RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 107
  • Chii Chinonzi Kuberekwazve?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinonzi Kuberekwazve?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Kuberekwazve—Ndiko Kunoponesa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kuberekwazve
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Ndivanaani Vanoberekwazve?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kuberekwa Patsva—Tinogona Kuzvisarudzira Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 107
Pashure pekunge abhabhatidzwa muRwizi rwaJodhani, Jesu anotarisa kudenga

Chii Chinonzi Kuberekwazve?

Mhinduro yeBhaibheri

Shoko rekuti “kuberekwazve” rinoreva kutanga kweukama hutsva pakati paMwari nemunhu wacho anenge aberekwazve. (Johani 3:​3, 7) Mwari anogamuchira vaya vanenge vaberekwazve kuti vave vana vake. (VaRoma 8:15, 16; VaGaratiya 4:5; 1 Johani 3:1) Kungofanana nevaya vanotorwa zviri pamutemo kuti vave vana vemumwe munhu, mamiriro ezvinhu evaya vanenge vaberekwazve anochinja, vobva vava nhengo dzemhuri yaMwari.​—2 VaKorinde 6:18.

Nei munhu achifanira kuberekwazve?

Jesu akati: “Kana munhu asina kuberekwazve, haagoni kuona Umambo hwaMwari.” (Johani 3:3) Saka kuberekwazve kunoita kuti munhu akodzere kuzotonga naKristu muUmambo hwaMwari. Umambo uhwu hunotonga huri kudenga, saka Bhaibheri rinorondedzera “kuberekwazve” richiti ndiko kunoita kuti munhu azowana nhaka ‘yakachengetwa kudenga.’ (1 Petro 1:​3, 4) Vaya vanoberekwazve vanoitwa kuti vave nechivimbo chekuti ‘vachatonga pamwe chete semadzimambo’ naKristu.​—2 Timoti 2:12; 2 VaKorinde 1:21, 22.

Munhu anoberekwazve sei?

Jesu paakataura nezvenyaya yekuberekwazve akati vaya vanoberekwazve ‘vaizoberekwa nemvura nemweya.’ (Johani 3:5) Mashoko iwayo anoreva kubhabhatidzwa mumvura kunoteverwa nekubhabhatidzwa nemweya mutsvene.​—Mabasa 1:5; 2:1-4.

Jesu ndiye wekutanga kuberekwazve. Akabhabhatidzirwa muRwizi rwaJodhani, Mwari achibva amuzodza (kana kuti kumubhabhatidza) nemweya mutsvene. Saka Jesu akabva aberekwazve nemweya mutsvene semwanakomana waMwari wemweya aiva netariro yekudzokera kunoraramazve ari kudenga. (Mako 1:9-11) Mwari akazadzisa tariro iyi nekumutsa Jesu sechisikwa chemweya.​—Mabasa 13:33.

Vamwe vanoberekwazve vanotangawo vabhabhatidzwa mumvura vasati vagamuchira mweya mutsvene.a (Mabasa 2:38, 41) Kana zvadaro vanenge vava netariro yechokwadi yekuti vachanorarama vari kudenga, iyo ichazadziswa naMwari pavanomutswa.​—1 VaKorinde 15:42-49.

Zvinofungwa nevamwe panyaya yekuberekwazve

Zvavanofunga: Munhu anofanira kutanga aberekwazve kuti aponeswe kana kuti ave muKristu.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Chibayiro chaKristu hachingounzi ruponeso pane vaya chete vanoberekwazve avo vachazotonga naKristu kudenga asiwo pane vaya vachatongwa neUmambo hwaMwari pasi pano. (1 Johani 2:1, 2; Zvakazarurwa 5:9, 10) Boka iroro rechipiri revaKristu richava nemukana wekurarama nekusingaperi muParadhiso pasi pano.​—Pisarema 37:29; Mateu 6:9, 10; Zvakazarurwa 21:1-5.

Zvavanofunga: Munhu anogona kusarudza kuberekwazve.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Munhu wese ane mukana wekuti ave shamwari yaMwari uye kuti awane ruponeso. (1 Timoti 2:3, 4; Jakobho 4:8) Kunyange zvakadaro, Mwari ndiye anosarudza vaya vanoberekwazve, kana kuti vanozodzwa nemweya mutsvene. Maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, kuti munhu azoberekwazve ‘hazvibvi pachido chine munhu kana zvaanoedza kuita, asi zviri kuna Mwari.’ (VaRoma 9:16) Mashoko ekuti “kuberekwazve” anogonawo kushandurwa kuti “kuberekwa kubva kumusoro,” zvichisimbisa pfungwa yekuti kusarudzwa kwevaya vanozoberekwazve “kunobva kumusoro,” kana kuti kuna Mwari.

a Koneriyasi nevamwe vaaiva navo ndivo chete vakagamuchira mweya mutsvene vasati vabhabhatidzwa mumvura.​—Mabasa 10:44-48.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe