Bhaibheri Ringakubatsira Sei Kuti Usimbise Ushamwari Nevamwe Worega Kusurukirwa?
Muna 2023 vanoona nezveutano vakati kusurukirwa ratova dambudziko rakakura ravanofanira kuona kuti vangaita sei. Pane chinogona kuitwa here kupedza kana kuti kuderedza dambudziko iri?
Mutungamiriri wavanachiremba kuUnited States, Dr. Vivek Murthy vakati, “Kana munhu achinzwa kusuruvara uye ari ega, izvozvo zvinogona kutokanganisa utano hwake. Tine zvatinogona kuita kuderedza dambudziko iri. Zvimwe zvacho zvatinogona kuita zuva rimwe nerimwe zvinhu zvidiki zvakadai sekusimbisa ushamwari hwedu nevamwe.”a
Kusurukirwa hakungokonzerwi nekuti unenge uri wega. Vamwe vanotonzwa kusurukirwa kunyange vaine vamwe vanhu. Pasinei nekuti kusurukirwa kwacho kwakonzerwa nei, Bhaibheri rinogona kukubatsira. Rine mazano anobatsira kuti tisimbise ushamwari hwedu nevamwe toderedza kusurukirwa.
Mazano eBhaibheri anogona kutibatsira
Gona kukurukura nevamwe. Rega kungova ndiwe wega uri kungotaura zvinokunetsa, asi ipawo mukana munhu wauri kutaura naye kuti ataurewo zviri mumwoyo make. Kana ukaratidza kuti une hanya nevamwe vanhu ivo vachawedzera kukuda uye muchasimbisa ushamwari hwenyu.
Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Musangofunga zvakakunakirai chete, asi zvakanakirawo vamwe.’—VaFiripi 2:4.
Iva neshamwari dzakasiyana-siyana. Edza kuva neshamwari dzemazera akasiyana-siyana, vakuru uye vadiki kwauri, vane tsika dzakasiyana nedzako kana kuti vanobva kune dzimwe nyika.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zarurai mwoyo yenyu.”—2 VaKorinde 6:13.
Kana uchida kunzwa zvimwe zvaungaita kuti uwedzere kusimbisa ushamwari hwako nevamwe, verenga nyaya yakanzi “Kugutsa Chido Chedu Chokuva Neshamwari.”
a Mashoko aya akabva mubhuku rinotaura nezvedambudziko rekusurukirwa rinonzi Our Epidemic of Loneliness and Isolation: The U.S. Surgeon General’s Advisory on the Healing Effects of Social Connection and Community, 2023.