RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwfq nyaya 18
  • Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingapembereri Krisimasi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingapembereri Krisimasi?
  • Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhema dzinowanzotaurwa nevanhu
  • Sei Zvapupu zvaJehovha zvisingapembereri Krisimasi?
  • Hamuoni here kuti kusapemberera Krisimasi kunoita kuti musafarirwa nevamwe?
  • Rudo Nemufaro Zvinowanikwa Here Panguva yeKrisimasi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Nei Vamwe Vanhu Vasingapembereri Krisimasi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Krisimisi—Neiko Yakakurumbira Kwazvo muJapan?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kwakabva Krisimasi Yazvino Uno
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
ijwfq nyaya 18
Vabereki vari kutaura nemwana wavo ari kuvhura chipo chavamupa.

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingapembereri Krisimasi?

Nhema dzinowanzotaurwa nevanhu

Nhema: Zvapupu zvaJehovha hazvitendi muna Jesu ndokusaka zvisingapembereri Krisimasi.

Chokwadi: Tiri vaKristu. Tinotenda kuti Jesu Kristu chete ndiye achaita kuti vanhu vaponeswe.—Mabasa 4:12.

Nhema: Munopesanisa mhuri nokudzidzisa vanhu kuti vasapemberera Krisimasi.

Chokwadi: Tine hanya chaizvo nemhuri dzevanhu, uye tinoshandisa Bhaibheri kuti tivabatsire kuva nemhuri dzakabatana.

Nhema: Munoruzirira zvakawanda zvinoitwa paKrisimasi zvakadai sekupanana zvipo, kubatana kunoita vanhu panyika panguva iyoyo, uye kuitira vamwe zvakanaka.

Chokwadi: Tinoedza kuva vanhu vane rupo uye vane rugare nevamwe zuva rimwe nerimwe. (Zvirevo 11:25; VaRoma 12:18) Somuenzaniso, patinoita misangano yedu uye patinoparidza tinenge tichiita zvinoenderana nemurayiro waJesu wokuti: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mateu 10:8) Uyezve, tinoita kuti vanhu vazive kuti Umambo hwaMwari chete ndihwo huchaita kuti pasi pano pave nerugare.—Mateu 10:7.

Sei Zvapupu zvaJehovha zvisingapembereri Krisimasi?

  • Jesu akatirayira kuti tiyeuke zuva rekufa kwake, kwete rekuberekwa kwake.—Ruka 22:19, 20.

  • Vaapostora vaJesu uye vadzidzi vepakutanga-tanga vakanga vasingapembereri Krisimasi. Bhuku rinonzi New Catholic Encyclopedia rinotaura kuti “mutambo wokupemberera kuberekwa kwaJesu wakazotanga gore ra243 [C.E.] rapfuura,” patova nemakore anopfuura 100 muapostora wekupedzisira afa.

  • Hapana uchapupu hunoratidza kuti Jesu akaberekwa musi wa25 December; zuva rekuberekwa kwake harina kunyorwa muBhaibheri.

  • Chinoita kuti titi Mwari haafariri Krisimasi imhaka yekuti yakatanga mutsika dzechihedheni.—2 VaKorinde 6:17.

Hamuoni here kuti kusapemberera Krisimasi kunoita kuti musafarirwa nevamwe?

Vakawanda vachiri kupemberera Krisimasi kunyange zvazvo vachiziva kuti yakatangira muchihedheni uye kuti haitsigirwi neBhaibheri. Vanhu vakadaro vanogona kubvunza kuti: Sei vaKristu vachifanira kuita zvinhu zvakadaro zvinoita kuti vasafarirwa nevamwe? Havaoni here kuti zvavanoita zvinoita kuti vasafarirwa nevamwe?

Bhaibheri rinotikurudzira kuti tishandise ‘simba redu rokufunga’ kwete kungoita vanagundamusaira. (VaRoma 12:1, 2) Rinotidzidzisa kuti tikoshese chokwadi. (Johani 4:23, 24) Saka, kunyange zvazvo tiine hanya nemaonero atinoitwa nevamwe, tinoita zvinotaurwa neBhaibheri kunyange kana zvichireva kuti tichavengwa.

Kunyange zvazvo tisingapembereri Krisimasi, tinoremekedza kodzero yemumwe nemumwe yekusarudza zvaanoda panyaya iyi. Hativhiringidzi vanhu vanenge vachipemberera Krisimasi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe