RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • foa nyaya 6
  • Kubatana Munyika Ine Rusarura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatana Munyika Ine Rusarura
  • Kubva Mudura Renhoroondo Yedu
  • Misoro Midiki
  • Kutsungirira Matambudziko Aikonzerwa Nemitemo Yerusarura
  • Kuungana Pamwe Chete Munyika Isina Kubatana
  • Kuparidza Mundima Dzaigara Vanhu Verumwe Rudzi
  • Kubatana Munyika Ine Ruvengo
Kubva Mudura Renhoroondo Yedu
foa nyaya 6
Milton Bartlett nedzimwe hama dzechitema vachiparidza munharaunda yaigara vanhu vatema makore aiitwa rusarura.

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

Kubatana Munyika Ine Rusarura

Kubva muna 1948 kusvika kuma1990, hurumende yemuSouth Africa yakanga yakaisa mitemo yaikurudzira rusarura.a Panguva iyoyo, vanhu vakawanda vaibata vanhu vemamwe marudzi zvisina kunaka. Kallie, uyo akanga akaiswa muchikwata chemakaradhi maererano nemitemo yehurumende akati: “Vanhu vakanga vasiri vechichena vaisaruranawo.”

Zvapupu zvaJehovha zvemuSouth Africa zvinobva mumarudzi nemadzinza akasiyana-siyana. Vakaita sei panguva iyi yaiva nemitemo yaikurudzira rusarura? Zvidzidzo zvipi zvatinowana pane zvavakaita?

Kutsungirira Matambudziko Aikonzerwa Nemitemo Yerusarura

MuSouth Africa, vamwe vaipikisana nemitemo yaisarura vakatanga kuratidzira. Vakawanda vevanhu vairatidzira vakasungwa uye vamwe vacho vakaurayiwa. Izvi zvakaita kuti vanhu vaipikisana nehurumende vawedzere kuita mhirizhonga. Asi Zvapupu zvaJehovha zvaiteerera mitemo uye hazvina kubatanidzwa pakuratidzira kwacho kana kuedza kuchinja hurumende. Pavaidaro, vaitevedzera vaKristu vekare avo vakaramba ‘vachizviisa pasi pevanhu vane masimba.’—VaRoma 13:1, 2.

Kakawanda, Zvapupu zvaJehovha zvaimanikidzwa nevamwe vanhu kuti zvive nedivi razvaitsigira. Asi kuva nedivi ravaitsigira kwaizoita kuti vabatanidzwe pakurwisana kwemapato ezvematongerwo enyika kana kuti kutorwisana nevavanonamata navo. Semuenzaniso Thembsie anoti: “Vanhu pavakapandukira hurumende muna 1976, vana vechikoro vakawanda vekusekondari vaimanikidzwa kubatana nevanhu vezvematongerwo enyika kuti varatidzire. Vana vechikoro vaienda kunotsvaga vamwe vana vechikoro mudzimba dzavo kuti vabatane navo pakuratidzira. Kana ukaramba, vaigona kupisa musha wenyu kana kutokurova kusvikira wafa.” Mumwe mutungamiriri webato raipikisa hurumende akaudza Theophilus, mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti, “Kana tangokunda varungu chete, tichakuuraya nekuti hausi kurwira nyika yako.”

Kuungana Pamwe Chete Munyika Isina Kubatana

Pasinei nematambudziko aikonzerwa nerusarura, Zvapupu zvaJehovha zvemuSouth Africa zvakaramba zvichiungana kuti zvinamate Mwari. (VaHebheru 10:24, 25) Dzimwe ungano dzaitadza kuvaka Imba yeUmambo nekuti rusarura rwakaita kuti vanhu vakawanda varambe vari varombo.b Enver anoti: “Takaita makore akawanda tichirenda zvivakwa zvainge zvisina kunyatsokodzera kushandisa. Saka baba vangu vakaita kuti vanhu vapindire misangano pamba pedu. Imba yedu ndiyo yakanga yava kushandiswa seImba yeUmambo kaviri pavhiki. Dzimwe nguva paiuya vanhu 100 kuzopinda misangano. Kakawanda pataipedza misangano, taibva tapa vese vanenge vauya twekudyira-dyira.”

Zvapupu zvechitema uye zvechichena zviri pamusangano, April 1950

Musangano une vanhu vemarudzi akasiyana-siyana, Rand Stadium, Johannesburg, 1980

Hama dzaishandisa uchenjeri kuti dzikurire matambudziko aikonzerwa nerusarura. Semuenzaniso, munharaunda yeLimpopo imwe hama yechichena yakakumbirwa kuti ipe hurukuro pagungano redunhu munzvimbo yaigara vanhu vatema, asi haina kupihwa mvumo yekuenda ikoko. Saka akanotaura nemumwe muzvinapurazi wechichena ainge akaganhurana nenzvimbo yaigara vanhu vatema. Pagungano racho mukurukuri ainge ari kune rimwe divi refenzi, vateereri vari kune rimwe racho.

Kuparidza Mundima Dzaigara Vanhu Verumwe Rudzi

Makore iwayo, vanhu vaigara munzvimbo dzakasiyana-siyana zvichienderana nekuti vaiva verudzi rwupi. Saka ndima dzeungano dzaiwanzova nevanhu verudzi rumwe chete. Nemhaka yemitemo yerusarura, Zvapupu zvaitofanira kuchinja marongero azvaiita vaparidzi kuti vaite basa remumunda. Semuenzaniso, kuparidza mundima isina ungano inoishanda kwainge kwakati omei. “Kakawanda kwakanga kusina nzvimbo dzekuti vanhu vakanga vasiri vachena vawane pekurara. Saka tairara mumotokari dzedu kana pasi pemiti,” anodaro Krish, uyo akanga akaiswa muchikwata chemaIndia panguva yacho. “Kwaedza, taizonogeza muzvimbudzi zvepamagaraji aitengesa mafuta emotokari. Asi dzimwe nguva zvimbudzi izvozvo zvainge zvakanyorwa kuti ‘Vachena Chete.’ Pasinei naizvozvo, vaparidzi vaitsigira ushumiri uye vainakidzwa nekuparidzira vanhu vakawanda vekumamisha vaifarira kunzwa mashoko akanaka.”

Boka reZvapupu zvemarudzi akasiyana-siyana richiparidza kumamisha, 1981

Kunyange zvazvo vaisangana nematambudziko iwayo, vanhu vaJehovha vakaramba vachiwedzera. Hurumende payakaisa mitemo yerusarura muna 1948, muSouth Africa maiva nevaparidzi 4 831. Pakazobviswa mitemo iyi muna 1994, nhamba yevaparidzi yakanga yava 58 729. Nhamba yevaparidzi yakatoramba ichiwedzera. Muna 2021, South Africa yakanga yatova nevaparidzi 100 112.

Kubatana Munyika Ine Ruvengo

Hama yechichena ichiparidzira mumwe mukadzi wechitema nemwanakomana wake kumamisha.

Mumakore aya, South Africa yaitozivikanwa kuti yaiva nemitemo yerusarura. Asi Zvapupu zvaJehovha zvemunyika iyoyo zvakashanda nesimba kuti zvirambe zvakabatana uye zvichidanana pasinei nekuti vaiva verudzi rwupi. Vaiita izvozvo kuburikidza nekudzidzisa uye kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri. (Mabasa 10:34, 35) Kunyange zvazvo vaiva munyika ine ruvengo, vainge vakabatana nekuti vaidanana.—Johani 13:34, 35.

Muna 1993, Zvapupu zvaJehovha zvakaita gungano remarudzi akasiyana-siyana muSouth Africa. Mumwe mutungamiriri wezvematongerwo enyika aiva nemukurumbira akaona Zvapupu zvemuSouth Africa zvichikwazisana uye kumbundirana nevaenzi vainge vabva kune dzimwe nyika pavaisvika panhandare yendege. Akati: “Kudai tainge takabatana sezvamakaita, tingadai takagadzirisa matambudziko edu kare.”

Milton Henschel, aibva kuMahofisi Makuru eZvapupu zvaJehovha, achipa hurukuro pagungano rine Zvapupu zvemarudzi akasiyana-siyana, 1955

Hama yechichena neyechitema vachigadzira mota pamwe chete.

Vanhu vatema nevachena vachishanda pamwe chete pabazi reZvapupu zvaJehovha rekuSouth Africa, 1986

Skosana (kuruboshwe) uye Alfred Steynberg, vari pagungano muna 1985.

Boka reZvapupu zvemarudzi akasiyana-siyana zvichipa vanhu zvekudya pagungano muna 1985

Boka guru reZvapupu zvemarudzi akasiyana-siyana rakaungana paFNB Stadium, muJohannesburg, muna 2011

a Mitemo iyi ndiyo yaitaura kuti munhu aigona kuita basa rei, kuwana dzidzo yakaita sei, kugara kupi, uye kuti aigona kuroora kana kuroorwa naani, zvichibva pakuti munhu wacho ndewerudzi rwupi. Kuti unzwe zvakawanda nezvemitemo iyi, ona nyaya yakanzi “What Was Apartheid?” muBhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2007 reChirungu.

b Kubvira muna 1999, mari yezvipo inobviswa neungano dzeZvapupu zvaJehovha pasi rese iri kushandiswa pakuvaka uye kugadziridza Dzimba dzeUmambo chero kwadzinenge dzichidiwa.

Kubatanidza Vanhu Munyika Isina Kubatana

Tinogona kutevedzera muenzaniso wakazonaka weZvapupu zvakashumira zvakatendeka panguva iyi. Ona mienzaniso inotevera:

Minki.

Kurira mafungiro erusarura. (VaKorose 3:10, 11)

“Takakura tichidzidziswa kuti vachena vari nani pane mamwe marudzi ese,” anodaro Minki. Iye nemurume wake vakadzidza chokwadi vatova vanhu vakuru. “Takazvipira kunoshumira mundima yakanga isina vachena. Takashanda nesimba kuti tibvise mafungiro ese erusarura ataiva nawo uye tainyengetera kuna Jehovha tichimuudza nezvedambudziko iroro.” Minki nemurume wake vakakurira mafungiro erusarura uye vakawana makomborero akawanda. “Pashure pemakore matatu chete, boka rataishumira naro rakava ungano ine nevanhu vanopfuura 100 vaipinda misangano.”

Braaf.

“Usakurumidza kugumbuka.” (Muparidzi 7:9)

“Kana chimwe Chapupu chikataura kana kuita chimwe chinhu chinoratidza rusarura, ndinoyeuka kuti Jehovha ane mwoyo murefu chaizvo,” anodaro Braaf. “Zvinotora nguva kupfeka unhu hutsva.” (VaEfeso 4:23, 24) “Ndinonyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire kutevedzera mwoyo murefu wake uye kuti ndirambe ndichida vamwe.”

Loyiso.

Ramba usina divi raunotsigira mune zvematongerwo enyika uye usateerera mashoko anozoita kuti upindire mune zvematongerwo enyika. (Johani 17:16)

“Kwaiva nemagazini akawanda aishora nyaya dzerusarura,” anodaro Loyiso. “Ndaisada kuva nedivi randinotsigira, saka ndaisaverenga magazini iwayo.”

Ronnie.

Ramba wakaisa pfungwa dzako pakuita kuda kwaMwari. (1 Johani 2:17)

“Kuva musangano raJehovha kunoita kuti ndive nechinangwa muupenyu uye ndinyatsonzwa kuti ndiri pakati pevanhu vake,” anodaro Ronnie. “Kuramba ndichiita ushumiri uye zvimwe zvinhu zvine chekuita nekunamata kwakandibatsira kuti ndibvise pfungwa dzangu pakuoma kwainge kwakaita upenyu panguva iyi yaiitwa zverusarura.”

Ernest.

Tevedzera mirayiridzo inopiwa nesangano raMwari kwete mafungiro evanhu. (Jakobho 3:13, 17, 18)

“Ndakatanga kushumira semutariri wedunhu ndiine makore 26,” anodaro Ernest, uyo akanga akaiswa muchikwata chemakaradhi. “Dzimwe ungano dzandaishanyira dzaiva nevakuru vainge vakura zvekuti vaigona kutoita savanababa vangu! Asi hama idzodzo hadzina kumbobvira dzaita sekuti dzaiva nani kundipfuura. Vaizvininipisa uye vaigamuchira mirayiridzo yesangano nemazano andaivapa.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe