RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 78
  • Mwari Ariko Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Ariko Here?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Mwari Ariko Here? Kuzviziva Kune Basa Here?
    Mukai!—2015
  • Manyuko Echienzi Ouchenjeri
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Upenyu Hwangu Hausi Kundinakidza—Chitendero, Mwari Kana Bhaibheri Zvingandibatsira Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Musiki Anogona Kuwedzera Zvinoreva Upenyu Hwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 78
Chiedza chezuva chichibuda nemumakore

Mwari Ariko Here?

Mhinduro yeBhaibheri

Hongu ariko uye Bhaibheri rine umboo hwakasimba hunoratidza izvozvo. Rinotikurudzira kuti titende muna Mwari asi tichishandisa pfungwa panzvimbo pekungoita vanagundamusaira tichiti ndizvo zvatinodzidziswa kuchechi. (VaRoma 12:1; 1 Johani 5:20) Ona zvinotaurwa neBhaibheri zviri pasi apa zvaunogona kufunga nezvazvo:

  • Kurongeka kwakaita zvinhu zviri muchadenga nezviri panyika kunoratidza kuti pane Musiki. Bhaibheri rinoti: “Ichokwadi kuti imba imwe neimwe ine munhu anoivaka, asi akavaka zvinhu zvese ndiMwari.” (VaHebheru 3:4) Kunyange zvazvo mashoko aya ari nyore kunzwisisa, vanhu vakawanda vakadzidza vanoti akadzama chaizvo.a

  • Sevanhu, kunyange tikawana zvatinoda muupenyu, tinoramba tiine chido chekuziva chinangwa cheupenyu. Chido ichi chinosanganisira kuziva Mwari nekumunamata uye Bhaibheri rinoti, “vanofara vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari.“ (Mateu 5:3; Zvakazarurwa 4:11) Kuva nechido ichi kunoratidza kuti Mwari ariko uye kuti iye Musiki ane rudo anoda kuti tizadzise chido ichocho.​—Mateu 4:4.

  • Uprofita huri muBhaibheri hwakanyorwa pachiine mazana emakore zvinhu zvacho zvisati zvaitika uye pazvakazoitika zvese, zvakanyatsoitika sekutaurwa kwazvakanga zvaitwa. Kuzadziswa kwezvese zvakanga zvataurwa umboo hwakasimba hwekuti haasi munhu wenyama akaita kuti uprofita hwacho huvepo.​—2 Petro 1:21.

  • Nyika kana uchiiona uri muchadenga

    Vanyori veBhaibheri vaiva neruzivo rwesainzi rwaisava nevamwe vanyori vavairarama navo. Semuenzaniso, kare vanhu vakawanda vaiti nyika yakagara panzou, panguruve kana kuti pamombe. Asi Bhaibheri rakanga rati Mwari, ‘Anorembedza nyika pasina chinhu.’ (Jobho 26:7) Uyezve Bhaibheri rinonyatsotsanangura zvakaita nyika richiti nyika ’idenderedzwa.’ (Isaya 40:22; Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Vakawanda vanoti chakaita kuti vanyori veBhaibheri vave neruzivo rwakadzama nezvenyaya idzi ndechekuti zvavainyora zvaibva kuna Mwari.

  • Pane mibvunzo yakaoma yakawanda yekuti kudai pasina mhinduro dziripo vanhu vaizoguma vati hakuna Mwari. Asi Bhaibheri rinopindura mibvunzo yacho. Mimwe yacho ndeiyi: Kana Mwari aine rudo nesimba guru, nei munyika muine zvinhu zvakaipa uye kutambura? Sei mumachechi murimo munonyanya kuitwa zvakaipa?​—Tito 1:16.

a Semuenzaniso Allan Sandage uyo aiva nyanzvi yekuongorora nyeredzi nezvimwe zvemuchadenga paaitaura nezvedenga nenyika, akati: “Zvinondiomera kubvuma kuti zvinhu zvakarongeka kudai zvinganzi zvakangoerekana zvaitika zvega. Panofanira kunge paine akaita kuti zvirongeke saizvozvo. Mwari handinyatsomunzwisisi, asi kuti nditi zvinhu zvakangoerekana zvavapo zvega, hazviiti. Anofanira kunge ari Mwari akaita kuti zvivepo.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe