RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 155
  • Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekupa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekupa?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Kupa kunofadza Mwari kwakaita sei?
  • Kupa kusingafadzi Mwari kwakaita sei?
  • “Mwari Anoda Munhu Anopa Achifara”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Une Mudzimu Wokupa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Jehovha Anoda Vapi Vanofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Zvakanakira Kupa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 155
Murume akabata chipo

Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekupa?

Mhinduro yeBhaibheri

Bhaibheri rinokurudzira kuti munhu ape zvichibva pamwoyo uye nechinangwa chakanaka. Rinotaura kuti kupa kwakadaro kunobatsira anenge agamuchira neanenge apa wacho. (Zvirevo 11:25; Ruka 6:38) Jesu akati: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”​—Mabasa 20:35.

  • Kupa kunofadza Mwari kwakaita sei?

  • Kupa kusingafadzi Mwari kwakaita sei?

  • Mavhesi anotaura nezvekupa

Kupa kunofadza Mwari kwakaita sei?

Mwari anoda munhu anopa zvichibva pamwoyo. Bhaibheri rinoti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.”​—2 VaKorinde 9:7.

Kupa zvinobva pamwoyo ndiko “kunamata” kunodiwa naMwari. (Jakobho 1:27) Munhu ane rupo anenge achishanda pamwe chete naMwari, uye Mwari anoona rupo rwakadaro sechikwereti. (Zvirevo 19:17) Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari pachake ndiye acharipa munhu anenge aratidza rupo.​—Ruka 14:12-14.

Kupa kusingafadzi Mwari kwakaita sei?

Kana munhu akapa aine chinangwa chakaipa. Izvi zvinosanganisira:

  • Kuda kushamisira.​—Mateu 6:2.

  • Kuti uzopiwawo chimwe chinhu.​—Ruka 14:12-14.

  • Kuti Mwari akuponese.​—Pisarema 49:6, 7.

Kana zvichitsigira zvinhu zvisingadiwi naMwari. Semuenzaniso, zvinenge zvakaipa kupa munhu mari kuti abheje kana kuti adhakwe. (1 VaKorinde 6:9, 10; 2 VaKorinde 7:1) Hazvinawo kunaka kupa munhu zvinhu asi iye achikwanisa kushanda kuti azviriritire.​—2 VaTesaronika 3:10.

Kana zvichitadzisa munhu kuriritira mhuri yake. Bhaibheri rinodzidzisa kuti vanababa vanofanira kuriritira mhuri dzavo. (1 Timoti 5:8) Hazvina kunaka kuti baba vape vamwe vanhu zvimwe zvinhu asi mhuri yavo ichisara ichitambura. Jesu akashorawo vaya vaitadza kuchengeta vabereki vainge vakwegura, vachiti zvese zvavaiva nazvo “chipo chakatsaurirwa kuna Mwari.”​—Mako 7:9-13.

Mavhesi anotaura nezvekupa

Zvirevo 11:25: “Mweya une rupo uchakodzwa, uye anodiridza vamwe kwazvo achadiridzwawo kwazvo.”

Zvainoreva: Kupa kunobatsira apiwa neapa wacho.

Zvirevo 19:17: “Munhu anonzwira nyasha munhu akaderera, anokweretesa Jehovha, uye Iye achamuripa zvaanoita.”

Zvainoreva: Mwari anonzwa seane chikwereti kuvanhu vanobatsira vanoshaiwa, uye anovimbisa kuti achavakomborera.

Mateu 6:2: “Paunopa varombo zvipo uchivanzwira ngoni, usaridza bhosvo pamberi pako, sezvinoita vanyengeri. . . kuti vakudzwe nevanhu.”

Zvainoreva: Hatidi kupa nechinangwa chekuda kuonekwa.

Mabasa 20:35: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”

Zvainoreva: Kupa nemwoyo wese kunoita kuti ufare.

2 VaKorinde 9:7: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.”

Zvainoreva: Kupa zvinobva pamwoyo kunofadza Mwari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe