RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 10
  • Zvii Zvandinofanira Kuziva Nezvokutumira Mameseji?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvii Zvandinofanira Kuziva Nezvokutumira Mameseji?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Munhu waunotumira mameseji
  • Zvaunonyora pakutumira mameseji
  • Paunotumira mameseji
  • Mazano pakutumira mameseji
  • Kubaya-baya Foni Pane Vamwe Kuremekedza Here?
    Mukai!—2014
  • Tingori Shamwari Kana Kuti Paita Zverudo?—Chikamu 1 | Vechiduku Vanobvunza Kuti
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Tingori Shamwari Here Kana Kuti Paita Zverudo Apa?​—Chikamu 2: Zvandiri Kuita Zvinoita Kuti Afungei?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndakapindwa Muropa Nezvinhu Zvemagetsi Zvinofambisa Mashoko Here?
    Mukai!—2011
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 10

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Zvii zvandinofanira kuziva nezvokutumira mameseji?

  • :-) Kana ukazviita nouchenjeri kutumirana mameseji kunogona kubatsira kuti ugare uchiziva kuti zvii zviri kuitika kune vamwe.

  • :-( Ukasangwarira mamwe mameseji anogona kukanganisa ushamwari hwako kana kuti mukurumbira wako.

Nyaya ino ichakuudza zvaunofanira kuziva nezve

  • Munhu waunotumira mameseji

  • Zvaunonyora pakutumira mameseji

  • Paunotumira mameseji

Zvimwe zvichataurwawo munyaya ino ndeizvi:

  • Mazano pakutumira mameseji

  • Mibvunzo ine chokuita nokutumira mameseji

Munhu waunotumira mameseji

Vechiduku vakawanda vanoona sokuti hapana imwe nzira yavangakurukura nevamwe kunze kwokutumirana mameseji. Unokwanisa kutumira mameseji kune chero munhu waunoda ari mufoni yako kunze kwekunge vabereki vako vakurambidza.

“Baba vangu havazvifariri ini nemunin’ina wangu patinotaura nevakomana. Kana kuri kuti tinoda kutaura nemunhu wechikomana, tinofanira kuzviita tichishandisa foni yemumba munotandarira vanhu, vamwe vanhu varipo.”​—Lenore.

Zvaunofanira kuziva: Kana ukapa nhamba yako yefoni kumunhu wose wose, unogona kuzvipinza mudambudziko.

“Kana ukapa munhu wose wose nhamba yefoni yako unogona kutumirwa mameseji kana kuti mapikicha ausingafariri.”​—Scott.

“Kana uri musikana ukagara uchitumirana mameseji nomukomana, zviri nyore kuti unzwe wava kuda munhu iyeye. Ndizvo zvinogona kuitika kunyange uri mukomana kana ukagara uchitumirana nemusikana.”​—Steven.

Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.” (Zvirevo 22:3) Unogona kuzvidzivirira pamatambudziko akawanda kana ukashandisa uchenjeri pakutumira mameseji.

Nyaya yakanyatsoitika: “Ndaishamwaridzana nomumwe mukomana, uye taigara tichitumirana mameseji. Ndaingoti tingori shamwari. Handina kuona chakaipa nokushamwaridzana kwataiita kusvikira musi waakandiudza kuti anondida. Ndakazopatika, ndokuona kuti ndakanga ndisingafaniri kunge ndakapedza nguva yakawanda ndichitaura uye ndichitumirana naye mameseji, sezvandaiita.”​—Melinda.

Funga nezveizvi: Unofunga kuti ushamwari hwavo hwaizomira sei Melinda paakaziva zvaifungwa nomukomana uyu?

Nyorazve nyaya iyi! Zvii zvaigona kunge zvakaitwa naMelinda kuitira kuti iye nemukomana uyu vangoramba vari shamwari?

Zvaunonyora pakutumira mameseji

Hazvina kumbooma kutumira mameseji uye kutumirwa mameseji kunonakidza. Asi zviri nyore kukanganwa kuti vanhu vanonzwisisa zvakasiyana-siyana mameseji avanenge vatumirwa.

Zvaunofanira kuziva: Munhu anenge atumirwa meseji anogona kunzwisisa zvakatosiyana nezviri kufungwa nemunhu atumira meseji yacho.

“Pameseji haugoni kuona manzwiro emunhu uye kuti ari kutaura sei. Izvozvo zvinogona kuita kuti vanhu vasanzwisisana.”​—Briana.

“Ndinoziva vasikana vakakanganisa mukurumbira wavo uye vanozivikanwa nokuita senge vari kuda munhu nemhaka yemameseji avanenge vatumira vakomana.”​—Laura.

Bhaibheri rinoti: “Vanhu vakarurama vanofunga vasati vapindura.” (Zvirevo 15:​28, Good News Translation) Chidzidzo parugwaro urwu ndechipi? Verenga zvakare meseji yako usati waitumira!

Paunotumira mameseji

Unogona kuzvipa mitemo pakutumira mameseji.

Zvaunofanira kuziva: Kana ukasangwarira mashoko aunoshandisa pakutumira kwaunoita mameseji ako, unogona kuita zvinogumbura vamwe zvoita kuti upedzisire usisina shamwari.

“Zviri nyore kukanganwa mitemo yaunozvipa pakutumira mameseji. Pandinenge ndichitaura nemumwe munhu kana kuti tichidya ndinogona kubva ndatumira munhu wandiinaye meseji.”​—Allison.

“Zvine ngozi kunyora meseji iwe uchityaira. Kana ziso rikangobva mumugwagwa, unogona kuita tsaona.”​—Anne.

Bhaibheri rinoti: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa, . . . nguva yokunyarara nenguva yokutaura.” (Muparidzi 3:​1, 7) Mashoko ari murugwaro urwu haangoshandi pakutaura, anoshandawo pakutumira mameseji!

Mazano pakutumira mameseji

Munhu waunotumira mameseji

  • ;-) Teerera zvaunoudzwa nevabereki vako.​—VaKorose 3:20.

  • ;-) Haikona kungopa munhu wose wose nhamba dzako dzefoni. Kuramba kwaunoita zvakanakanaka kuudza munhu wose wose zvinhu zvine chokuita noupenyu hwako kusanganisira nhamba dzako dzefoni, chiratidzo chokuti uri kuva neunyanzvi hunozokubatsira kana wakura.

  • ;-) Usanyanya kujairana nemunhu zvokuti unobva wamutumira mameseji anoratidza senge unomuda. Kana ukanzwa mwoyo wako wava kuda munhu iyeye, kazhinji kacho ndiwe ucharwadziwa uye uchaodzwa mwoyo.

“Vabereki vangu vava kundivimba pamashandisiro andinoita foni yangu, saka kana iri nyaya yokuti ndiani wandichaisa mufoni mangu vanoziva kuti ndichazviita nokuchenjera.”​—Briana.

Zvaunonyora pakutumira mameseji

  • ;-) Usati watanga kunyora meseji yako, tanga wazvibvunza kuti, ‘Ndinofanira kuita zvokutumira meseji here?’ Zvingava zvakanaka kuti uite zvokufona kana kutozotaura nemunhu wacho.

  • ;-) Pakunyora meseji usanyora mashoko okuti unozonyara kuataura kana maonana nemunhu wacho. “Kana zvauri kuda kunyora zvisingaiti kuzvitaura, usatumira meseji yacho,” anodaro Sarah ane makore 23.

“Kana mumwe munhu akakutumira mifananidzo inonyadzisa, udza vabereki vako. Kuita izvozvo kuchakudzivirira uye zvichaitawo kuti vabereki vako vavimbe newe.”​—Sirvan.

Paunotumira mameseji

  • ;-) Gara wazviudza nguva dzaunoti dzikakwana haushandisi foni. “Handigari nefoni yangu pandinenge ndichidya kana kuti pandinenge ndichidzidza,” anodaro musikana anonzi Olivia. “Ndinoidzima nguva yemisangano yechiKristu kuitira kuti ndisazopindwa nemuedzo wokuda kuitarisa.”

  • ;-) Funga zvinodiwawo nevamwe. (VaFiripi 2:4) Usanyora meseji paunenge uchitaura nemumwe munhu.

“Ndakazvipa mutemo wokuti handitumiri meseji kana ndiine vamwe kunze kwekuti zvakakodzera kuti ndidaro. Chimwewo ndechokuti handipi munhu nhamba dzangu dzefoni nemhaka yokungoti ndinomuziva.”​—Janelly.

Mibvunzo ine chokuita nokutumira mameseji

Muenzaniso 1

Wanga uchidanana nemumwe munhu kwemwedzi mitanhatu, asi iye zvino uri kuona kuti munhu wacho handiye chaiye waunonyatsoda. Ungamutumira meseji yokuti kudii?

  1. “Handichakudi.”

  2. “Ndinoda kuti tizokurukura. Tingazoonana riini?”

Mhinduro yakarurama: B. Kukurukura nyaya iyi inokosha yokuti urambane nemunhu wacho chiso nechiso ndiko kwakanakisisa kunze kwokunge pane zvikonzero zvine musoro zvingakutadzisa kuonana naye.​—Ruka 6:31.

Muenzaniso 2

Unogamuchira meseji ine mufananidzo wemunhu waunodzidza naye asina kupfeka. Ndezvipi zvakanakisisa kuita?

  1. Kudzima mufananidzo wacho nokukurumidza.

  2. Kutumirawo mufananidzo wacho kushamwari dzako dzose.

Mhinduro yakarurama: A. Mameseji ezvinhu zvinonyadzisira anozvidzisa munhu atumira uye atumirwa wacho. Ramba kubatanidzwa munyaya idzodzo!​—VaEfeso 5:​3, 4.

Muenzaniso 3

Uri kumba uye muri kudya wobva wanzwa foni yako ichirira kuratidza kuti mapinda meseji. Ndechipi chakanakisisa kuita?

  1. Kutarisa meseji yacho uye woita sokunge kuti vamwe havanei nezvauri kuita.

  2. Kumirira kusvika mapedza kudya wozoverenga meseji yacho.

Mhinduro yakarurama: B. Unogona kuzoverenga meseji pava paya. Remekedza vauri kudya navo.​—VaFiripi 1:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe