RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mrt nyaya 34
  • Ugandanga Huchazombopera Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ugandanga Huchazombopera Here?
  • Dzimwe Nyaya
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari anoona sei ugandanga?
  • Chii chinoita kuti pave neugandanga?
  • Kupera kuchaita ugandanga
  • Ugandanga—Huchapera Munguva Pfupi iri Kutevera!
    Mukai!—2001
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Ugandanga Hwachinja
    Mukai!—2001
  • “Musatya Kana Kuvhunduswa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Dzimwe Nyaya
mrt nyaya 34
Munhu anodzima moto ari kubatsira vanhu vapona pazvivakwa zvakaondomoka.

Ugandanga Huchazombopera Here?

Panoitika ugandanga unogona kuzvibvunza kuti: ‘Mwari anotida here? Nei zvinhu izvi zvichiitika? Ugandangaa huchazombopera here? Ndingaitei kuti ndisanyanya kutya?’ Bhaibheri rinopindura mibvunzo iyi zvinogutsa.

Mwari anoona sei ugandanga?

Mwari anovenga kurwisana uye ugandanga. (Pisarema 11:5; Zvirevo 6:16, 17) Jesu, mumiririri waMwari, akatsiura vadzidzi vake pavakanga vava kuda kuita zvekurwa. (Mateu 26:50-52) Kunyange zvazvo vamwe vachiti kurwisa kwavanoita kunotenderwa naMwari, Mwari haafariri zvavanoita. Haatomboteereri minyengetero yavo.—Isaya 1:15.

Mwari anonzwira tsitsi vanhu vanotambura, kusanganisira vaya vanorwiswa nemagandanga. (Pisarema 31:7; 1 Petro 5:7) Bhaibheri rinoratidzawo kuti Mwari achabvisa kurwisana.—Isaya 60:18.

Chii chinoita kuti pave neugandanga?

Bhaibheri rinoratidza chinoita kuti pave neugandanga parinoti: ‘Munhu anotonga munhu achimubata zvakaipa.’ (Muparidzi 8:9) Kubvira kare, vanhu vane simba vanoita zveugandanga kuti vadzvinyirire vamwe. Vamwe vanenge vachidzvinyirirwa vanorwisawo vachiita zveugandanga.—Muparidzi 7:7.

Kupera kuchaita ugandanga

Mwari anovimbisa kuti achabvisa kurwisana uye achaita kuti panyika pave nerugare pasisina chekutya.—Isaya 32:18; Mika 4:3, 4.

  • Achabvisa chinokonzera ugandanga. Mwari achabvisa hurumende dzese dzevanhu, odzitsiva nehurumende yake ichatonga pasi rese. Mutongi wehurumende iyi, Jesu Kristu, achabata vanhu vese zvakaenzana uye achabvisa udzvinyiriri nekurwisana. (Pisarema 72:2, 14) Panguva iyoyo hapana achaita zveugandanga. Vanhu “vachafara zvikuru vaine rugare rwakawanda.”—Pisarema 37:10, 11.

  • Achabvisa matambudziko anokonzerwa neugandanga. Mwari achaporesa vanhu vakakuvadzwa uye vakashungurudzwa neugandanga. (Isaya 65:17; Zvakazarurwa 21:3, 4) Anotovimbisa kuti achamutsa vakafa oita kuti vararamezve panyika ine rugare.—Johani 5:28, 29.

Zvinotaurwa neBhaibheri zvinoita kuti tivimbe kuti Mwari achakurumidza kugadzirisa zvinhu. Asi unogona kubvunza kuti, ‘Mwari adii kubva atogumisa ugandanga izvezvi?’ Kuti uwane mhinduro yacho, ona vhidhiyo inonzi Nei Mwari Achibvumira Kutambura?

a “Ugandanga” hunowanzoreva kurwisa kana kuti kutyisidzira vanhu kuti vaite zvaunenge uchida panyaya dzezvematongerwo enyika, dzechitendero kana kuti tsika nemagariro. Asi panoitika chimwe chinhu vanhu vanogona kutadza kubvumirana kuti ugandanga here kana kuti hausi.

Bhaibheri rinobatsira vanhu

Bhaibheri rinotaura nezvezvinhu zviviri zvinogona kukubatsira.

  • Nyengetera kuna Mwari.—VaFiripi 4:6, 7.

  • Funga nezvemashoko emuBhaibheri anopa tariro.—VaHebheru 6:19.

Kuti uwane mamwe mazano anotaurwa neBhaibheri, ona nyaya yakanzi “Zvaungaita Kuti Usanyanya Kuzvidya Mwoyo.”

Inzwa zvakataurwa nezvimwe Zvapupu zvaJehovha zvakasangana neugandanga zvichibva zvabatsirwa nevamwe vavanonamata navo.

  • Maruva akaiswa panze pechikoro muBeslan, kuRussia.

    Natalya nemwanakomana wake ane makore 9, anonzi Aslan, vaiva pachikoro muBeslan, kuRussia, pakasvika magandanga aiva nepfuti achibva atora vanhu vanodarika 1 000. Zvinosuruvarisa kuti pakafa mazana evanhu, vakawanda vacho vaiva vana. Kunyange zvazvo Natalya naAslan vakapona, vakasara vachishungurudzika. Ona kuti chii chakavabatsira kuti vanzwe zviri nani.

  • Pablo naSophie.

    Pablo naSophie vakafirwa nemwanakomana wavo pakabhombwa maTwin Towers muNew York. Ona vhidhiyo iyi kuti unzwe kuti chii chakabatsira ivo nevamwe vakasangana nedambudziko reugandanga.

Bhaibheri rinobatsira vanhu kuti vachinje

Vanhu vakawanda vanoshungurudzika nekusabatwa zvakanaka uye udzvinyiriri zviri munyika. Vanogona kuona sekuti kurwisa chete ndiko kunogona kuvabatsira kuti vagadzirise matambudziko aya. Vanhu vakadaro vanogona kuchinja here? Ehe. Kuti unzwe kuti Bhaibheri rakabatsira sei vamwe vanhu kuti vachinje, verenga nyaya yakanzi “Is a World Without Terrorism Possible?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe