RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 58
  • Bhaibheri Rinorambidza Kunakidzwa Nebonde Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinorambidza Kunakidzwa Nebonde Here?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Kurangarira Kwako Vatano—Kunoita Mutsaukanoi?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Bhaibheri Rinotii Nezvewanano?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kuvimbika Kune Wawakaroorana Naye—Kunorevei Chaizvo?
    Mukai!—2009
  • Kuita Bonde Vanhu Vasati Varoorana
    Mukai!—2013
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 58

Bhaibheri Rinorambidza Kunakidzwa Nebonde Here?

Mhinduro yeBhaibheri

Bhaibheri harirambidzi vanhu kuti vaite bonde, rinototi chipo chinobva kuna Mwari chero bedzi richiitwa nevanhu vakaroorana. Akasika “munhurume nomunhukadzi” uye akaona zvaakanga aita kuti “zvakanga zvakanaka kwazvo.” (Genesisi 1:27, 31) Paakabatanidza murume nomukadzi vokutanga muwanano, akati “vachava nyama imwe.” (Genesisi 2:24) Kubatanidzwa kwavakaitwa kwaisanganisirawo kuita bonde uye kuva pedyo nepedyo.

Bhaibheri rinotsanangura mufaro unowanikwa nevarume muwanano nemashoko aya: “Tsime rako ngarikomborerwe, uye fara nomudzimai wouduku hwako . . . Mazamu ake ngaakugutse nguva dzose. Fadzwa norudo rwake nguva dzose.” (Zvirevo 5:18, 19) Mwari anodawo kuti vakadzi vanakidzwe nebonde. Bhaibheri rinoti: “Varume nemadzimai vanofanira kugutsa zvido zvemumwe nemumwe zvebonde.”​—1 VaKorinde 7:3, God’s Word Bible.

Zvisingafaniri kuitwa panyaya dzebonde

Mwari anongobvumira murume nomudzimai vakaroorana kuti vaite bonde sezvinotaurwa pana VaHebheru 13:4: “Kuroorana ngakukudzwe navose, mubhedha wevakaroorana ngaurege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” Murume nomudzimai vanofanira kuva vanhu vakavimbika uye kuramba vachidanana sokutsidzirana kwavakaita. Chinoita kuti vanyanye kufara hakusi kuti munhu mumwe chete anenge achida kuzvigutsa asi kuita zvinotaurwa neBhaibheri: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe