Manuel Reino Berengui/DeFodi Images via Getty Images
RAMBAI MAKAMUKA!
Makwikwi eWorld Cup Anokwanisa Kubatanidza Vanhu Here?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Vanhu vanenge 5 bhiriyoni vanotarisirwa kuti vachaona makwikwi eFIFA World Cup akatanga musi wa20 November uye achapera musi wa18 December 2022. Vakawanda vanofunga kuti mitambo yakadai ine zvimwe zvainoita zvinopfuura kungobatanidza vanhu vanenge vachiiona.
“Mitambo ine simba rekuchinja zvinhu munyika. Inokurudzira vanhu. Ine simba rekubatanidza vanhu nenzira inoshamisa.”—Nelson Mandela, aimbova purezidhendi weSouth Africa.
“Bhora . . . rinobatanidza vanhu nekuti rinoita kuti vave netariro, vafare, uye vade vamwe nekuti vanenge vachifarira zvinhu zvakafanana.”—Gianni Infantino, purezidhendi weFIFA.a
Makwikwi eWorld Cup kana mimwewo mitambo zvinokwanisa kuita kuti zvinhu izvi zvakanaka zviitike here? Pane tariro here yekuti panyika pachava nerugare nekubatana?
World Cup inobatanidza vanhu here?
World Cup yegore rino yaita kuti vanhu vafunge zvimwe zvakawanda kunze kwebhora chete. Makwikwi aya ari kuita kuti vanhu vakurukure dzimwe nyaya dzinobata-bata magariro evanhu uye dzezvematongerwo enyika dzine chekuita nekodzero dzevanhu, rusarura, uye kusaenzana panyaya dzezveupfumi.
Kunyange zvakadaro, vanhu vakawanda vanofarira kuona mitambo inoitwa nevanhu vanobva kunyika dzakasiyana-siyana yakadai seWorld Cup. Asi chokwadi ndechekuti mitambo iyi haikwanisi kunyatsobatanidza vanhu. Panoitwa mitambo iyi, panotowanzobuda unhu nezviito zvinoparadzanisa vanhu zvakataurwa neBhaibheri kuti zvaizoitika “mumazuva ekupedzisira.”—2 Timoti 3:1-5.
Chinhu chimwe chete chichabatanidza vanhu pasi rese
Bhaibheri rinotaura nezvechinhu chimwe chete chichabatanidza vanhu pasi rese. Rinovimbisa kuti vanhu vese panyika vachange vakabatana pachange pachitonga hurumende yekudenga inonzi “Umambo hwaMwari.”—Ruka 4:43; Mateu 6:10.
Mambo weUmambo ihwohwo, Jesu Kristu, achava nechokwadi chekuti panyika yese pane rugare. Bhaibheri rinoti:
“Vakarurama vachabudirira, uye rugare ruchawanda.”—Pisarema 72:7.
“Achanunura murombo anochemera kubatsirwa . . . Achavanunura pakudzvinyirirwa nepakurwiswa.”—Pisarema 72:12, 14.
Iye zvino, zvinhu zvakadzidziswa naJesu zvakatobatanidza mamiriyoni evanhu munyika 239. Vanhu ava vakadzidza kuti vasavenga vanhu vemamwe marudzi. Kuti unzwe zvakawanda, verenga nyaya dziri mumagazini yakanzi “Kuvengana Kungapedzwa Sei?”
a Fédération Internationale de Football Association, the international governing body for association football (soccer).