hadynyah/E+ via Getty Images
RAMBAI MAKAMUKA!
Nzara Kwese Kwese Panyika Zvichibva Pahondo Uye Kushanduka Kwemamiriro Ekunze—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Hondo yekuUkraine uye kushanduka kwemamiriro ekunze, zviri kuita kuti vanhu pasi rese vanetseke kuwana zvekudya zvinovakwanira. Vanhu vanogara munyika dzine urombo ndivo vari kunyanya kuomerwa nekuwana zvekudya zvakakwana.
“Kusagadzikana kwezvematongerwo enyika, kudhura kwemagetsi, kushanduka kwemamiriro ekunze nezvimwewo, zviri kuita kuti kugadzirwa uye kuwanika kwezvekudya kuome.”—António Guterres, UN secretary-general, July 17, 2023.
“Russia yakabuda muchibvumirano chaiita kuti Ukraine ikwanise kutengesa zvekudya kune dzimwe nyika. Vanoongorora nezvenyaya iyi vari kuti izvi zvichatowedzera dambudziko renzara kwese kwese panyika uye kuti izvi zvichaita kuti mitengo yezvekudya ikwire zvakanyanyisa kunyika dzine urombo dzakadai sedziri kuNorth Africa neMiddle East.”—Atalayar.com, July 23, 2023.
Dzidza kuti Bhaibheri rinoti kudii nezvenzara uye ramangwana.
Bhaibheri rakagara rataura kuti kwaizova nenzara
Jesu akaprofita kuti: “Rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo, uye kuchava nenzara.”—Mateu 24:7.
Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinotaura nezvevatasvi vemabhiza vana. Mumwe wevatasvi vemabhiza ava anomirira hondo. Anoteverwa nemutasvi webhiza anomiririra nzara, kureva kuti paizosvika nguva yekuti zvekudya zvinenge zviri zvishoma, zvichidhura chaizvo. “Ndakatarira uye pamberi pangu ipapo pakanga pane bhiza dema! Mutasvi waro akanga akabata zviyero zviviri muruoko rwake. Ipapo ndakanzwa kurira kwainge inzwi . . . richiti, “Chiyero chegorosi ndicho mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye zviyero zvitatu zvebhari ndizvo mubayiro webasa rezuva rimwe chete.”—Zvakazarurwa 6:5, 6, Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi.
Uprofita hwese uhwu hunotaura nezvenzara huri kutozadzika panguva ino yatiri kurarama inonzi neBhaibheri “mazuva ekupedzisira.” (2 Timoti 3:1) Kana uchida kuziva zvakawanda ‘nezvemazuva ekupedzisira’ uye nezvevatasvi vemabhiza vana vanotaurwa mubhuku raZvakazarurwa, ona vhidhiyo inonzi, Zvinhu Zvakachinja Panyika Kubva Muna 1914 uye verenga nyaya inoti, “Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?”
Bhaibheri ringakubatsira sei?
Bhaibheri rine mazano anoshanda anogona kutibatsira patinombosangana nezvimwe zvinhu zvakaoma zvakadai sekukwira kwemitengo kana kushaya zvekudya zvakakwana. Ona mamwe mazano acho munyaya inoti, “Zvaungaita Kuti Urarame Kana Uine Mari Shoma.”
Bhaibheri rinotipawo tariro yekuti zvinhu zvichanaka. Rinotivimbisa kuti ichasvika nguva yekuti “panyika pachava nezvirimwa zvakawanda chaizvo” uye vanhu vese vachadya vachiguta. (Pisarema 72:16) Kuti unzwe zvakawanda nezvetariro iyi uye kuti nei uchigona kuva nechokwadi chekuti ichazadziswa, verenga nyaya inoti, “Tariro Yechokwadi Yeramangwana Rakanaka.”