RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 79
  • Ndava Kukwanisa Kugara Ndega Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndava Kukwanisa Kugara Ndega Here?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ongorora zvikonzero zviri kuita kuti ude kunogara wega
  • Funga nezvemari inodiwa
  • Ndagadzirira Kubva Pamba Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Paunenge Wava Kufanira Kudzoka Kumba
    Mukai!—2015
  • Ndinofanira Kubva Pamba Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Kudanana—Chikamu 1: Ndagadzirira Kudanana Nemumwe Munhu Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 79
Mukomana ari kurongedza zvinhu zvake kuti anogara ega

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndava Kukwanisa Kugara Ndega Here?

Kufunga zvekunogara kwako wega kunogona kukunakidza nekukutyisa zvekare. Ungaziva sei kana wava kukwanisa kunogara wega?

  • Ongorora zvikonzero zviri kuita kuti ude kunogara wega

  • Funga nezvemari inodiwa

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Ongorora zvikonzero zviri kuita kuti ude kunogara wega

Pane zvikonzero zvakawanda zvinogona kuita kuti ude kunogara wega uye zvimwe zvacho hazvina musoro. Semuenzaniso, mumwe mukomana anonzi Mario anoti, “Ndaida kunogara ndega kuitira kuti nditize mabasa andaifanira kuita pamba.”

Kana ukanogara wega unogona kutowandirwa nezvekuita. Musikana anonzi Onya ane makore 18 anoti, “Kana ukanogara wega unofanira kuchenesa imba yako, kuzvibikira, kubhadhara rendi nezvimwewo uye vabereki vako vanenge vasipo kuti vakubatsire!”

Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kuti uzive kana wava kukwanisa kunogara wega, unofanira kutanga wanzwisisa kuti nei uri kuda kubva pamba.

Funga nezvemari inodiwa

Jesu akati: “Ndiani wenyu anoti kana achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi, overenga zvinodiwa, kuti aone kana aine zvakakwana zvokuipedza nazvo?” (Ruka 14:28) Ungaziva sei kuti ndezvipi zvinodiwa kana wava kuda kunogara wega? Zviongorore pazvinhu zvinotevera.

UNOKWANISA KUSHANDISA MARI ZVAKANAKA HERE?

Bhaibheri rinoti: “Mari inodzivirira.”​—Muparidzi 7:12.

  • Unonetseka nekuchengetedza mari here?

  • Unotambisa mari here?

  • Unogara uchikwereta mari here?

Kana paine mubvunzo wawapindura kuti ehe, unogona kuzoomerwa neupenyu kana ukanogara wega!

“Hanzvadzi yangu yakabva pamba payakanga yava nemakore 19. Gore risati ratombokwana, mari yaakanga achengeta yakanga yapera, mota yake yakatorwa, akanga asisakwanisi kutora zvinhu nechikwereti, uye akanga ava kukumbira kudzoka kumba.”​—Danielle.

Zvaungaita: Bvunza vabereki vako kuti vanoshandisa marii pamwedzi. Zvii zvavanofanira kubhadhara uye vanoronga sei mari yavanowana kuti vakwanise kubhadhara zvinhu izvozvo? Vanozviita sei sei kuti vachengetedze imwe mari?

Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kudzidzira kushandisa mari zvakanaka iye zvino uchiri kugara nevabereki kuchakubatsira kuti uzokwanisa kuzviriritira kana wava kugara wega.

UNOZVIDZORA HERE?

Bhaibheri rinoti: “Mumwe nomumwe achatakura mutoro wake.”​—VaGaratiya 6:5.

  • Unoverengera kuita zvinhu here?

  • Vabereki vako vanotoita zvekukuyeuchidza kuti uite mabasa ako epamba here?

  • Unononoka kudzoka kumba here?

Kana paine mubvunzo wawapindura kuti ehe, unogona kuzotadza kuzvidzora zvakanyanya kana ukanogara wega.

“Kana uchigara wega, pane zvimwe zvinhu zvausingafariri kuita asi unotofanira kuwana nguva yekuti uzviite. Hapana achakuudza kuti uite zvinhu izvozvo, saka unofanira kutova nechido woronga zvinhu zvako.”​—Jessica.

Zvaungaita: Kwemwedzi wese, edza kuita mabasa akawanda pamba. Semuenzaniso, tsvaira mumba, wacha hembe dzako, tenga zvinhu zvekushandisa pamba, bika manheru ega ega wobva wasuka ndiro. Izvi zvichakubatsira kuona zvichange zvakaita upenyu paunenge wava kugara wega.

Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kana uchida kuzogara wega zvakakosha kuti uve munhu anozvidzora.

Mukomana ari kujamba kubva mundege akabata parachute

Kuenda kunogara wega usati wagadzirira kwakafanana nekujamba kubva mundege usati usingazivi kuti parachute inoshandiswa sei

WAKAGADZIKANA MUPFUNGWA HERE?

Bhaibheri rinoti: “Bvisai zvose pamuri zvinoti, hasha, kutsamwa, zvinhu zvakaipa, kutuka.”​—VaKorose 3:8.

  • Zvakakuomera kuwirirana nevamwe here?

  • Unonetseka nekudzora hasha here?

  • Unongoda kuti zvinhu zviitwe sezvaunoda iwe here?

Kana paine mubvunzo wawapindura kuti ehe, unogona kuzotadza kugarisana nemunhu waunenge uchigara naye kana kuti waucharoorana naye.

“Kugara nevamwe vanhu kwakaita kuti ndione zvandinofanira kugadzirisa. Ndakadzidza kuti handifaniri kufunga kuti kana twangu twakwidza munhu wese achandinzwisisa. Ndaifanira kutsvaga imwe nzira iri nani yekugadzisirisa dambudziko kana paine zviri kundinetsa.”​—Helena.

Zvaungaita: Dzidza kuwirirana nevabereki vako nevamwe vana vemumba menyu. Zvaunoita kana uchinge watadzirwa nevanhu vauri kugara navo iye zvino, zvinoratidza zvauchaita kuvanhu vauchazogara navo.

Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kugara wega handiko kuchaita kuti unzwe uine rusununguko. Chinhu chinotoda kudzidzirwa usati wazviita. Taura nevanhu vari kuzvigona. Vabvunze kuti zvii zvavanofunga kuti dai vasina kuita kana kuti zvii zvavava kuziva iye zvino zvavanoshuva kuti dai vakazviziva vasati vava kugara vega. Kuita izvozvo kunokubatsira pakuita chero chisarudzo chakakura!

Zvinotaurwa nevezera rako

Dapo

“Vechidiki vakawanda havanyatsozivi kuoma kwazvakaita kubhadhara zvinhu zvese vega. Zvakaoma kuwana pekugara pakachipa! Nekusaziva, vakawanda vanomhanyira kunogara vega vozopedzisira vadzoka futi pamba pane vabereki.”​—Dapo.

Ashley

“Kugara pamba kunokupa mukana wekudzidzira zvishoma nezvishoma kuti uzokwanisa kugara wega. Vamwe vanotanga nekuita mabasa epamba, kubhadhara zvinhu kana kuti kubikira mhuri yese. Zvinhu zvidiki zvakadaro zvinogona kukubatsira kuti uzokwanisa kugara wega.”​—Ashley.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe