RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 69
  • Nei Ndichifanira Kunyengetera?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Ndichifanira Kunyengetera?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii chinonzi munyengetero?
  • Mwari anondinzwa here?
  • Ndinganyengetera nezvei?
  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Kuswedera Kwaunogona Kuita Pedyo naMwari
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 69
Musikana akagara pedyo nemvura

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Nei Ndichifanira Kunyengetera?

Imwe ongororo yakaratidza kuti pavanhu 100 vechidiki vekuAmerica, 80 vacho vanonyengetera, asi 40 chete ndivo vanonyengetera zuva nezuva. Zviri pachena kuti vamwe vavo vanobvunza kuti: ‘Munyengetero inongova nzira yekuti munhu anzwe zviri nani here, kana kuti pane zvimwe zvaunoita?’

  • Chii chinonzi munyengetero?

  • Mwari anondinzwa here?

  • Ndinganyengetera nezvei?

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Chii chinonzi munyengetero?

Munyengetero inzira yekutaura nayo neMusiki wezvinhu zvese. Ichi chikomborero chakakura chaizvo! Jehovha mukuru chaizvo kupfuura vanhu vese, asi ‘haasi kure nemumwe nemumwe wedu.’ (Mabasa 17:27) Bhaibheri rinototikurudzira kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”​—Jakobho 4:8.

Ungaswedera sei pedyo naMwari?

  • Imwe nzira ndeyekunyengetera. Paunonyengetera unenge uchitaura naMwari.

  • Imwe ndeyekudzidza Bhaibheri. Paunoriverenga, Mwari anenge achiita seari kutaurawo newe.

  • Kunyengetera uye kuverenga Bhaibheri zvichaita kuti uve neushamwari hwakasimba naMwari.

“Kutaura neWemasimbaose, Jehovha, chikomborero chakakura chaizvo chakapiwa vanhu.”​—Jeremy.

“Kutaura zviri pasi pemwoyo wangu kuna Jehovha pandinonyengetera kunoita kuti ndive pedyo naye.”​—Miranda.

Mwari anondinzwa here?

Kunyange kana uchitenda kuti Mwari ariko uye uchinyengetera kwaari, zvinogona kukuomera kuti ubvume kuti anokunzwa paunonyengetera. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinoti Jehovha “Munzwi wemunyengetero.” (Pisarema 65:2) Bhaibheri rinotiwo, ‘Kanda zvese zvinokudya paari.’ Nei richidaro? ‘Nekuti iye ane hanya newe.’—1 Petro 5:7.

Zvekufunga nezvazvo: Unowana here nguva yekugara uchitaura neshamwari yako yepedyo? Unogona kuitawo izvozvo naMwari. Gara uchinyengetera kwaari uye nyengetera uchishandisa zita rake. (Pisarema 86:5-7; 88:9) Bhaibheri rinotokukurudzira kuti ‘urambe uchinyengetera.’—1 VaTesaronika 5:17.

“Pandinonyengetera ndinenge ndichitaura naBaba vangu vekudenga uye ndinonyatsotaura zvese zvinenge zviri mumwoyo.”​—Moises.

“Ndinonyatsotora nguva yangu pandinenge ndichitaura naJehovha, sezvandinoita pandinenge ndichitaura naamai vangu kana kuti neshamwari yepedyo.”​—Karen.

Ndinganyengetera nezvei?

Bhaibheri rinoti: “Panyaya dzese zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari muchinyengetera uye muchiteterera pamwe chete nekuonga.”​—VaFiripi 4:6.

Izvi zvinoreva here kuti tinofanira kunyengetera nezvematambudziko edu? Ehe! Bhaibheri rinototi: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira.”​—Pisarema 55:22.

Asi paunenge uchinyengetera haufaniri kungotaura matambudziko ako chete. Mumwe musikana anonzi Chantelle anoti, “Hunenge husiri ushamwari hwakanaka kana ndichingogara ndichikumbira kuti Jehovha andibatsire. Ndinofunga kuti ndinofanira kutanga nekumutenda ndichitaura zvinhu zvakawanda zvaanondiitira.”

Zvekufunga nezvazvo: Muupenyu hwako zvinhu zvipi zvawakaitirwa zvaunotenda? Fungawo zvinhu zvitatu zvaungada kutenda Jehovha.

“Tinogona kunyengetera kuna Jehovha tichimutenda kunyange pazvinhu zvidiki, semuenzaniso patinoona ruva rakanaka zvinofanira kuita kuti timutende.”​—Anita.

“Nyatsofunga nezvechimwe chinhu chakasikwa naMwari chaunoyemura kana kuti vhesi yemuBhaibheri inokubaya mwoyo wobva wanyengetera uchitenda Jehovha.”​—Brian.

Zvinotaurwa nevezera rako

Moises

“Patinonyengetera tinofanira kutaura zviri pasi pasi pemwoyo wedu. Jehovha anoda kutibatsira uye anoziva zvatinenge tichida tisati tatombonyengetera kwaari. Kunyange zvakadaro, patinomuudza zviri pasi pasi pemwoyo yedu tinenge tichiratidza kuti tinovimba naye.”​—Moises.

Miranda

“Munyengetero wakafanana netambo yekuti Jehovha anenge akabata kwainotangira, ini ndakabata kwainoperera. Pandinodurura mwoyo wangu kuna Jehovha, zvinoita sekuti ndiri kuwedzera kubata tambo yacho zvakasimba uye ndizvo zvinenge zvichiitwawo naJehovha, zvoita kuti ushamwari hwedu hunyatsosimba.”​—Miranda.

Jeremy

“Kana tikasaongorora minyengetero yedu, inogona kupedzisira yava yekungokumbira. Asi patinotenda Jehovha, tinosvika pakukoshesa zvinhu zvakawanda zvaakatipa uye minyengetero yedu inenge yava kuratidza kuti hatingofungi nezvezvatinoda chete.”​—Jeremy.

Shelby

“Patinowedzera kutenda Jehovha tinowedzerawo kukoshesa zvaanotiitira. Kunyengetera tichitenda Jehovha kunoita kuti tiise pfungwa dzedu pamakomborero aanotipa pane kunyanya kufunga matambudziko edu.”​—Shelby.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe