RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwfq nyaya 50
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Mariro?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Mariro?
  • Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mariro eZvapupu anofambiswa sei?
  • Zvapupu zvinoendawo here pamariro anenge achitungamirirwa nemamwe machechi?
  • Mariro evaKristu Ane Mutsigo, Haasi Okushamisira, Uye Anofadza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Murangariro wechiKristu Wetsika Dzamariro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Vakafa Vanofanira Kukudzwa Here?
    Mukai!—1999
  • Kurerutsa Mitoro Yorufu
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
ijwfq nyaya 50
Mumwe weZvapupu zvaJehovha achipa hurukuro yemariro

Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Mariro?

Maonero edu uye zvatinoita panyaya dzemariro zvinobva pane zvinodzidziswa neBhaibheri, zvakaita sezvinotevera:

  • Hapana chakaipa nekuchema kana tafirwa nemunhu watinoda. Vadzidzi vaJesu vakachema pavakafirwa nevanhu vavaida. (Johani 11:33-​35, 38; Mabasa 8:2; 9:​39) Saka hatiiti zvemafaro panguva dzemariro. (Muparidzi 3:1, 4; 7:​1-4) Asi tinoona nguva idzodzo senguva dzekunyaradza vanenge vafirwa.​—VaRoma 12:15.

  • Vakafa havana chavanoziva. Pasinei nedzinza redu kana kuti kwatinobva, hatiiti tutsika tunobva pane zvinotendwa nevanhu zvisiri muBhaibheri zvekuti vakafa vane chavanoziva uye vane zvavanogona kuita kuvanhu vapenyu. (Muparidzi 9:5, 6, 10) Izvi zvinosanganisira tsika dzakadai sekuita pungwe parufu, kuita mhemberero dzemariro dzemaoresa nekurova makuva, kupira midzimu, kutaura nevakafa uye tsika dzinonzi dzinofanira kuitwa kana kuti kuitirwa mudzimai anenge afirwa. Hatiiti zvose izvi nekuti tinoteerera murayiro weBhaibheri wekuti, “Muzviparadzanise . . . musabata chinhu chisina kuchena.”​—2 VaKorinde 6:17.

  • Pane tariro yekuti vakafa vachamutswa. Bhaibheri rinodzidzisa kuti vakafa vachamutswa uye kuti pachasvika nguva yekuti kunenge kusisina rufu. (Mabasa 24:15; Zvakazarurwa 21:4) Sekubatsira kwayakaita vaKristu vepakutanga, tariro iyi inotibatsirawo kuti tisachema zvakapfurikidza.​—1 VaTesaronika 4:13.

  • Bhaibheri rinotikurudzira kuti tive nemwero. (Zvirevo 11:2) Hationi mariro semukana ‘wekushamisira’ nezvinhu zvatiinazvo muupenyu. (1 Johani 2:16) Hatirongi kuita mariro emaoresa nechinangwa chekuda kufadza vanhu kana kuti kuda kushamisira nekutenga makofini anonyanya kudhura uye kupfeka zvipfeko zvekuda kuonekwa.

  • Hatiedzi kumanikidza vamwe kuti vatevedzere zvatinotenda panyaya dzemariro. Panyaya iyi tinotevedzera zano rekuti: “Mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.” (VaRoma 14:12). Asi kana tikapiwa mukana, tinoedza kutsanangura zvatinotenda “nounyoro noruremekedzo rukuru.”​—1 Petro 3:​15.

Mariro eZvapupu anofambiswa sei?

Nzvimbo: Mhuri inenge yafirwa inogona kusarudza kuti hurukuro yemariro izoitirwa kwavanenge vachida, pangava paImba yoUmambo, pakambani inoita nezvemariro, pamba pari kuchemerwa mufi, kumakuva kana kuti kunopisirwa vashakabvu (crematory).

Hurukuro yemariro: Pane hurukuro inopiwa kuti inyaradze vanenge vafirwa uye hurukuro yacho inenge ichitsanangura zvinotaurwa neBhaibheri nezverufu uye tariro yerumuko. (Johani 11:25; VaRoma 5:12; 2 Petro 3:13) Hurukuro yemariro inogona kuita kuti vanhu vayeuke zvinhu zvakanaka zvaiitwa nemufi, zvichida ichitotaura zvidzidzo zvinokurudzira kubva pakutendeka kwaainge akaita.​—2 Samueri 1:17-27.

Panogonawo kuimbwa rwiyo rune pfungwa dzinobva muMagwaro. (VaKorose 3:16) Purogiramu yacho inozogumiswa nemunyengetero une mashoko anonyaradza.​—VaFiripi 4:6, 7.

Mari: Hatibhadharisi vanhu vatinonamata navo patinovaitira chero chii zvacho chine chekuita nekunamata, kusanganisira kupa hurukuro yemariro, uyewo hatifambisi ndiro yekukumbira mari patinoita misangano yedu.​—Mateu 10:8.

Ndivanaani vanobvumirwa kuvapo? Vanhu vasiri Zvapupu vanogonawo kuenda kunonzwa hurukuro yemariro inenge ichipiwa paImba yoUmambo. Sezvazvakangoita pane mimwe misangano yedu yese, munhu wese akasununguka kuuya kuzonzwa hurukuro yemariro.

Zvapupu zvinoendawo here pamariro anenge achitungamirirwa nemamwe machechi?

Mumwe nemumwe weZvapupu zvaJehovha anozvisarudzira achibatsirwa nehana yake yakadzidziswa neBhaibheri. (1 Timoti 1:19) Kunyange zvakadaro, hatibatanidzwi pamapurogiramu anoitwa nemamwe machechi atinoona kuti anopesana nezvinotaurwa neBhaibheri.​—2 VaKorinde 6:14-17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe