RAMBAI MAKARINDA!
Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvemachechi Ari Kupindira Muhondo yekuUkraine?
Inzwa zvakataurwa nevamwe vatungamiriri vemachechi vane mukurumbira nezvehondo iri kuitika kuUkraine:
“Mukuru wechechi yeOrthodox yekuRussia, Patriarch Kirill, haana zvakaipa zvaakataura pane zviri kuitwa neRussia kuUkraine. . . . Vari kutoparadzira mashoko enhema nezveUkraine uye Putin ari kushandisa mashoko iwayo kuti aratidze kuti hapana chakaipa nekurwisa kwaari kuita Ukraine.”—EUobserver, March 7, 2022.
“Patriarch Kirill . . . ari kutsigira zvakasimba zviri kuitwa neRussia nekuti akati hondo iyi itori nzira yekurwisa chivi.”—AP News, March 8, 2022.
“Musi weMuvhuro, mukuru wechechi yeOrthodox yekuUkraine, Metropolitan Epiphanius I wekuKyiv, akakomborera vanhu vechechi yake achiti ‘varwise mauto eRussia’ . . . Akatiwo kuuraya masoja eRussia hachisi chivi.”—Jerusalem Post, March 16, 2022.
“Isu [veUkrainian Council of Churches and Religious Organizations (UCCRO)] tinotsigira masoja eUkraine uye vese vari kudzivirira nyika yedu, tinokomborera zvavari kuita kuti vadzivirire Ukraine pamuvengi, uye tinovanyengeterera.”—Mashoko akataurwa nesangano reUCCROa, February 24, 2022.
Unofungei? Machechi anozviti anotevera Jesu Kristu anofanira kukurudzira vanhu kuti vaende kuhondo here? Bhaibheri rinotii?
Kupindira kunoita machechi muhondo
Kubvira kare machechi aiita sekunge kuti anoda kuti panyika pave nerugare asi kune rimwe divi achiti hapana chakaipa nekuenda kuhondo kana kuitsigira. Zvapupu zvaJehovha zvava nemakumi emakore zvichifumura unyengeri uhwu hunoitwa nemachechi. Ona zvimwe zvakambotaurwa mumabhuku edu.
Nyaya yakanzi “The Crusades—A ‘Tragic Illusion’” yakaratidza kuti chechi yeRoma ndiyo yakaurayisa vanhu vakawanda muhondo dzainzi dziri kurwiwa muzita raMwari uye raKristu.
Nyaya yakanzi “The Catholic Church in Africa” yakataura nezvekutadza kuri kuita machechi kumisa hondo kana kurwisana.
Nyaya dzakanzi “Is Religion to Blame?,” “Religion’s Role in Man’s Wars,” uye “Religion Takes Sides” dzinoratidza kuti vatungamiriri vechechi yeRoma, yeOrthodox, uye dzimwe chechi dzakabuda muRoma vakatsigira sei hondo dzakawanda.
VaKristu vanofanira kutsigira hondo here?
Zvakadzidziswa naJesu: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:39) “Rambai muchida vavengi venyu.”—Mateu 5:44-47.
Funga izvi: Machechi angati anoteerera zvakarayirwa naJesu nezvekuda vamwe here asi kune rimwe divi achikurudzira vanhu kuti vauraye vamwe muhondo? Kuti unzwe mhinduro yacho, verenga nyaya dzakanzi “True Christians and War” uye “Is It Possible to Love One’s Enemies?”
Zvakataurwa naJesu: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Dai Umambo hwangu hwaiva hwenyika ino, vateveri vangu vangadai varwa.” (Johani 18:36) “Vese vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.”—Mateu 26:47-52.
Funga izvi: Kana vateveri vaJesu vanga vasingafaniri kurwa kuti vamudzivirire, vanofanira kurwa here chero nezvimwewo zvikonzero? Verenga nyaya yakanzi “Is War Compatible With Christianity?” kuti uone kuti vaKristu vekutanga vakatevedzera sei Jesu uye zvaaidzidzisa.
Chii chichaitika kumachechi anotsigira hondo?
Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari anovenga machechi anoti anotevera Jesu asi asingaiti zvaanodzidzisa.—Mateu 7:21-23; Tito 1:16.
Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza kuti Mwari anopa mhosva machechi aya nekuti akadeurisa ropa “revaya vese vakaurayiwa panyika.” (Zvakazarurwa 18:21, 24) Kuti uone chikonzero chacho, verenga nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Bhabhironi Guru”
Jesu akataura kuti machechi ese anoita zvinopesana nezvinodiwa naMwari achaparadzwa pamusana pemabasa awo akaipa. Machechi aya akaafananidza nemuti usingabereki michero yakanaka ‘uchatemerwa pasi wokandwa mumoto.’ (Mateu 7:15-20) Kuti uzive kuti izvi zvichaitika sei, verenga nyaya yakanzi “Kuguma Kwechitendero Chenhema Kwava Pedyo!”
Photo credits, kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Photo by Sefa Karacan/Anadolu Agency/Getty Images; Maxym Marusenko/NurPhoto via Getty Images
a UCCRO, (Ukrainian Council of Churches and Religious Organizations), ine machechi 15 anomiririra chechi yeOrthodox, yeRoma, machechi akabuda muRoma, machechi eEvangelical kusanganisira chitendero cheIslam nevaJudha.