RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwcl nyaya 8
  • Upenyu Hwangu Hwakanga Hwava Mumatope

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Hwangu Hwakanga Hwava Mumatope
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MARARAMIRO ANDAIITA
  • KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI
  • KUBATSIRWA KWANDAKAITWA
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Bhaibheri Rinochinja Upenyu
ijwcl nyaya 8
Solomone Tonga iye zvino

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Upenyu Hwangu Hwakanga Hwava Mumatope

Yakataurwa naSOLOMONE TONGA

  • Gore Rekuberekwa: 1971

  • Nyika: Tonga

  • Nhoroondo yeupenyu: Ndaishandisa madhiragi, ndikazopedzisira ndavharirwa mujeri

Solomone Tonga achiri mudiki

MARARAMIRO ANDAIITA

Mhuri yedu inobva kunyika inonzi Tonga, iri kumaodzanyemba kwakadziva kumavirira kwegungwa rePacific uko kune zvitsuwa zvinopfuura 170. Taiva varombo uye tainge tisina magetsi kana mota. Asi pamba pedu taivawo nemvura yemupombi, uye taichengeta huku shomanana. Taiva nemunda wemabhanana, mbambaira, madhumbe nemufarinya. Saka pahoridheyi yechikoro ini nevanin’ina vangu vaviri taibatsira baba kumunda. Kurima kwaitovawanisawo kamari kekuwedzera pamabasa avaiita. Vanhu vanogara muzvitsuwa vanoremekedza Bhaibheri chaizvo, uye taigara tichienda kuchechi. Asi taingozviudza kuti kana tichida kuzorarama upenyu hwakanaka taifanira kutamira kunyika dzakabudirira.

Pandaiva nemakore 16, sekuru vangu vakaronga kuti mhuri yedu inogara kuCalifornia, kuU.S.A. Tsika dzeko nemararamiro eko zvakasiyana nekure nezvatakakura tichiita. Kunyange zvazvo takanga tava kuwana mari iri nani, nzvimbo yataigara yakanga iine matsotsi uye vanhu vaiita zvemadhiragi. Pfuti dzaigara dzichirira, uye vavakidzani vedu vaitya matsotsi. Vakawanda vaifamba nepfuti kuitira kana vakanetsana nevamwe vanhu. Nditori nebara riri muchipfuva changu pandakapfurwa tanetsana nemumwe munhu.

Pandaiva kuchikoro, ndaida kungokwana kwanawo pane vamwe. Ndakatanga kuenda kumapati evanhu vaidhakwa zvisingaiti, vaifarira zvekurwisa vamwe, uye vaishandisa madhiragi asingabvumirwi nemutemo. Ndakapedzisira ndapindwa muropa necocaine. Kuti ndikwanise kutenga madhiragi, ndakatanga kuba. Kunyange zvazvo vanhu vekumba kwedu vaida zvekunamata, handina kuwana dzidziso yakandibatsira kuti ndisiyane nekuita zvinhu zvakaipa. Ndaigara ndakasungwa nekuti ndaingorwisana nevanhu. Upenyu hwangu hwakanga hwava mumatope! Ndakatozopedzisira ndavharirwa mujeri.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI

Rimwe zuva muna 1997 ndiri mujeri, mumwe musungwa akaona ndakabata Bhaibheri. Waiva musi weKrisimasi, uye vaTonga vanoremekedza chaizvo zuva iri. Akandibvunza kana ndaiziva zvinotaurwa neBhaibheri nezvekuberekwa kwaJesu, asi ndakanga ndiri rima. Akandiratidza nyaya yemuBhaibheri yekuberekwa kwaJesu, uye ndakaona kuti tsika dzakawanda dzepaKrisimasi hadzimo muBhaibheri. (Mateu 2:1-12; Ruka 2:5-14) Ndakashamisika zvekuti ndakada kuziva kuti zvii zvimwe zvinotaurwa muBhaibheri. Murume uyu akanga achipinda misangano yeZvapupu zvaJehovha yaiitirwa mujeri imomo, uye ndakatanga kupindawo. Maidzidzwa bhuku rinonzi Zvakazarurwa. Kunyange zvazvo ndakanga ndisinganzwisise zvakawanda zvaitaurwa, ndakaona kuti zvese zvaibva muBhaibheri.

Ndakafara chaizvo Zvapupu zvacho pazvakati zvaida kudzidza neni Bhaibheri. Kekutangawo muupenyu hwangu, ndakadzidza nezvevimbiso yeBhaibheri yekuti nyika ichava paradhiso. (Isaya 35:5-8) Ndakatanga kuona kuti kana ndichida kufadza Mwari, ndaifanira kuchinja zvinhu zvakawanda muupenyu hwangu. Jehovha akanga asingazoregi ndichipinda muParadhiso kana ndairamba ndichiita zvinhu zvakaipa kudaro. (1 VaKorinde 6:9, 10) Saka ndakatanga kushanda nesimba kuti ndirege hasha nekuputa, uye handina kuzombodhakwa kana kushandisa madhiragi.

Muna 1999, ndisati ndapedza mutongo wangu, ndakabva ndaendeswa munzvimbo inochengeterwa vanhu vanenge vabva kune dzimwe nyika vanenge vasina mapepa. Ndakaita gore ndisina kumboona Zvapupu. Asi ndakaramba ndichichinja upenyu hwangu. Muna 2000, hurumende yakati ndakanga ndisingakodzeri kuramba ndiri muUnited States, ndikabva ndadzoserwa kuTonga.

Ndava kuTonga, ndakatsvaga Zvapupu zvaJehovha ndikatanga kudzidza Bhaibheri zvekare. Ndakanakidzwa nezvandaidzidza, uye ndakafarira kuti Zvapupu zvekuTonga zvaitsigira dzidziso dzavo neMagwaro, sezvaingoitwawo neZvapupu zvekuUnited States.

Baba vangu vaizivikanwa chaizvo kwataigara nekuti vaiva nechinzvimbo kuchechi kwavo. Saka pakutanga, vanhu vekumba havana kufara nekuwadzana kwandaiita neZvapupu zvaJehovha. Asi nekufamba kwenguva, vabereki vangu vakafara kuti zvandaidzidza muBhaibheri zvakanga zvichindibatsira kuchenesa upenyu hwangu.

Chinwiwa chinorarisa chinonzi kava

Sezvinoitwa nevarume vakawanda vekuTonga, ndaiita maawa akawanda vhiki rega rega ndichinwa kava

Chinhu chakanga chakandiomera kwaiva kurega kunwa kava. Varume vakawanda vekuTonga vanoita maawa akawanda pavhiki vachiinwa. Inogadzirwa nemidzi yepepper uye inorarisa ukainwa. Ndava kumusha, ndakatanga kuenda mumabhawa ainwiwa kava manheru ega ega uye ndainwa zvekusara ndangoti rabada. Dambudziko raibva pakuti ndaishamwaridzana nevanhu vakanga vasina basa nezvinotaurwa neBhaibheri. Ndakazopedzisira ndabatsirwa kuona kuti zvandaiita zvaigumbura Mwari. Ndakachinja kuitira kuti ndifadze Mwari.

Ndakabva ndatanga kupinda misangano yese yeZvapupu zvaJehovha. Kushamwaridzana nevanhu vaidawo kufadza Mwari kwakandibatsira kuti ndikunde miedzo. Muna 2002, ndakabhabhatidzwa seChapupu chaJehovha.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA

Ndinotenda mwoyo murefu wandakaratidzwa naMwari. Shoko rake Bhaibheri rinoti: “Jehovha . . . ane mwoyo murefu nemi nekuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vanhu vese vasvike pakutendeuka.” (2 Petro 3:9) Aigona kunge akatoparadza nyika kare kare, asi mwoyo murefu wake wabatsira vanhu vakaitawo seni kuti vave neushamwari hwakasimba naye. Ndinofunga kuti anogona kundishandisa kuti ndibatsirewo vamwe kuti vachinjewo upenyu hwavo.

Ndinotenda Jehovha nekundinyurura mumatope. Handichabiri vanhu ndichitenga madhiragi. Ndava kubatsira vavakidzani vangu kuti vavewo shamwari dzaJehovha. Kuva musangano reZvapupu zvaJehovha kwakandibatsira kuwana mudzimai wandinoda anonzi, Tea. Tava nemwana mukomana mumwe chete uye tiri kufara. Tinodzidzisa vamwe zvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana.

Solomone Tonga nemhuri yake vachidzidzisa mumwe murume Bhaibheri
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe