Zvapupu zvaJehovha Zvinobata Sei Vaya Vavaimbonamata Navo?
Tinoita zvese zvatinogona kuti tibate vanhu vese zvakanaka tichivaratidza rudo, uye kuvaremekedza. Kana mumwe weZvapupu zvaJehovha akamira kunamata kana kuti asisashingaire sezvaaimboita, tinoedza kutaura naye, tonyatsomuratidza kuti tinomuda, uye toedza kumubatsira kuti atangezve kushingaira pakunamata.—Ruka 15:4-7.
Dzimwe nguva, munhu anogona kuita zvinhu zvinoita kuti abviswe muungano. (1 VaKorinde 5:13) Asi sezvo tichida chaizvo vamwe vatinonamata navo, tinoedza zvese zvatinogona kuti tibatsire munhu kuti asazobviswa. Uye zvikazoitika kuti abviswa muungano, tinoramba tichimuratidza rudo uye kumuremekedza sezvatinonzi neBhaibheri tiite.—Mako 12:31; 1 Petro 2:17.
Chii chinoita kuti munhu azobviswa muungano?
Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti kana muKristu akaita chivi chakakura orega kusiyana nemaitiro iwayo akaipa, anofanira kubviswa muungano.a (1 VaKorinde 5:11-13) Bhaibheri rinotaurawo kuti ndezvipi zvivi zvakakura zvingaita kuti munhu abviswe muungano. Semuenzaniso, rinotaura nezvezvivi zvakadai seupombwe, udhakwa, kuuraya, kushungurudza vamwe mudzimba uye kuba.—1 VaKorinde 6:9, 10; VaGaratiya 5:19-21; 1 Timoti 1:9, 10.
Asi hazvirevi hazvo kuti kana munhu akaita chivi chakakura tinobva tatomubvisa muungano. Vakurub vanombotanga vaedza kumubatsira kuti achinje maitiro ake. (VaRoma 2:4) Vanoedza kumubatsira kuti achinje mafungiro ake vachizviita neunyoro uye vachiratidza kuti vane hanya naye. (VaGaratiya 6:1) Izvi zvinogona kumubatsira kuti aone kukanganisa kwake obva apfidza. (2 Timoti 2:24-26) Asi kana akaramba achiita zvinonzi neBhaibheri zvakaipa asingapfidze, pasinei nekuti vakuru vanenge vaedza kakawanda sei kumubatsira, anofanira kubviswa muungano. Vakuru vanobva vangozivisa ungano kuti munhu iyeye haasisiri mumwe weZvapupu zvaJehovha.
Vakuru vanoedza kubatsira mutadzi kuti achinje mafungiro ake vachizviita neunyoro uye vachiratidza kuti vane hanya naye
Zvakanakirei kubvisa munhu anosarudza kuramba achiita zvakaipa? Chimwe chikonzero ndechekuti ungano inenge ichitevedzera mitemo yaMwari yekuti irambe yakachena uye kuti isakanganiswe nemunhu wacho. (1 VaKorinde 5:6; 15:33; 1 Petro 1:16) Uyewo zvinogona kuita kuti mutadzi wacho arege kuita zvakaipa, ogadzirisa unhu hwake.—VaHebheru 12:11.
Zvapupu zvaJehovha zvinobata sei vanhu vanenge vabviswa muungano?
Bhaibheri rinoti vaKristu vanofanira ‘kurega kufambidzana’ nemunhu anenge abviswa muungano, uye ‘kurega kunyange kudya nemunhu akadaro.’ (1 VaKorinde 5:11) Saka hatishamwaridzani nemunhu anenge abviswa muungano. Asi hazvirevi kuti hatichatombotaure naye zvachose. Tinoramba tichimuremekedza. Anobvumirwa kuramba achipinda misangano yedu yechiKristu, yaanogona kukwaziswa neZvapupu zvaJehovha.c Anogonawo kukumbira vakuru kuti vamubatsire kuti adzoke muungano.
Vaya vanenge vabviswa muungano vanobvumirwa kupinda misangano yedu
Asi ko kana munhu abviswa muungano aine waakaroorana naye uye aine vana vadiki vachiri Zvapupu zvaJehovha? Chinenge chachinja mumhuri iyi ndechekuti havachaiti zvinhu zvekunamata pamwe chete, asi zvimwe zvese zvinoramba zvakadaro. Sezvo vanenge vachiri kugara vese, vanoramba vachiratidzirana rudo semurume nemudzimai uye semhuri.
Munhu anenge akabviswa muungano anogona kukumbira vakuru kuti vamushanyire. Vakuru pavanomuona vanomupa mazano anobva muBhaibheri uye vanomukurudzira zvine rudo kuti apfidze odzoka kuna Mwari. (Zekariya 1:3) Kana akasiya mabasa ake akaipa uye akanyatsoratidza nemaitiro ake kuti anoda kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri, anogona kudzorerwa muungano. Ungano ‘ichamunzwira tsitsi yomuregerera uye yomunyaradza,’ sezvakangoitwa nevaKristu vekuKorinde vakagamuchira mutadzi ainge achinja maitiro ake.—2 VaKorinde 2:6-8.
Vaya vakambobviswa muungano vanoti kudii?
Ona zvakataurwa nezvimwe Zvapupu zvaJehovha zvakambobviswa muungano zvikazosarudza kudzoka kuna Mwari.
“Pandakasarudza kudzoka muungano, ndaifunga kuti vakuru vaizoda kuziva zvinhu zvese zvandainge ndaita mumakore ese andakanga ndasiya ungano. Asi vakangoti, ‘Tinoda kuti uise pfungwa dzako pane zvauchaita iye zvino zvichienda mberi.’ Pavakataura izvozvo, ndakabva ndanzwa kurerukirwa.”—Maria, United States.
“Ungano yakafara chaizvo nekudzoka kwandakaita. Ndakanzwa kuti ndinokosha. Hama nehanzvadzi dzangu dzechiKristu dzakaita kuti ndinzwe kuti Jehovha akanga andiregerera uye kuti naivowo vakanga vandiregerera. Izvozvo zvakandibatsira kuti ndisaramba ndichizvidya mwoyo. Vakuru vaigara vachindibatsira kuti ndisimbise ukama hwangu naJehovha zvakare. Vaindinyaradza uye vaindibatsira kuona kuti Jehovha achiri kundida uye kuti ndichiri kukosha kwaari.”—Malcom, Sierra Leone.
“Ndinofara chaizvo kuti Jehovha anoda vanhu vake zvekuti anova nechokwadi chekuti sangano rake rinoramba rakachena. Vamwe vanoona sekuti hutsinye kubvisa vatadzi muungano asi urongwa uhwu hwakakodzera uye hunoratidza rudo. Ndinoonga chaizvo kuti Baba vedu vekudenga ndiMwari ane rudo uye anoregerera.”—Sandi, United States.
a Taimbotaura nezvevatadzi vasingapfidze tichiti vanodzingwa. Asi iye zvino tava kushandisa mashoko ari muBhaibheri ekuti vanobviswa muungano.
b Vakuru varume vechiKristu vakatendeka uye vakasimba pakunamata vanodzidzisa vanhu vachishandisa Bhaibheri uye vanofudza vanhu vaJehovha nekuvabatsira uye kuvakurudzira. Havabhadharwi pabasa ravanoita.—1 Petro 5:1-3.
c Pane dzimwe nguva munhu anogona kusiya ungano oedza kuikanganisa kana kuti otanga kufurira vamwe kuita zvakaipa. Zvinhu zvakadaro pazvinoitika, tinotevedzera murayiro wemuBhaibheri wekuti ‘tisamukwazisa.’—2 Johani 9-11.