RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 81
  • Ndodii Kana Ndakabhowekana?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndodii Kana Ndakabhowekana?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaunofanira kuziva
  • Zvaungaita
  • Ko Kana Mwana Wangu Ari Kubhowekana?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Kuchange Kuchifinha Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Ndingaitei Kuti Ndinakidzwe Nokuverenga Bhaibheri?
    Mukai!—2012
  • Zvakadiniko Nokufambafamba?
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 81
Mukomana wechidiki ane foni, tablet, video game nezvimwewo asi akarara akatarisa mudenga

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndodii Kana Ndakabhowekana?

Vakawanda vanobhowekana nekuswera pamba vasina kwekuenda nekuti kunenge kuchinaya. Mumwe mukomana anonzi Robert anoti, “Ndinozongogara ndisingazivi kuti ndoitei.”

Wakambonzwa saizvozvo here? Kana izvi zvakamboitika kwauri, nyaya ino ichakubatsira!

  • Zvaunofanira kuziva

  • Zvaungaita

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Zvaunofanira kuziva

  • Kuenda paIndaneti kungasabatsira.

    Kuenda paIndaneti kunogona kubatsira kuti nguva ifambe, asi kunogona kuitawo kuti usafunga zvakanaka, wopedzisira wava kunzwa kubhowekana. “Unopedzisira wangoti tuzu pafoni kana kombiyuta asi usingashandisi pfungwa,” anodaro Jeremy, ane makore 21.

    Mumwe musikana anonzi Elena anobvumiranawo nazvo. “Unofanira kuziva pekugumira pakushandisa Indaneti. Inoita kuti usanyatsoisa pfungwa pazvinhu zviri kuitika muupenyu, zvekuti paunozopedza, unenge watowedzera kubhowekana!”

  • Maonero aunoita anokosha.

    Kuva nezvakawanda zvekuita kunoita kuti usabhowekane here? Kakawanda kacho zvinobva pakuti uri kunakidzwa zvakaita sei nezvauri kuita. Semuenzaniso, mumwe musikana anonzi Karen anoti: “Chikoro chaindibhowa, kunyange zvazvo ndaiva nezvakawanda zvekuita muswere wese. Unofanira kunyatsoisa pfungwa dzako pane zvaunenge uchiita kuti usabhowekane.”

Waizviziva here? “Kana usina zvekuita” ndipo paunotova nemukana wekuita zvimwe zvinhu zvine musoro.

Ruva riri kuratidza kuti rine gitare, chinyoreso, uye zvekupenda

Kana usina zvekuita ndipo paunotova nemukana wekuita zvimwe zvinhu zvine musoro

Zvaungaita

Funga zvimwe zvekuita. Tsvaga shamwari itsva. Tsvaga zvinhu zvitsva zvinokuvaraidza. Tsvakurudza zvinhu zvaunoda kuwedzera kuziva. Vanhu vane zvinhu zvakawanda zvekuita havawanzobhowekana nekuva vega, uye havazowanzobhowa kana vaine vamwe!

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose.”​—Muparidzi 9:10.

“Mazuva achangobva kupfuura ndakadzidza Mandarin Chinese, uye kudzidzira mutauro uyu kuri kuita kuti ndinakidzwe. Ndinonakidzwa nekuva nechimwe chinhu chekuita. Zvinoita kuti pfungwa dzangu dzigare dziine zvekuita uye zvinoita kuti ndinyatsoshandisa nguva yangu zvakanaka.”​—Melinda.

Ramba uchifunga nezvechinangwa chako. Kana ukava nechinangwa pazvinhu zvauri kuita, uchawedzera kunakidzwa nazvo. Kana basa rekuchikoro chairo rinenge risisanyanyi kukubhowa kana uine chinangwa.

Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Kumunhu hapana chinhu chiri nani kupfuura kuti afadzwe nezvakanaka pabasa rake rakaoma.’​—Muparidzi 2:24.

“Pandakanga ndava kupedza chikoro, ndaidzidza kwemaawa 8 pazuva nekuti ndaiedza kuti ndibate vamwe. Zvaisabhohwa nekuti ndainyatsoisa pfungwa dzangu dzese pane zvandaiita. Ndairamba ndichifunga kuti ndava kutonopedza chikoro, uye ndizvo zvakaramba zvichindipa simba.”​—Hannah.

Bvuma kuti zvimwe zvinhu haukwanisi kuzvichinja. Kunyange zvinhu zvinonakidza chaizvo pane dzimwe nguva pazvinomboti bhowei. Dzimwe nguva shamwari dzinogona kukanzura zvamunenge maronga kuita, wosara usisina zvekuita. Panzvimbo pekuchingobata shaya uchishayiwa kuti wodii, edza kuva nemafungiro akanaka.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu ane mwoyo unofara anoita mutambo nguva dzose.”​—Zvirevo 15:15.

“Imwe shamwari yangu yakandiudza kuti ndinakidzwe nenguva yandinenge ndiri ndega. Akati zvakakosha kuti munhu uzive kuti une nguva yaunofanira kumbova nevamwe kozoitawo nguva yaunofanira kumbovawo wega.”​—Ivy.

Zvinotaurwa nevezera rako

Hannah

“Ndaiwanzotira shanje vanhu vandaiona sevari kunakidzwa neupenyu. Asi ndakazoona kuti vaingovawo vanhu vakaita seni. Saka ndakatangawo kuita zvimwe zvinhu. Ndakatsvaga zvinhu zvinondivaraidza uye ndakatanga kutsvakurudza nyaya dzinonakidza. Paunowedzera kuziva zvakawanda, unowedzera kunakidzwa uye hauzobhowekane.”​—Hannah.

Caleb

“Pandaiva nemakore ekuma13, ndakaedza kupedza kubhowekana nekutamba mavideo game. Asi pandakanga ndazokura, ndakaona kuti mavideo game anotondipedzera nguva. Anoita kuti ugare uine zvekuita asi paunopedza kutamba hauna kana chaunenge waita chisvinu. Ndakawana nzira dziri nani dzekushandisa nguva yangu.”​—Caleb.

Micaela

“Ndaiwanzobhowekana chaizvo, asi ndakazoona kuti kana ndichida kuti vanhu vatambe neni ini wacho ndinofanira kuvawanira nguva. Ndakatanga kuzviita, uye zvakabatsira chaizvo. Ndava kutonakidzwa pandinowana mukana wekuva ndega, nekuti kakawanda ndinenge ndiine vamwe vanhu”​—Micaela.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe