RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwfq nyaya 61
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoshandisa Sei Mari Yezvipo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoshandisa Sei Mari Yezvipo?
  • Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mabasa Atinoita
  • Tinowana Kupi Mari Yekuita Basa Redu Rekuparidza?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • “Kuzadza Ruoko Nechipo chaJehovha”
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Nei Tichipa Iye Ane Zvese?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Mari Inoshandiswa Pabasa Redu Remunyika Yese Inobva Kupi?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
ijwfq nyaya 61
Mapikicha: Mabasa akasiyana-siyana anoitwa neZvapupu zvaJehovha anotsigirwa nemipiro. 1. Zvapupu zviri kuvaka Imba yeUmambo. 2. Chapupu chiri kupa mvura kuvanhu vawirwa nenjodzi. 3. Chapupu chiri pachingoro chiri kuratidza mumwe mukadzi bhuku rinonzi ‘Mashoko Akanaka.’

Zvapupu zvaJehovha Zvinoshandisa Sei Mari Yezvipo?

Tinoshandisa mari yezvipo kuti titsigire mabasa ekunamata uye ekuyamura vamwe anoitwa nesangano redu. Mabasa aya anotsigira basa redu guru, rekuita kuti vanhu vave vadzidzi vaJesu Kristu.—Mateu 28:19, 20.

Hatishandisi mipiro yatinowana kuti tipfumise mumwe munhu. Varume vanodzidzisa nekuita mamwe mabasa muungano vanonzi vakuru, uye havabhadharwi uye Zvapupu zvaJehovha hazvibharwi kuti zviparidzire paimba neimba. Vanoshanda pamahofisi edu makuru nemamwe mahofisi kusanganisira veDare Rinotungamirira, havana mari yavanotambiriswa.

Mabasa Atinoita

  • Kubudisa Mabhuku: Tinoturikira, kuprinda, uye kutumira mamiriyoni emaBhaibheri nemamwe mabhuku echiKristu anotsanangura Bhaibheri kunzvimbo dzakasiyana-siyana gore negore uye mabhuku acho haatengeswi. Tinewo website yedu inonzi jw.org neapplication inonzi JW Library panowanika mabhuku uye haatengeswi uyewo hatishambadziri zvinhu ipapo kuti tiwane mari.

    Chapupu chaJehovha chinoshanda munoprindwa maBhaibheri.
  • Kuvaka Uye Kuchengetedza Zvivakwa: Tinovaka nekuchengetedza zvivakwa zvekunamatira pasi rese, kuitira kuti ungano dzedu dziwane nzvimbo dzakanaka dzekuungana pamwe chete vachirumbidza Mwari. Tinovakawo nekuchengetedza mahofisi edu nemahofisi anoshandiswa nevanoturikira. Kazhinji basa iri rinoitwa nevanhu vanozvipira, izvi zvinoita kuti tideredze mari yatinoshandisa pakuvaka nekuchengetedza zvivakwa zvedu.

    Chapupu chaJehovha chiri kuita basa pane chimwe chivakwa chinoshandiswa pakunamata.
  • Kurongwa Kwemabasa: Basa rinoitwa pamahofisi edu makuru, pamahofisi ari munyika dzakasiyana-siyana, pamahofisi anoshandiswa nevanoshandura, uye basa rinoitwa nevashumiri vanoshanyira ungano, zvese zvinotsigirwa nemari yemipiro yekutsigira basa remunyika yese.

    Chapupu chaJehovha chiri kushanda pamahofisi edu.
  • Kuparidza: Zvapupu hazvibhadharwi kuti zviparidze mashoko akanaka uye zvidzise vanhu “shoko raMwari.” (2 VaKorinde 2:17) Asi, kungofanana nezvaiitwa nevaKristu-vekutanga, vashumiri vakadzidziswa uye vakagadzwa avo vanoita nguva yakawanda vachiparidza vanopihwa pekugara nezvimwe zvavanoda kuti vararame.—VaFiripi 4:16, 17; 1 Timoti 5:17,18.

    Murume nemudzimai vari kuparidza. Vari kuratidza mumwe murume vhidhiyo.
  • Kudzidzisa: Magungano edu anotsigirwa nemipiro. Uyezve, tinogadzirawo zvekuteerera nemavhidhiyo anotsanangura Bhaibheri. Tinewo zvikoro zvinodzidzisa vakuru nevamwewo kuti vave neunyanzvi pamabasa avo.

    Vanhu vari pagungano vachiona vhidhiyo.
  • Basa Rekuyamura: Tinopa zvekudya, mvura uye pekugara kune vanhu vanenge vawirwa nenjodzi dzakasiyana-siyana. Hatingobatsiri “vane ukama nesu mukutenda” chete, asi tinobatsirawo vaya vasiri Zvapupu.—VaGaratiya 6:10.

    Zvapupu zvaJehovha zviri kurongedza zvinhu zvichashandiswa pakuyamura vanhu vawirwa nenjodzi.
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe