RAMBAI MAKAMUKA!
Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekukwira Kwemitengo Yezvinhu Pasi Rese?
Muna June 2022, mutungamiriri webhengi rinonzi World Bank Group akati: “Zvinhu hazvina kumira zvakanaka pasi rese panyaya dzezveupfumi. Iye zvino kukwira kwemitengo yezvinhu kwanyanya uku vanhu havana mari yekushandisa.”
Sangano rinokweretesa dzimwe nyika mari rinonzi International Monetary Fund rakati: “Mitengo yezvekudya uye yemafuta emota yakwira zvisingaiti munguva pfupi, uye zviri kuita kuti vanhu vari munyika dzinotambura vatowedzera kutambura.”
Bhaibheri rinotibatsira kunzwisisa kuti nemhaka yei tiri kusangana nematambudziko akadai ezveupfumi uye rinotiudza kuti tingararama sei kunyange zvinhu zvakaoma uye kuti matambudziko acho achagadziriswa sei zvachose.
Kukwira kwemitengo “mumazuva ekupedzisira”
Bhaibheri rinoti nguva yatiri kurarama inonzi “mazuva ekupedzisira.”—2 Timoti 3:1.
Jesu akati “zvinhu zvinotyisa,” kana kuti zvinhu zvinovhundutsa zvaizoitika panguva ino yatiri kurarama. (Ruka 21:11) Kukwira kwemitengo kuri kuita kuti vanhu vatye. Vari kunetseka kuti zvichasvikepi uye kuti vachakwanisa here kuriritira mhuri dzavo.
Bhuku raZvakazarurwa rakagara rataura kuti munguva ino yatiri kurarama, mitengo yezvinhu yaizokwira. “Ndakanzwa kurira kwainge inzwi . . . richiti, ‘Chiyero chegorosi ndicho mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye zviyero zvitatu zvebhari ndizvo mubayiro webasa rezuva rimwe chete.’”—Zvakazarurwa 6:6, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.
Kana uchida kunzwa zvakawanda ‘nezvemazuva ekupedzisira’ uye uprofita huri mubhuku raZvakazarurwa, ona vhidhiyo inonzi Zvinhu Zvakachinja Panyika Kubva Muna 1914 uye verenga nyaya inoti “Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?”
Kugadziriswa kuchaitwa matambudziko ese ezveupfumi
“Vachavaka dzimba vogaramo, uye vachadyara minda yemizambiringa vodya michero yayo. Havazovaki kuti mumwe munhu agare, kana kudyara kuti mumwe munhu adye.”—Isaya 65:21, 22.
“Panyika pachava nezvirimwa zvakawanda chaizvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.”—Pisarema 72:16.
“‘Nekuti vanotambudzika vakadzvinyirirwa, nekuti varombo vari kugomera, ndichasimuka kuti ndiite chimwe chinhu,’ anodaro Jehovha.”—Pisarema 12:5.a
Mwari ava pedyo kugadzirisa matambudziko ezveupfumi anoita kuti vamwe vabudirire asi vamwe vachitambura kwete munyika imwe chete bedzi, asi pasi rese. Kuti uone kuti achazviita sei verenga nyaya yakanzi, “Pachazombova Nehurumende Inoita Kuti Vanhu Vese Vawane Zvavanoda Pakurarama Here?”
Asi kunyange iye zvino, Bhaibheri rinogona kukubatsira kuziva zvaungaita kuti urarame panguva ino mitengo yezvinhu pairi kuramba ichikwira. Ringakubatsira sei? Rine mazano ekuti ungashandisa sei mari nekuchenjera. (Zvirevo 23:4, 5; Muparidzi 7:12) Kuti unzwe zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “Chengetedza Zvinhu Zvako” neimwe yakanzi “Zvaungaita Kuti Urarame Kana Uine Mari Shoma.”
a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.