RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 44
  • Kuita Bonde Nemumuromo Kunganzi Kuita Bonde Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuita Bonde Nemumuromo Kunganzi Kuita Bonde Here?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Unofungei?
  • Chokwadi nezvenyaya iyi ndechipi?
  • Kuziva izvi kunobatsirei?
  • Ndingatsanangurira Sei Vamwe Zvandinotenda Panyaya Dzebonde?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Taura Nevana Vako Nyaya Dzebonde
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisabvume Kufurirwa Kuita Zvebonde?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Zvakadii nemhiko dzokusaita zvepabonde?
    Mukai!—2007
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 44
Mukomana nemusikana

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Kuita Bonde Nemumuromo Kunganzi Kuita Bonde Here?

Sangano reU.S. Centers for Disease Control and Prevention rakambobvunza vana vane makore ari pakati pe15 kusvika ku19, uye inenge hafu yavo yakati vakamboita bonde nemumuromo. “Kana ukataura nevari kuyaruka [nezvekuita bonde nemumuromo] vanoti hazvina basa,” anodaro Sharlene Azam, munyori webhuku rinonzi Oral Sex Is the New Goodnight Kiss. “Vanototi ikoko hakusi kuita bonde.”

  • Unofungei?

  • Chokwadi nezvenyaya iyi ndechipi?

  • Kuziva izvi kunobatsirei?

Unofungei?

Pindura mibvunzo inotevera.

  1. Musikana angabata pamuviri here nekuita bonde nemumuromo?

    1. Ehe

    2. Aiwa

  2. Kuita bonde nemumuromo kungarwarisa here?

    1. Ehe

    2. Aiwa

  3. Kuita bonde nemumuromo kunganzi kuita bonde here?

    1. Ehe

    2. Aiwa

Chokwadi nezvenyaya iyi ndechipi?

Enzanisa mhinduro dzako nedzinotevera.

  1. Musikana angabata pamuviri here nekuita bonde nemumuromo?

    Mhinduro: Aiwa. Ndokusaka vanhu vakawanda vachifunga kuti kuita bonde nemumuromo hakuna kuipa, asi chokwadi ndechokuti kwakaipa.

  2. Kuita bonde nemumuromo kungarwarisa here?

    Mhinduro: Ehe. Munhu anoita bonde nemumuromo anogona kuita hepatitis (A kana kuti B), mhopo pasikarudzi, gonoriya, hepisi, HIV, uye sifirisi.

  3. Kuita bonde nemumuromo kunganzi kuita bonde here?

    Mhinduro: Ehe. Chero zvaunoita nesikarudzi yomumwe munhu kunenge kuri kutoita bonde, kungava kuita bonde chaiko, nemumuromo, nekunobuda netsvina, uye kuitana bonyora.

Kuziva izvi kunobatsirei?

Inzwa zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyaya yekuita bonde nemumuromo.

Bhaibheri rinoti: “Izvi ndizvo zvinoda Mwari, kuti . . . murege ufeve.”—1 VaTesaronika 4:3.

Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “ufeve” rinoreva marudzi ose ebonde anoitwa nevanhu vasina kuroorana, kusanganisira kuita bonde chaiko, nemumuromo, nekunobuda netsvina uye kuitana bonyora. Kuita ufeve kunoita kuti mangwana uzochema, uye chakatonyanya kuipa ndechokuti kunokanganisa ukama hwako naMwari.​—1 Petro 3:12.

Bhaibheri rinoti: “Ane tsika yokuita ufeve ari kutadzira muviri wake pachake.”​—1 VaKorinde 6:18.

Kuita bonde nemumuromo kunogona kuita kuti munhu arware uye kunokanganisa ukama hwake naMwari. Uyewo kunoita kuti agare achizvitongesa. Bhuku rinonzi Talking Sex With Your Kids rinoti, “Kuita bonde nenzira iyi kunokanganisa munhu sezvinoitika kana aita bonde nenzira chaiyo asi nemunhu waasina kuroorana naye.” Rinotiwo, “Kana munhu akaita bonde nemunhu waasina kuroorana naye pasinei nokuti ari kuzviita nenzira ipi, zvinoita kuti anzwe ashandiswa, azvidembe, kana kuti anzwe asingabatsiri. Bonde ibonde chete.”

Bhaibheri rinoti: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe.”​—Isaya 48:17.

Unobvuma here kuti mitemo yaMwari panyaya yebonde inokubatsira? Kana kuti unofunga kuti inokuomesera? Kuti upindure mibvunzo iyi, chimbofunga nezvemugwagwa unofamba nemota dzakawanda. Mugwagwa wacho une zvikwangwani zvinoratidza vatyairi sipidhi yavasingafaniri kupfuura, kuti vomira here kana kuti vodzora sipidhi uyewo une marobhoti. Unofunga kuti zvikwangwani izvi zvinoomesera vatyairi here kana kuti zvinovadzivirira? Zvii zvinogona kuitika kana iwe nevamwe vatyairi mukasatevedzera mitemo iyi yemumugwagwa?

Mutyairi ari kuenda kusiri iko

Mitemo yemumugwagwa haikuomeseri, asi inokudzivirira. Ndizvo zvinoitawo mitemo yaMwari

Ndizvo zvinoitikawo kana ukasatevedzera mitemo yaMwari. Unozokohwa zvaunodyara. (VaGaratiya 6:7) Bhuku rinonzi Sex Smart rinoti, “Kana ukaramba uchiita zvinhu zvakaipa nemaune unopedzisira usingachazviremekedzi.” Asi kana ukatevedzera zvinodiwa naMwari, unova munhu ane unhu uye anozviremekedza. Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti ucharamba uine hana yakachena.​—1 Petro 3:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe