RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 115
  • Ndingatsungirira Sei Marwadzo Ekufirwa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingatsungirira Sei Marwadzo Ekufirwa?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndiri kunyanya kushungurudzika here?
  • Zvaungaita kuti utsungirire manzwiro akasiyana-siyana aunonzwa paunofirwa?
  • Ndinogona Sei Kugara Nenhamo Yangu?
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
  • Rubatsiro Kune Vaya Vanochema
    Mukai!—2011
  • Zvaungaita Kuti Utsungirire Kana Wafirwa
    Mukai!—2018
  • Muzvarirwo Here Kunzwa Neiyi Nzira?
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 115
Musikana ari kuyaruka akarara pamubhedha achichema. Akatarisa pikicha yaakatorwa aina sekuru vake.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingatsungirira Sei Marwadzo Ekufirwa?

Uchangobva kufirwa neshamwari kana kuti mumwe munhu wemumhuri here? Kana zvakadaro, nyaya ino inogona kukubatsira kutsungirira marwadzo acho.

Zviri munyaya ino

  • Ndiri kunyanya kushungurudzika here?

  • Zvaungaita kuti utsungirire manzwiro akasiyana-siyana aunonzwa paunofirwa?

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Ndiri kunyanya kushungurudzika here?

Vanhu vakawanda vanoshungurudzika zvakanyanya pavanofirwa uye zvinotora nguva yakareba kuti vatangezve kunzwa zviri nani.

“Zuva haripfuuri ndisina kumbofunga sekuru vangu. Kunyange zvazvo papfuura makore maviri kubva pavakashaya, ndinochema pese pandinotaura nezvavo.”—Olivia.

“Mbuya vangu vaigara vachindikurudzira kuti ndizadzise zvinangwa zvangu, asi vakafa vasina kuona ndichizadzisa kana chinangwa chimwe chete zvacho. Ndinorwadziwa pese pandinozadzisa chinangwa chandinenge ndiinacho nekuti havasisipo kuti vazvione.”—Alison.

Unogona kuva nemanzwiro akasiyana-siyana paunenge uchishungurudzika nekufirwa. Semuenzaniso:

“Pakafa murume watete vangu, ndakatadza kuzvigamuchira, uye zvakaramba zvakadaro kwenguva yakareba chaizvo. Ndiko kaiva kekutanga kufirwa nemunhu wepedyo. Zvinhu zvacho zvakaitika nekukurumidza uye ndakarwadziwa zvisingaiti.”—Nadine.

“Sekuru vangu pavakafa, ndainzwa ndakavatsamwira mumwoyo mangu nekuti vakanga vasingachengetedzi utano hwavo kunyange zvazvo taivakurudzira kuti vadaro.”—Carlos.

“Ini nasisi vangu tisu tega hama dzepedyo dzaisavapo pakafa sekuru. Pashure pacho, ndakazvipa mhosva nekuti ndainzwa sekuti handina kunyatsoonekana navo.”—Adriana.

“Mumwe murume nemudzimai vakaroorana vataiva pedyo navo chaizvo vakafira mutsaona yemotokari. Pashure pekunge izvi zvaitika, pese paibuda munhu pamba ndaitya ndichifunga kuti anogona kungofawo.”—Jared.

“Mbuya vangu pavakashaya makore matatu adarika, ndakazvidemba nekuti ndaisambowana nguva yekuva navo pavaiva vapenyu.”—Julianna.

Munhu paanofirwa anowanzotadza kuzvigamuchira, anotsamwa, anozvipa mhosva, anotya, uye anozvidemba. Kana uchinzwa saizvozvo, ziva kuti pashure pekanguva uchatanga kunzwa zviri nani. Asi, zvii zvaungaita kuti utsungirire marwadzo auinawo?

Zvaungaita kuti utsungirire manzwiro akasiyana-siyana aunonzwa paunofirwa?

Taura neshamwari yako yepedyo. Bhaibheri rinoti shamwari yechokwadi “yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Kuudza mumwe munhu manzwiro ako kunogona kukubatsira kuti uwane rubatsiro rwauri kuda.

“Hapana chakaipa nekuchema paunofirwa. Dzimwe nguva unogona kukunda uri wega, asi unogona kutanga kufunga kuti zvinhu hazvichafi zvakachinja. Ndokusaka zvakanaka kutaurawo nemumwe munhu.”—Yvette.

Ramba uchiyeuka munhu wawaida akafa. Bhaibheri rinoti “munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo wake.” (Ruka 6:45, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Unogona kunyora zvinhu zvakanaka zvaunoyeuka nezvemunhu wacho kana kugadzira arubhamu yemapikicha ake.

“Ndakasarudza kunyora pasi zvinhu zvese zvandakadzidziswa neshamwari yangu asati afa, uye izvozvo zvakaita kuti ndirambe ndichidzidza kubva kwaari. Kuzvinyora pasi kwakandibatsira kuti nditsungirire kurwadziwa kwandaiita.”—Jeffrey.

Musikana ari kunyora mubhuku.

Chengetedza utano hwako. Bhabheri rinotaura kuti kuita maekisesaizi kunobatsira. (1 Timoti 4:8) Iva nechokwadi chekuti uri kudya zvine utano, uri kuita maekisesaizi, uye uri kuwana nguva yakakwana yekurara.

“Paunenge uri kuchema munhu afa, unogona kutadza kunyatsofunga zvakanaka, saka unofanira kuva nechokwadi chekuti uri kuramba uine utano hwakanaka. Usarega kudya uye kurara zvakakwana.”—Maria.

Mukomana ari kumhanya.

Batsira vamwe. Bhaibheri rinoti: “Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

“Edza kubatsira vamwe, kunyanya vaya vakafirwawo. Izvozvo zvinogona kukuyeuchidza kuti vamwe vari kurwadziwawo.”—Carlos.

Musikana ari kubatsira mudzimai wechikuru kushandisa tablet yake.

Taura manzwiro ako paunonyengetera. Bhaibheri rinoti Jehovha Mwari “Munzwi wemunyengetero.” (Pisarema 65:2) Rinotiwo Jehovha “anoporesa vakaora mwoyo; anosunga maronda avo.”—Pisarema 147:3.

“Kumbira Jehovha kuti akutsigire uye akusimbise. Mamwe mazuva achange akaoma kupfuura mamwe, asi Jehovha anoramba aripo kuti atibatsire.”—Jeanette.

Usabva watarisira kuti zvinhu zvichabva zvatonaka. Yeuka kuti vanhu vanoratidza marwadzo nenzira dzakasiyana-siyana. Bhaibheri rinoti Jakobho “akaramba kunyaradzwa” paaifunga kuti mwanakomana wake akanga afa. (Genesisi 37:35) Saka usanetseka kana ukaramba uchingorwadziwa.

“Zvinhu zvakasiyana-siyana zvinogona kundiyeuchidza mbuya vangu, kunyange zvazvo patopfuura makore 15 vashaya.”—Taylor.

Chimbofungidzira watyoka bhonzo. Unorwadziwa zvisingaiti, uye zvinogona kutora nguva kuti upore. Chiremba anokuudza zvaunofanira kuita kuti upore.

Mukomana akakuvara gumbo akamira pahwindo achitarisa vanhu vari kupfuura vachichovha mabhasikoro.

Ndizvo zvakangofananawo nekupora pamarwadzo ekufirwa nemunhu waunoda. Zvinotora nguva kuti marwadzo aderere. Saka iva nemwoyo murefu. Funga nezvemazano ari munyaya ino woona kuti ndeapi anganyatsokubatsira.

Zvinotaurwa nevezera rako

Isabelle.

“Kutsungirira marwadzo ekufirwa hakurevi kuti unobva wakanganwa munhu wawaida kana kuti hauchatofungi nezvake. Zvakanaka kumbopota uchiyeuka zvimwe zvinhu nezvemunhu iyeye uye uchifunga kuti aikosha uye achiri kukosha kwauri.”—Isabelle.

Jordan.

“Usazvipe mhosva marwadzo ako paanotanga kuderera. Kutangazve kufara hakurevi kuti unenge usiri kuremekedza munhu akashaya. Zvinongoreva kuti uri kupora, uye ndizvo zvaizodiwa nemunhu akashaya kuti uite.”—Jordan.

Kudzokorora: Ndingatsungirira sei marwadzo ekufirwa?

  • Taura neshamwari yako yepedyo. Kuudza mumwe munhu manzwiro ako kunogona kukubatsira kuti uwane rubatsiro rwauri kuda.

  • Ramba uchiyeuka munhu wawaida akafa. Isa pfungwa pazvinhu zvakanaka zvaunoyeuka nezvemunhu wacho, unogona kutozvinyora pasi.

  • Chengetedza utano hwako. Iva nechokwadi chekuti uri kudya zvine utano, uri kuita maekisesaizi, uye uri kuwana nguva yekuzorora.

  • Batsira vamwe. Edza kubatsira vamwe , kunyanya vaya vakafirwawo.

  • Taura manzwiro ako paunonyengetera. Kumbira Jehovha kuti akutsigire uye akusimbise.

  • Usabva watarisira kuti zvinhu zvichabva zvatonaka. Yeuka kuti vanhu vanoratidza marwadzo nenzira dzakasiyana-siyana.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe