RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwfq nyaya 7
  • Zvapupu zvaJehovha vaKristu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha vaKristu Here?
  • Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Mashoko Akafanana
  • Ko Zvapupu zvaJehovha Zvinodavirei?
    Ko Zvapupu zvaJehovha Zvinodavirei?
  • Unoziva Zvakawanda Zvakadini nezveZvapupu zvaJehovha?
    Mukai!—2016
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinotenda Muna Jesu Here?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinotenda Kuti Ndizvo Chete Here Zvichaponeswa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
ijwfq nyaya 7
Mukadzi ari kudzidza Bhaibheri

Zvapupu zvaJehovha vaKristu Here?

Hongu. Tiri vaKristu nemhaka yezvikonzero zvinotevera:

  • Tinoedza kunyatsotevedzera dzidziso uye mararamiro aJesu Kristu.​—1 Petro 2:21.

  • Tinotenda kuti Jesu ndiye achaita kuti tipone, “nokuti hapana rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu ratinofanira kuponeswa naro.”​—Mabasa 4:12.

  • Vanhu pavanova Zvapupu zvaJehovha, vanobhabhatidzwa muzita raJesu.​—Mateu 28:​18, 19.

  • Tinonyengetera nomuzita raJesu Kristu.​—Johani 15:16.

  • Tinotenda kuti Jesu ndiye Musoro, kana kuti uya akagadzwa kuti ave nesimba pamunhu wose.​—1 VaKorinde 11:3.

Asi pane zvimwe zvinhu zvatakasiyana nezvimwe zvitendero zvinozviti ndezvechiKristu. Somuenzaniso, tinotenda kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jesu Mwanakomana waMwari, kwete kuti chikamu chavanamwari vatatu. (Mako 12:​29) Hatitendi kuti mweya unoramba uchirarama kana munhu afa, kuti muBhaibheri mune Magwaro anoti Mwari anotambudza vanhu mumoto nokusingaperi, kana kuti vaya vanotungamirira muzvitendero vanofanira kupiwa mazita anovakwidziridza kudarika vamwe.​—Muparidzi 9:5; Ezekieri 18:4; Mateu 23:​8-10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe