RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 23
  • Umambo hwaMwari Huchaitei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Umambo hwaMwari Huchaitei?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Umambo hwaMwari Huchaitei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
  • Umambo hwaMwari
    Mukai!—2013
  • Rarama Nokusingaperi Muparadhiso Yapasi
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare
    Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 23
Zvakaita paradhiso

Umambo hwaMwari Huchaitei?

Mhinduro yeBhaibheri

Umambo hwaMwari huchatsiva hurumende dzose dzevanhu uye huchatonga pasi rose. (Dhanieri 2:​44; Zvakazarurwa 16:​14) Pazvichaitika, Umambo hwaMwari. . .

  • Huchabvisa vakaipa, avo vanoda kuita zvinhu zvakangovanakira asi zvichikuvadza tose. “Asi vakaipa vachaparadzwa panyika.”​—Zvirevo 2:22.

  • Huchagumisa hondo dzose. “[Mwari] anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika.”​—Pisarema 46:9.

  • Huchaita kuti vanhu vabudirire uye vagare vasingatyi. “Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, napasi pomuonde wake, uye hapana anozoita kuti vatye.”​—Mika 4:​4, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

  • Huchaita kuti nyika ive paradhiso. “Gwenga nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo uye richatumbuka; seruva.”​—Isaya 35:​1, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

  • Huchaita kuti munhu wose ave nebasa rinofadza uye rinogutsa. “Vanhu [vakasarudzwa naMwari] vachafarira basa remaoko avo zvizere. Havazoshandi zvakaoma pasina.”​—Isaya 65:​21-23.

  • Huchapedza zvirwere. “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”​—Isaya 33:24.

  • Huchaita kuti vanhu vasachembera. “Nyama yake ngaive itsva kupfuura paaiva muduku; ngaadzokere kumazuva esimba rouduku hwake.”​—Jobho 33:25.

  • Huchamutsa vakafa. “Vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi [raJesu], vobuda.”​—Johani 5:​28, 29.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe