RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 102
  • Mwari Anoti Kudii Panyaya Yekubheja?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anoti Kudii Panyaya Yekubheja?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Kubhejera NdokwavaKristu Here?
    Mukai!—1994
  • Chii Chakaipa Nokubhejera?
    Mukai!—2002
  • Dzivisa Musungo Wokubhejera
    Mukai!—2002
  • Bhaibheri Rinorambidza Zvokubheja Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 102
Munhu akabata pepa relotto achienzanisa nhamba dzake nedziri kubuda paTV

Mwari Anoti Kudii Panyaya Yekubheja?

Mhinduro yeBhaibheri

Kunyange zvazvo Bhaibheri risina parinonyatsotaura nezvekubheja, kana tikaongorora zvarinotaura tinogona kuona kuti munhu anenge achiita zvekubheja anenge achiita chivi pamberi paMwari.​—VaEfeso 5:17.a

  • Makaro ndiwo anoita kuti munhu ade kubheja, uye Mwari anovenga makaro. (1 VaKorinde 6:9, 10; VaEfeso 5:3, 5) Munhu anobheja anenge achitarisira kuti dai vamwe vakaruza iye ahwine. Bhaibheri rinoshora kuchochora zvinhu zvemumwe munhu.​—Eksodho 20:17; VaRoma 7:7; 13:9, 10.

  • Kubheja uchida kuhwina kunyange kamari kashoma, kunogona kuzoita kuti upedzisire wava kuda mari zvakanyanya.​—1 Timoti 6:9, 10.

  • Kakawanda kacho vanhu vanobheja vanotenda mashura kana kuti vanoti dai vakaita mhanza yakanaka vakahwina. Asi Mwari anoona zvinhu zvakadaro sekutonamata zvidhori, uye haafariri zvinhu zvakadaro.​—Isaya 65:11.

  • Bhaibheri rinokurudzira kushanda nesimba, kwete kuti munhu angowana zvinhu zvaasina kushandira. (Muparidzi 2:24; VaEfeso 4:28) Vaya vanoteerera zano iroro reBhaibheri ‘vanodya zvokudya zvavanozvishandira.’​—2 VaTesaronika 3:10, 12.

  • Kubheja kunoita kuti munhu atange kuita makwikwi, nepo Bhaibheri richitoshora kuita zvemakwikwi.​—VaGaratiya 5:26.

a MuBhaibheri, panonyatsotaurwa nezvekubheja ndepaya apo masoja eRoma akakanda mijenya, kana kuti “akabheja,” kuti aone kuti ndiani aizotora hembe yaJesu.​—Mateu 27:35; Johani 19:23, 24; Contemporary English Version; Good News Translation.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe