RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 27
  • Nei Ndisina Shamwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Ndisina Shamwari?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo nezvekusurukirwa
  • Zvinoitika paushamwari uye pakusurukirwa
  • Kukunda dambudziko racho
  • Usarega Ushoma Huchikuvadza Upenyu Hwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Ukata—Kutambura Kwakavanda
    Mukai!—1993
  • Ndinogona Seiko Kuita Kuti Ushoma Hwangu Hubve?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndinoita Sei Kuti Ushoma Hwangu Hupere?
    Mukai!—1988
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 27
Musikana ane dambudziko rokusurukirwa

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Nei Ndisina Shamwari?

Ngatitii uri paIndaneti, uri kuona mapikicha akatorwa papati ichangobva kuitwa. Shamwari dzako dzose dziripo, uye zvinoratidza kuti vainakidzwa chaizvo. Asi pane mumwe munhu asipo. Munhu wacho ndiwe!

‘Sei ndisina kukokwawo?’ unozvibvunza kudaro.

Paunenge uchifunga izvi unopedzisira wagumbuka. Unonzwa sokuti shamwari dzako dzakurasa! Ushamwari hwenyu hwaparara nyore nyore sezvinongoita imba yevhu. Unobva wasurukirwa chaizvo, uye unozvibvunza kuti, ‘Nei ndisina shamwari?’

  • Mibvunzo nezvekusurukirwa

  • Zvinoitika paushamwari uye pakusurukirwa

  • Kukunda dambudziko racho

  • Zvinotaurwa nevezera rako

  • Kukunda zvaunotya pakuva neshamwari

Mibvunzo nezvekusurukirwa

Ichokwadi kana kuti Inhema

  1. Kana uine shamwari dzakawanda, hauzombofi wakasurukirwa.

  2. Kana ukataura neshamwari paIndaneti (social network), hauzombofi wakasurukirwa.

  3. Kana ukagara uchitumira vamwe mameseji pafoni, hauzombofi wakasurukirwa.

  4. Kana ukabatsira vamwe, hauzombofi wakasurukirwa.

Mhinduro dzezviri pamusoro apa ndinhema.

Chikonzero nei?

Zvinoitika paushamwari uye pakusurukirwa

  • Kuva neshamwari dzakawanda hakurevi kuti hauzombofi wakasurukirwa.

    “Ndine hanya neshamwari dzangu, asi dzimwe nguva ndinoona sokuti havambondiratidziwo hanya. Unowedzera kusurukirwa zvakanyanya kana uine shamwari asi shamwari dzacho dzisingaratidzi kuti dzinokuda.”​—Anne.

  • Kuva neshamwari dzaunotaura nadzo paIndaneti hakurevi kuti hauzombofi wakasurukirwa.

    “Vamwe vanhu vanoita shamwari dzakawanda sokunge vari kuunganidza zvivezwa. Asi kuita makomo nemakomo ezvivezwa hakuiti kuti munhu anzwe achidiwa. Kana usina shamwari dzepachokwadi, kuva neshamwari dzakawanda dzepaIndaneti kwakangofanana nekuunganidza zvivezwa zvisina zvazvinokubatsira.”​—Elaine.

  • Kugara uchitumira mameseji pafoni hakurevi kuti hauzombofi wakasurukirwa.

    “Dzimwe nguva kana wakasurukirwa unoramba uchingokanda ziso pafoni kuti uone kana paine shamwari yakutumira meseji. Ukaona kuti hapana kana mumwe chete akutumirawo meseji zvinogona kuita kuti uwedzere kusurukirwa!”​—Serena.

  • Kubatsira vamwe hakurevi kuti hauzombofi wakasurukirwa.

    “Ndinogara ndichibatsira shamwari dzangu nezvimwe zvinhu asi idzo handisati ndambodziona dzichibatsirawo. Hazvirevi hazvo kuti ndinozvidemba kuti chandinofira chii asi kuti zvinongondishamisa kuti sei vasingandiitiriwo zvakanaka.”​—Richard.

Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kusuruvara kunobva pamaonero aunoita zvinhu. “Zvinokonzerwa nemafungiro aunoita, kwete nevamwe vanhu,” anodaro mukadzi anonzi Jeanette.

Zvii zvaungaita kana uchiona sokuti hauna shamwari uye wakasurukirwa?

Kukunda dambudziko racho

Musikana ane dambudziko rokuzvitarisira pasi

Usazvitarisira pasi.

“Kusurukirwa kunogona kukonzerwa nokusava nechokwadi nezvimwe zvinhu. Zvakaoma kuti uve neshamwari uye usununguke kwadziri kana uchiona sokuti vanhu vacho havakufariri.”​—Jeanette.

Bhaibheri rinoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (VaGaratiya 5:14) Kuti tive neushamwari hwepachokwadi, hatifaniri kuzvitarisira pasi, uye panguva imwe chete tisingazvikudzi.​—VaGaratiya 6:3, 4.

Mukomana ari kunyanya kuzvinzwira tsitsi

Usanyanya kuzvinzwira tsitsi.

“Kusurukirwa kwakafanana nejecha rokuti ukaritsika unonyura. Kana ukatambira pajecha iri zvinozokuomera kubvapo. Kana ukanyanya kuzvinzwira tsitsi, zvichaita kuti shamwari dzako dzitambire kure newe zvobva zvatoita kuti uwedzere kusurukirwa​—Erin.

Bhaibheri rinoti: “Rudo . . . haruzvitsvakiri zvarwo.” (1 VaKorinde 13:4, 5) Zvinoitika ndezvekuti, kana tikanyanya kuzvifunga, tinopedzisira tisisina hanya nevamwe uye kuita izvi kunoita kuti shamwari dzitambire kure. (2 VaKorinde 12:15) Chokwadi ndechokuti: Kana uchifunga kuti mufaro wako unobva pakuti vamwe vanokuona sei, hauzombofari muupenyu! Kutaura kwokuti “Hapana anombondifungawo” uye “Hapana anombondikokawo” kunoita kuti zviite sokuti kufara kwako kunobva pane vamwe vanhu. Kuita izvozvo kwakafanana nekuvabvumira kudzora upenyu hwako.

Mukomana ari kuramba kutambira mudzanga wefodya

Usangoti munhu wose wawaona ishamwari.

“Vanhu vakasurukirwa vanoda vanhu vanovapa nguva yokuvateerera, uye kana kusurukirwa kwacho kukanyanyisa vanopedzisira vava kungoti chero munhu anoratidza kuti ari kuvateerera yatova shamwari yavo. Chavanongoda kudiwa. Asi vamwe vanhu vanoita kuti unzwe sokuti vanokuda vobva vakushandisa. Kana zvikadaro unobva watonyanya kusurukirwa.”​—Brianne.

Bhaibheri rinoti: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.” (Zvirevo 13:20) Munhu afa nenzara anodya chero chaawana. Ndizvowo zvinoitika kuvanhu vanotsvaka shamwari nemaziso matsvuku vanongoti chero wavaona ishamwari. Zvinogona kupedzisira zvaita kuti vawire mumaoko evanhu vanovashandisa, vachiona sokuti hapana chakaipa nokushamwaridzana nevanhu vakadaro.

Mhedziso: Munhu wose ane nguva dzaanombosurukirwa; kungoti vanhu vanosurukirwa zvakasiyana. Kusurukirwa kunorwadza, asi kunokonzerwa nemaonero atinoita zvinhu. Zvatinofunga ndizvo zvinoita kuti tive nemaonero atinoita, uye tinogona kudzora zvinhu zvatinofunga.

Usatarisira vamwe kuti vaite zvinhu zvavasingakwanisi. “Haasi munhu wose acharamba ari shamwari yako,” anodaro Jeanette, ambotaurwa kwekutanga, “asi uchawana vanhu vane hanya newe. Uye chinongodiwa kuva nevanhu vane hanya newe. Izvi ndizvo zvinoita kuti usasurukirwe.”

Unoda rumwe rubatsiro here? Verenga bhokisi rakanzi “Kukunda Zvaunotya Pakuva Neshamwari.” Dhaunirodhawo paIndaneti nyaya inoti “Kukunda Dambudziko Rokusurukirwa.”

ZVINOTAURWA NEVEZERA RAKO

Vanessa

“Udza mumwe munhu nezvekusurukirwa kwauri kuita. Usakuvarira mukati. Panogona kunge paine vamwe vari kusangana nedambudziko rakaita serako. Dzimwe nguva unongoda shamwari imwe chete yaunoudza zvinokunetsa.”​—Vanessa.

Taylor

“Haufaniri kupa vamwe mhosva nemhaka yekusurukirwa kwauri kuita. Dzimwe nguva ndiwe unenge wazvibvisa pane vamwe. Saka ita zvose zvaunogona kuti uve pedyo nevamwe zvakare. Kana zvikaramba kushanda, tsvaka shamwari itsva, vanhu vausati wamboshamwaridzana navo.”​—Taylor.

Kukunda zvaunotya pakuva neshamwari

“Shamwari yangu ine dambudziko rokugara yakasurukirwa. Kunyange zvazvo achigara nevanhu vane hanya naye, anoona sokuti hapana anomuda kana kumutarisawo. Anonyepedzera kunge hapana chiri kumunetsa. Ndinofunga kuti maitiro ake iwayo ndiwo anomutadzisa kuita shamwari. Vanhu vanomuona vanofunga kuti haana basa nevamwe, uye vamwe vanoona zvakaoma kushamwaridzana naye.

“Shamwari yangu inotyawo kurwadziswa, saka vanhu pavanomubvunza nezveupenyu hwake, iye anovafungira zvisizvo kana kuti anoona sokuti ushamwari hwacho haumbobudiriri. Anogara akasurukirwa nokuti vanhu vakawanda havamunzwisisi, uye zvinotowedzerwa nekusada kwake kuudza vamwe zviri mupfungwa dzake.

“Shamwari yangu inofanira kuziva kuti kuudzawo vamwe zvimwe zvinhu kunobatsira kuti muwirirane uye vawedzere kukunzwisisa. Zvinovabatsira kuti vashamwaridzane newe. Ndinovimba kuti shamwari yangu ichachinja mafungiro ayo, yokunda zvainotya pakuva neshamwari.”​—Elaine.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe