuda nacho.” (1 Timoti 6:7, 8) Zviri nani kurasikirwa nezvinhu pane kuti tife. Upenyu hunokosha kupfuura zvinhu.—Mateu 6:25.

Mavhesi anonyaradza vanhu vanenge vawirwa nenjodzi

Genesisi 18:25: ‘Mwari haangambofungi kuita saizvozvi, kuuraya munhu akarurama pamwe chete neakaipa. Mutongi wenyika yose haasi kuzoita zvakarurama here?’

Zvazvinoreva: Mwari anogara achiita zvakarurama; hatifaniri kumupa mhosva kana vanhu vakanaka vakafa panoitika njodzi.

Pisarema 46:1, 2: “Mwari ndiye nzvimbo yedu yokupotera nesimba redu, Rubatsiro runowanika zviri nyore pakutambudzika. Ndokusaka tisingazotyi, kunyange kana nyika ikachinja.”

Zvazvinoreva: Pasinei nezvingaitika, Mwari anotipa simba.

Isaya 63:9: “Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo akanga achitambudzika.”

Zvazvinoreva: Mwari ane tsitsi, anotorwadziwawo patinotambura.

Johani 5:28, 29: “Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi [raJesu], vobuda.”

Zvazvinoreva: Tine tariro yekuonazve hama dzedu dzakafa nekuti Mwari achapa Jesu simba rekuti adzimutse.

1 Petro 5:6, 7: “Zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba. . . muchikanda kuzvidya mwoyo kwenyu kwose paari, nokuti iye ane hanya nemi.”

Zvazvinoreva: Mwari ane hanya nesu uye anoda kuti tinyengetere kwaari tichimuudza zvinotinetsa.

Zvakazarurwa 21:4: “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”

Zvazvinoreva: Mwari achabvisa zvese zvinokonzera kutambura, kusanganisira njodzi dzinongoitika dzega.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe