RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 64
  • Tinofanira Kunamata Zvifananidzo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinofanira Kunamata Zvifananidzo Here?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingashandisi Mifananidzo Pazvinenge Zvichinamata?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mifananidzo Inogona Kukuswededza Pedyo Zvikuru Namwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Murangariro wechiKristu Wemifananidzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Nhema 6: Mwari Anobvumira Kuti Mifananidzo Nezvidhori Zvishandiswe Pakunamata
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 64

Tinofanira Kunamata Zvifananidzo Here?

Mhinduro yeBhaibheri

Hatifaniri kunamata zvifananidzo. Bhuku rinonzi New Catholic Encyclopedia richitaura nezvemitemo yakapiwa rudzi rwevaIsraeri naMwari, rinoti: “Nyaya dzakasiyana-siyana dziri muBhaibheri dzinoratidza kuti pakanga pasingashandiswi zvifananidzo pakunamata Mwari.” Ona zvinotaurwa nemavhesi aya eBhaibheri:

  • “Usazvigadzirira mufananidzo wakavezwa, kana mufananidzo wechinhu chero chipi zvacho chiri kumatenga kumusoro, kana chiri panyika pasi, kana chiri mumvura pasi penyika. Usazvikotamira kana kunyengedzwa kuti uzvishumire, nokuti ini Jehovha Mwari wako ndiri Mwari anoda kuzvipira kwakazara.” (Eksodho 20:4, 5) Sezvo Mwari achida “kuzvipira kwakazara,” haafari kana tikapa rukudzo kana kuti tikanamata zvifananidzo, mapikicha, zvidhori, zvivezwa, kana zviratidzo.

  • ‘Handizopi kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo.’ (Isaya 42:8, Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi) Mwari haadi kuti vanhu vamunamate vachishandisa zvifananidzo. Vamwe vaIsraeri pavakaedza kunamata Mwari vachishandisa chifananidzo chemhuru, Mwari akati vakanga vaita “zvinhu zvakaipa kwazvo.”​—Eksodho 32:7-9, Bhaibheri Rinoyera.

  • “Hatifaniri kufunga kuti Mwari akafanana nendarama kana sirivha kana dombo, kufanana nechimwe chinhu chakavezwa nounyanzvi nouchenjeri hwomunhu.” (Mabasa 17:29) Kusiyana nevanhu vechihedheni avo vanowanzoshandisa mifananidzo ‘yakavezwa nounyanzvi nouchenjeri hwomunhu,’ vaKristu vanofanira ‘kufamba nokutenda, kwete nokuona,’ rinodaro Bhaibheri.—2 VaKorinde 5:7.

  • “Zvichenjererei pazvidhori.” (1 Johani 5:21) Mirayiro yakapiwa rudzi rwevaIsraeri uye vaKristu, inoratidza kuti nguva dzose Bhaibheri rinoti dzidziso yokuti Mwari anoda kunamatwa pachishandiswa zvifananidzo nezviratidzo ndeyenhema.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe