RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 84
  • Nei Ndichingogara Ndichirasika Pakutaura?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Ndichingogara Ndichirasika Pakutaura?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei ndichirasika pakutaura?
  • Kudzora rurimi
  • Ratidza Rudo Uye Ruremekedzo Nokudzora Rurimi Rwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Shandisa Rurimi Rwako Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Ndambozvitaurirei?
    Mukai!—2012
  • “Nguva Yokunyarara, Nenguva Yokutaura”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 84
Mukomana ari kuedza kubata mashoko ake aataura

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Nei Ndichingogara Ndichirasika Pakutaura?

“Dzimwe nguva ndinogona kudzora zvandinotaura, asi pamwe pacho ndinongoerekana ndataura ndisina kufunga!”—James.

“Kana ndichitya ndinotaura ndisina kufunga, uye kana ndakadzikama ndinosununguka zvekubva ndataura nezvinhu zvandisingafaniri kutaura. Saka ndinogara ndichirasika pakutaura.”—Marie.

Bhaibheri rinoti: “Rurimi . . . moto” uye, “Moto muduku [unogona] kupisa sango guru kwazvo!” (Jakobho 3:5, 6) Unowanzotaura zvinhu zvinokupinza pakaoma here? Kana zvakadaro, nyaya ino inogona kukubatsira.

  • Nei ndichirasika pakutaura?

  • Kudzora rurimi

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Nei ndichirasika pakutaura?

Chivi. Bhaibheri rinoti: “Tose tinokanganisa kazhinji. Kana munhu asingakanganisi pakutaura, iyeyu munhu akakwana.” (Jakobho 3:2) Chivi chatinacho chinoita kuti tikanganise pazvinhu zvakawanda kusanganisira pazvinhu zvatinotaura.

“Sezvo pfungwa dzangu nerurimi rwangu zvichikanganiswa nechivi, handigoni kutaura kuti ndinokwanisa kuzvidzora.”—Anna.

Kutaurisa. Bhaibheri rinoti: “Pamashoko mazhinji hapashayikwi kudarika.” (Zvirevo 10:19) Vanhu vanotaurisa uye vasingateereri vamwe vachitaura, kakawanda kacho ndivo vanorwadzisa vamwe nekurasika kwavanoita pakutaura.

“Kana munhu achinyanya kutaura hazvirevi kuti ndiye akangwara kupfuura vese. Jesu paaiva panyika, dzimwe nguva aisarudza kunyarara asi hapana munhu angaenzaniswa naye pakungwara.”—Julia.

Kutsvinya. Bhaibheri rinoti: “Kune munhu anotaura asingafungi zvinobaya sezvinoita bakatwa.” (Zvirevo 12:18) Kutaura usingafungi kunosanganisira kutaura mashoko ekutsvinya nechinangwa chekudzikisira vamwe. Vanhu vanotsvinyira vamwe vanogona kuti, “Ndanga ndichitamba!” Asi kunyadzisa vamwe hakuna kunaka. Bhaibheri rinoti: “Kutuka [ngakubviswe] kwamuri pamwe chete nezvakaipa zvose.”—VaEfeso 4:31.

“Ndinowanzoda zvekusetsa vanhu, izvo zvinoita kuti ndipedzisire ndava kutsvinyira vamwe, uye izvozvo zvinowanzondipinza pakaoma.”—Oksana.

Mukomana ari kuedza kudzorera mushonga wemazino muchubu

Kana wataura chinhu watotaura, haukwanisi kuzodzora mashoko ako—sezvazvinongoita kuti haukwanisi kudzosera mushonga wemazino muchigaba kana watobuda

Kudzora rurimi

Kudzidzira kudzora rurimi hakusi nyore, asi zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kubatsira. Chimbofunga zvinotevera.

“Taurai mumwoyo menyu, . . . murambe makanyarara.”—Pisarema 4:4.

Dzimwe nguva kunyarara kuri nani. “Zvandinenge ndichinzwa kana ndakagumbuka zvinogona kuchinja nekufamba kwenguva,” anodaro mumwe musikana anonzi Laura. “Kana ndazodzikama, ndinofara kuti handina kutaura zvandanga ndichida kutaura.” Kumbonyarara kunogona kuita kuti usarasika pakutaura.

“Nzeve haiedzi mashoko sokuravira kunoita rurimi zvokudya here?”—Jobho 12:11.

Kufunga nezvemibvunzo inotevera kunogona kukubatsira kuti usataura zvinhu zvinozokupinza panguva yakaoma:

  • Ichokwadi here? Zvakanaka here? Ndinofanira kuzvitaura here?—VaRoma 14:19.

  • Dai mumwe munhu aizotaura izvozvo kwandiri ndaizonzwa sei?—Mateu 7:12.

  • Ndinenge ndaratidza kuti ndinoremekedzawo here mafungiro emunhu wacho?—VaRoma 12:10.

  • Ndiyo nguva yekuti ndizvitaure here?—Muparidzi 3:7.

‘Ivai nepfungwa dzinozvininipisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri.’—VaFiripi 2:3.

Mazano aya anokubatsira kuti uremekedze vamwe, uye ndizvo zvichaita kuti udzore rurimi rwako, wofunga usati wataura. Kunyange kana watotaura zvinhu zvinorwadza, kuzvininipisa kuchakubatsira kuti ukumbire ruregerero nekukurumidza! (Mateu 5:23, 24) Zvadaro, chiedza nepese paunogona kudzora rurimi rwako.

Zvinotaurwa nevezera rako

Taylor

“Nekunakidzwa nenyaya ndinogona kupedzisira ndataura zvinhu zvandanga ndisingadi kutaura. Asi kana ndikamira zvishoma ndichifunga kuti vamwe vachanzwa sei nezvandichataura kana kuti zvandiri kuda kutaura zvine basa here, ndinokwanisa kudzora rurimi rwangu.”—Taylor.

Brandon

“Kana mumwe munhu akataura chimwe chinhu chinokukanganisa, unofanira kufunga zvaitika. Dzimwe nguva munhu anenge angorotomokawo, saka unogona kungosiyana nazvo. Dzimwe nguva zvinenge zvataurwa zvinogona kusakuitira, asi zvinogona zviine kauchokwadi. Ukaramba wakadzikama unokwanisa kupedza matambudziko akaita seiwayo.”—Brandon.

Jessica

“Zviri nyore kusataura zvinhu zvinokuvadza kana ukatanga nekusazvipa nzvimbo mupfungwa dzako. Dzimwe nguva tinofanira kutochinja maonero atinoita zvinenge zvaitika uye maonero atinoita vanhu. Kana tikadaro, hatizotauri zvinhu zvinovarwadza.”—Jessica.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe